Kurira Zvipingamupinyi Zvinokutadzisa Kufambira Mberi!
MOTA yako iri mugiya, uye injini iri kurira, asi inoramba kuenda mberi. Kuti pane chafa? Kwete, zidombo rakaiswa pamberi perimwe vhiri. Kungoribvisa chete ndokunodiwa kuti mota ifambe.
Saizvozvowo, vamwe vari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha vane zvipingamupinyi zvinogona kupinganidza kufambira mberi kwavo mune zvokunamata. Somuenzaniso, Jesu akanyevera kuti zvinhu zvakadai so“kufunganya kwegadziriro ino yezvinhu nesimba rinonyengera repfuma” zvinogona ku“vhunga shoko” rechokwadi ndokudzivisa kukura.—Mateu 13:22.
Kune vamwe, miitiro iri muropa kana kumwe kutadza kunovadzivisa kufambira mberi. Mumwe murume wokuJapan anonzi Yutaka aida shoko reBhaibheri, asi akanga ane chinetso chikuru chokubhejera. Akanga aedza kakawanda kukurira muitiro uyu asi akanga akundikana. Kupindwa muropa kwake kwakanga kwamuita kuti arasikirwe nemari yakawanda, misha mitatu, kuremekedzwa nemhuri yake, uye kuzviremekedza iye pachake. Aizogona here kubvisa chipingamupinyi ichi ndokuva muKristu?
Kana kuti funga nezvomukadzi anonzi Keiko. Achibatsirwa neBhaibheri, akarega zvinhu zvakashata zvakadai sokunamata zvidhori, unzenza, uye kushopera. Zvisinei, Keiko anobvuma kuti: “Chaiva chipingamupinyi chikuru kwandiri kwakanga kuri kusvuta. Ndakaedza kurega kakawanda zvikuru asi ndakakundikana.”
Iwewo ungave une chimwe chinoratidzika sechipingamupinyi chisingatsuduguki chakati dzikiti munzira yako yokufambira mberi. Zvisinei nokuti chingava chii, iva nechokwadi chokuti chinogona kukurirwa uchibatsirwa naMwari.
Yeuka zano raJesu kuvadzidzi vake pavakanga vakundikana kubvisa dhimoni kubva kumurume akanga ane tsviyo. Jesu aita zvavakanga vakundikana, akaudza vadzidzi vake kuti: “Kana mune kutenda kwakakura setsanga yemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chichava chisingabviri kwamuri.” (Mateu 17:14-20; Mako 9:17-29) Hungu, chinetso chingaratidzika kunge gomo guru kwatiri chidukuduku uye hachimbooneki kuti pane chinhu kune Musiki wedu ane simba rose.—Genesi 18:14; Mako 10:27.
Kuziva Zvinotadzisa Kufambira Mberi
Usati wakurira zvipingamupinyi zvako, unofanira kuona kuti zvipingamupinyi izvozvo zvinombova chii. Ungaita izvozvo sei? Dzimwe nguva nhengo yomuungano, yakadai somukuru kana kuti munhu ari kukudzidzisa Bhaibheri achataura nezvechimwe chinhu kwauri. Pane kutsamwa nemhaka yezano rorudo rakadaro, unofanira ‘kunzwa kurayirira kuti uve akachenjera’ uchizvininipisa. (Zvirevo 8:33) Pane dzimwe nguva, unogona kusvika pakuziva zvaunokanganisa paunodzidza Bhaibheri. Hungu, shoko raMwari “ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Kuverenga Bhaibheri nemabhuku anotsanangura zviri muBhaibheri kunogona kuisa pachena zvaunofunga, zvaunonzwa, uye zvinangwa zvako zvakadzama. Kunokubatsira kuzviyera maererano nezvinodiwa naJehovha zvakakwirira. Kunoita kuti uzive uye kunoratidza zvinhu zvingapinganidza kufambira mberi kwako mumudzimu.—Jakobho 1:23-25.
Somuenzaniso, ngatitii mudzidzi weBhaibheri ave ane muitiro wokurarama achifunga zvounzenza. Haambooni kukuvadza kwazvinoita mukudaro, achifunga kuti haana kana chakashata chaari kuita. Munguva yokudzidza kwake, anosvika pamashoko aJakobho 1:14, 15 anoti: “Asi mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva, pakunenge kwakura, kunobereka chivi, chiviwo, pachinenge chaitwa, chinoparira rufu.” Zvino anoona kuti kuramba ari munzira iyi kunokanganisa sei kufambira mberi kwake! Angabvisa sei chinotadzisa kufambira mberi ichi?—Mako 7:21-23.
Kukurira Zvipingamupinyi
Zvichida achibatsirwa nomuKristu akura, mudzidzi wacho angatsvakurudza zvokuwedzera muShoko raMwari achishandisa Watch Tower Publications Index.a Somuenzaniso, musoro unoti “Mifungo,” unonongedzera muverengi kunyaya dzakawanda dzakabudiswa dzinotaura nezvokukurira kufunga zvinokuvadza. Nyaya idzi dzinotaura nezvemashoko eBhaibheri anobatsira, akadai saVaFiripi 4:8, inoti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.” Hungu, kufunga zvounzenza kunofanira kutsiviwa nokufunga kwakachena, kunovaka!
Mukutsvakurudza kwake, hapana mubvunzo kuti mudzidzi achawana dzimwe nheyo dzeBhaibheri dzichamubatsira kudzivisa kuwedzera chinetso chake. Somuenzaniso, Zvirevo 6:27 uye Mateu 5:28 dzinonyevera pamusoro pokudyisa pfungwa dzedu nezvinhu zvinoita kuti tinzwe kuda kurara nomunhu. “Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo,” akanyengetera kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 119:37) Chokwadi, kungoverenga mashoko aya eBhaibheri hakuna kukwana. “Mwoyo wowakarurama uno[“fungisisa,” NW],” anodaro murume akachenjera. (Zvirevo 15:28) Nokufunga kwete chete zvinorayirwa naMwari asiwo kuti nei achizvirayira, mudzidzi anogona kusvika pakunzwisisa zvakadzama uchenjeri uye kuva nomusoro kwenzira dzaMwari.
Pakupedzisira, uya anovavarira kukurira chidziviso chokufambira mberi kwake ichi anofanira kubva atotsvaka kubatsirwa naJehovha. Zvekarewo, Mwari anoziva maumbirwo edu, kuti hatina kukwana, takagadzirwa neguruva. (Pisarema 103:14) Minyengetero inopfuurira kuna Mwari yokukumbira kubatsirwa, pamwe nokuedza kwakasimba kudzivisa kufunga zvinhu zvounzenza, pakupedzisira zvichaita kuti pave nomugumisiro unofadza—hana yakachena, isina zvinoiremera.—VaHebheru 9:14.
Usarega
Ungava uchitambura nechinetso chipi zvacho, ziva kuti kumbodzokera kune zvawaiita kunomboitika. Panoitika izvozvo, zvinongoitika zvoga kuti tinonzwa kuvhiringidzwa uye kuodzwa mwoyo. Zvisinei, yeuka mashoko ari pana VaGaratiya 6:9 anoti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.” Vashumiri vaMwari vakanga vakazvipira kwazvo vakadai saDhavhidhi naPetro vakambokundikana zvinonyadzisa. Asi havana kurega. Vakabvuma zano nokuzvininipisa, vakagadziridza zvaidiwa, uye vakapfuurira kuzviratidza kuva vashumiri vaMwari vakatanhamara. (Zvirevo 24:16) Pasinei zvapo nezvikanganiso zvaDhavhidhi, Jehovha akamudana kuti “munhu anodiwa nemwoyo wangu, achaita zvinhu zvose zvandinoda.” (Mabasa 13:22) Petro akakurirawo zvikanganiso zvake uye akava mbiru muungano yechiKristu.
Vakawanda nhasi vakabudirira zvakadaro mukukurira zvipingamupinyi. Yutaka, ambodudzwa, akabvuma kudzidza Bhaibheri. Anorondedzera kuti: “Kutsigirwa naJehovha uye kukomborerwa naye pane kufambira mberi kwose kwandaiita kwakandibatsira kuti ndikurire chinetso changu chokubhejera. Ndine mufaro mukuru mukuona kuitika kwemashoko aJesu kwandiri—kuti nokutenda, kunyange ‘makomo’ anogona kufambiswa.” Nokufamba kwenguva, Yutaka akava mushumiri anoshumira muungano.
Zvakadini naKeiko, akanga akapindwa muropa nefodya? Hanzvadzi yaidzidza naye yakamuti averenge nyaya dzakawanda dzeMukai! dzinotaura pamusoro pokupindwa muropa nefodya. Keiko akatoisa mashoko ari pana 2 VaKorinde 7:1 mumota yake sechiyeuchidzo chezuva nezuva chokuti agare akachena mumeso aJehovha. Asi, haana kugona kurega. “Zvaindivhiringidza zvikuru,” anoyeuka kudaro Keiko. “Saka ndakatanga kuzvibvunza zvandaida chaizvo—ndaida kushumira Jehovha kana kuti Satani here?” Paakangosarudza kuti aida kushumira Jehovha, akanyengetera nomwoyo wose kuti abatsirwe. “Zvakandishamisa,” anoyeuka kudaro, “kuti ndakagona kurega kusvuta pasina kutambura kwakanyanya. Ndinongodemba kuti dai ndaive ndakazviita kare.”
Iwewo unogona kubudirira kukurira zvinopinganidza kufambira mberi kwako. Paunonyanya kuita kuti zvaunofunga, zvaunoda, mashoko ako, uye zviito zvako zvienderane nezvinofanira kutevedzerwa zviri muBhaibheri, uchaona kuti uchawedzera kuzviremekedza uye chivimbo. Hama dzako nehanzvadzi dzaunonamata nadzo, kusanganisira nhengo dzemhuri, dzichazorodzwa uye kukurudzirwa padzinosonganira newe. Chinokosha kupfuura zvose, uchadzamisa ukama hwako naJehovha Mwari. Akavimbisa kuti ‘achabvisa chigumbuso chose panzira yavanhu vake’ pavanenge vachitiza kudzorwa naSatani. (Isaya 57:14) Uye unogona kuva nechokwadi chokuti kana ukaedza kubvisa uye kukurira zvipingamupinyi zvinokutadzisa kufambira mberi mumudzimu, Jehovha achakukomborera zvikuru.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa mumitauro yakati kuti neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Jesu akavimbisa kuti nokutenda, zvipingamupinyi zvinenge makomo zvinogona kukurirwa
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kuverenga Bhaibheri kunosimbisa kuedza kwedu kukurira zvikanganiso zvatinoita mukunamata