Vana Vedu—Nhaka Inokosha
“Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.”—PISAREMA 127:3.
1. Zvakafamba sei kuti mwana wokutanga wevanhu aberekwe?
FUNGA nezvezviitiko zvinoshamisa zvakaitwa kuti zvibvire naJehovha Mwari nemasikiro aakaita murume nomukadzi vokutanga. Baba vacho, Adhamu, naamai vacho Evha, vane zvavakaita pakuumba sero rakazokura muchibereko chaEvha rikava munhu mutsva akaumbwa zvakakwana—mwana wokutanga wevanhu. (Genesi 4:1) Nanhasi, kubata pamuviri uye kuberekwa kwomwana kunotishamisa zvikuru, uye vakawanda vanokurondedzera sechishamiso.
2. Nei ungataura kuti zvinoitika mudumbu romukadzi ane pamuviri chishamiso?
2 Mumazuva anenge 270, sero rokutanga rinoumbwa mudumbu raamai nemhaka yokusangana kwavakaita nababa rinokura kuva mwana anoumbwa nematiririyoni emasero. Musero rokutanga iroro munenge muine mirayiridzo inodiwa kuti riumbe marudzi anopfuura 200 emasero. Achitevedzera mirayiridzo iyoyo inoshamisa, isina munhu anokwanisa kuinzwisisa zvizere, masero aya akaoma kunyatsonzwisisa anokura sezvaanofanira kuita chaizvo uye nenzira yakarurama zvokuti anoumba munhu mupenyu mutsva!
3. Nei vanhu vakawanda vanofunga vachibvuma kuti Mwari ndiye anofanira kunge akaita kuti munhu mutsva aberekwe?
3 Saka, ungati musiki chaiye womwana ndiani? Zvechokwadi ndoUya akasika upenyu pakutanga. Munyori wePisarema romuBhaibheri akaimba kuti: “Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; ndiye wakatiita, tiri vanhu vake.” (Pisarema 100:3) Vabereki, munonyatsozviziva kuti hakusi kungwara kwenyu kwakaita kuti mubereke kasvava kanokosha ikako. Mwari ane uchenjeri husingaenzaniswi ndiye oga angava akaita kuti kuumbwa kunoshamisa kwomunhu mupenyu mutsva kuitike. Kwezviuru zvemakore, vanhu vanofunga vave vachiti Musiki Mukuru ndiye akaita kuti mwana aumbwe mudumbu raamai. Ndizvo zvaunofungawo here?—Pisarema 139:13-16.
4. Chikanganiso chipi chinoitwa nevanhu chisingambogoni kunzi chinoitwawo naJehovha?
4 Zvisinei, Jehovha Musiki asina hanya here, akangotanga urongwa hwokuti varume nevakadzi vabereke vana? Vamwe vanhu havana hanya, asi Jehovha haana kudaro. (Pisarema 78:38-40) Pana Pisarema 127:3, Bhaibheri rinoti: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.” Iye zvino ngatimbokurukurai kuti nhaka chii uye kuti inotipa uchapupu hwei.
Nhaka uye Mubayiro
5. Nei vana vari nhaka?
5 Nhaka yakafanana nechipo. Kazhinji vabereki vanoshanda zvakaoma zvikuru kuti vasiyire vana vavo nhaka. Ingava iri mari, pfuma, kana kuti chimwe chinhu chinokosha. Chero zvaingava, inoratidza rudo rwevabereki. Bhaibheri rinoti Mwari akapa vabereki vana vavo senhaka. Chipo chinobva kwaari chinoratidza rudo. Kana uri mubereki, ungataura here kuti zvaunoita zvinoratidza kuti unoona vana vako sechipo chawakaronzeswa noMusiki wezvinhu zvose?
6. Chinangwa chaMwari pakuita kuti vanhu vakwanise kuva nevana chaiva chei?
6 Jehovha paakapa chipo ichi, chinangwa chake chaiva chokuti nyika izadzwe nevazukuru vaAdhamu naEvha. (Genesi 1:27, 28; Isaya 45:18) Jehovha haana kusika munhu mumwe nomumwe zvakananga sezvaakaita mamiriyoni engirozi. (Pisarema 104:4; Zvakazarurwa 4:11) Pane kudaro, Mwari akasarudza kusika vanhu vachikwanisa kubereka vana vaizotodza vabereki vavo zvinooneka. Zvechokwadi iropafadzo kuti amai nababa vabereke ndokutarisira munhu mutsva akadaro! Sevabereki, munotenda Jehovha kuti akaita kuti mukwanise kuva nenhaka iyi inokosha here?
Dzidza Pamuenzaniso waJesu
7. Kusiyana nezvinoitwa nevamwe vabereki, Jesu akaratidza sei kufarira uye kunzwira tsitsi “vanakomana vavanhu”?
7 Zvinosuruvarisa kuti havasi vabereki vose vanoona vana somubayiro. Vakawanda havanzwiri tsitsi vana vavo. Vabereki vakadaro havatevedzeri maonero aJehovha kana kuti oMwanakomana wake. (Pisarema 27:10; Isaya 49:15) Kusiyana nevabereki ava, funga nezvokufarira vana kwaiita Jesu. Kunyange Jesu asati auya pasi pano somunhu—paaiva munhu womudzimu ane simba kudenga—Bhaibheri rinoti a“ifadzwa navanakomana vavanhu.” (Zvirevo 8:31) Aida vanhu zvikuru zvokuti akapa upenyu hwake sorudzikinuro nokuzvidira kuitira kuti tiwane upenyu husingaperi.—Mateu 20:28; Johani 10:18.
8. Jesu akaratidza sei vabereki muenzaniso wakanaka?
8 Paaiva pasi pano, Jesu akaratidza muenzaniso wakanyanya kunakira vabereki. Funga nezvezvaakaita. Akapedza nguva yakawanda aine vana, kunyange paaiva akabatikana zvikuru uye achishushikana. Akavatarisa vachitamba pamusika uye paaidzidzisa akashandisa zvaaiona vachiita. (Mateu 11:16, 17) Parwendo rwake rwokupedzisira rwokuJerusarema, Jesu aiziva kuti aizotambura uye aizourayiwa. Saka vanhu pavakauya nevana kuti vamuone, vadzidzi vaJesu vakaedza kudzinga vana vacho, zvichida vachiedza kudzivirira Jesu kuti asaramba achishushikana. Asi Jesu akatsiura vadzidzi vake. Achiratidza kuti ai“fadzwa navanakomana vavanhu,” akati: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedze kuvadzivisa.”—Mako 10:13, 14.
9. Nei zvatinoita zvingatova zvinokosha zvikuru kupfuura zvatinotaura?
9 Tinogona kudzidza pamuenzaniso waJesu. Vana pavanouya kwatiri, tinoita sei—kunyange patinenge takabatikana? Tinoita sezvakaita Jesu here? Chinodiwa nevana, kunyanya kuvabereki vavo, ndicho icho Jesu aida kuvapa—nguva yake uye kuvaratidza rudo. Ichokwadi kuti mashoko akadai seokuti “Ndinokuda” anokosha. Asi, zviito zvinotaura zvinonzwika kupfuura mashoko. Rudo rwako runoratidzwa kwete chete nezvaunotaura asiwo kunyanya nezvaunoita. Runoratidzwa nenguva, rudo, uye kutarisira kwaunoita vana vako. Zvisinei, kuita zvose izvozvo kungasava nemigumisiro inooneka, zvichida nokukurumidza sezvaungatarisira. Zvinoda kushivirira. Tinogona kudzidza kushivirira kana tikatevedzera mabatiro aiita Jesu vadzidzi vake.
Kushivirira kwaJesu uye Rudo Rwake
10. Jesu akadzidzisa sei vadzidzi vake chidzidzo chokuzvininipisa, uye pakutanga zvakabudirira here?
10 Jesu aiziva nezvokukwikwidzana kwairamba kuchiita vadzidzi vake pamusoro poukuru. Rimwe zuva pashure pokunge asvika muKapenaume aine vadzidzi vake, akavabvunza kuti: “‘Manga muchiitirana nharo pamusoro pei mumugwagwa?’ Vakaramba vakanyarara, nokuti mumugwagwa vakanga vaitirana nharo kuti ndiani aiva mukuru.” Pane kuvatuka nehasha, achishivirira Jesu akavaratidza muenzaniso unoshanda kuitira kuti avadzidzise kuzvininipisa. (Mako 9:33-37) Izvi zvakaita kuti zvaaitarisira zviitike here? Kwete panguva iyoyo. Kwapera mwedzi inenge mitanhatu, Jakobho naJohani vakakurudzira amai vavo kuti vavakumbirire kuna Jesu zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo. Zvakare, Jesu akagadzirisa mafungiro avo achishivirira.—Mateu 20:20-28.
11. (a) Itsika ipi iyo vaapostora vaJesu vakakundikana kuita pashure pokunge vasvika muimba yepamusoro naJesu? (b) Jesu akaitei, uye zvaakaita zvakabudirira here panguva iyoyo?
11 Nenguva isipi Paseka ya33 C.E yakasvika, uye Jesu akaungana nevadzidzi vake vari voga kuti vaichengete. Pavakasvika muimba yepamusoro, hapana kana mumwe wevaapostora 12 akatanga kuita tsika yokugeza tsoka dzevamwe dzaiva dzizere guruva—basa rakaderera raiwanzoitwa nomushandi kana kuti nomukadzi aiva muimba yacho. (1 Samueri 25:41; 1 Timoti 5:10) Zvinofanira kunge zvakashungurudza Jesu zvikuru paakaona kuti vadzidzi vake vairamba vachiratidza kuti vaida kutsvaka zvinzvimbo! Saka Jesu akageza tsoka dzomumwe nomumwe wavo achibva avateterera nomwoyo wose kuti vatevedzere muenzaniso wake wokushumira vamwe. (Johani 13:4-17) Vakautevedzera here? Bhaibheri rinoti pave paya manheru iwayo “pakavawo nenharo huru pakati pavo pamusoro pokuti ndiani wavo airatidzika somukuru kupfuura vose.”—Ruka 22:24.
12. Vabereki vangatevedzera sei Jesu pavanenge vachiedza kudzidzisa vana vavo?
12 Vana venyu pavanotadza kuita zvamunenge mavarayira, imi vabereki munoona here kuti Jesu anofanira kunge akanzwa sei? Yeukai kuti Jesu haana kukanda mapfumo pasi nezvevaapostora vake, kunyange zvazvo vakanga vachitora nguva refu kuti vagadzirise zvikanganiso zvavo. Pakupedzisira kushivirira kwake kwakava nemigumisiro yakanaka. (1 Johani 3:14, 18) Vabereki, munofanira kutevedzera rudo rwaJesu nokushivirira, musingambokandi mapfumo pasi pamunenge muchiedza kudzidzisa vana venyu.
13. Nei mubereki asingafaniri kungokurumidza kudzinga nehasha mwana anenge ane zvaabvunza?
13 Vana vanofanira kuona kuti vabereki vavo vanovada uye kuti vane hanya navo. Jesu aida kuziva zvaifungwa nevadzidzi vake, saka aiteerera pavaiva nemibvunzo. Aivabvunza zvavaifunga nezvenyaya dzakasiyana-siyana. (Mateu 17:25-27) Chokwadi, kudzidzisa kwakanaka kunosanganisira kunyatsoteerera uye kuva nehanya zvinobva pamwoyo. Mubereki haafaniri kudzinga mwana anenge aine zvaabvunza achiti nehasha: “Ibva pano iwe! Hausi kuona here kuti ndine basa?” Kana mubereki aine basa zvechokwadi, mwana anofanira kuudzwa kuti vachazokurukura nyaya yacho pava paya. Zvadaro, vabereki vanofanira kuva nechokwadi chokuti nyaya yacho inozokurukurwa. Kana vakadaro, mwana achaona kuti zvechokwadi mubereki anomuda, uye zvichava nyore kuti ataurire mubereki zviri pamwoyo.
14. Vabereki vangadzidzei kuna Jesu nezvokuratidza vana vavo rudo?
14 Zvakakodzera here kuti vabereki varatidze kuti vanoda vana vavo nokuvafungatira uye kuvambundira? Zvakare, vabereki vanogona kudzidza kuna Jesu. Bhaibheri rinoti “akafungatira vana mumaoko ake akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” (Mako 10:16) Munofunga kuti vana vacho vakanzwa sei? Zvechokwadi vakafara, uye vakaswededzwa pedyo naJesu! Kana imi vabereki muchida vana venyu zvechokwadi, zvichava nyore kuti vateerere zvamunoedza kuita pakuvaranga nokuvadzidzisa.
Nyaya Yenguva Yamunopedza Nevana Venyu
15, 16. Ndeipi yave iri pfungwa yakakurumbira yezvokurerwa kwevana, uye chii chakaita kuti ikurudzirwe?
15 Vamwe havana chokwadi kana vabereki vachifanira kupedza nguva yakawanda vaine vana vavo uye kuvatarisira norudo. Pfungwa yezvokurerwa kwevana yave ichikurudzirwa zvine unyanzvi ndeyokuva nenguva inonzi nguva yakanaka. Vanotsigira pfungwa iyi vanoti vabereki havafaniri havo kupedza nguva yakawanda vaine vana vavo chero bedzi nguva shoma yavanopedza navo ine chinangwa, yakagadzirirwa, uye yakafanorongwa. Pfungwa iyi yeinonzi nguva yakanaka ipfungwa yakanaka here, uye yakatangwa pachifungwa nezvemagariro akanaka evana here?
16 Mumwe munyori akanga ataura nevana vakawanda akati zvavaida “kuvabereki vavo kupfuura zvimwe zvose kuva nenguva yakawanda navo,” pamwe no“kuratidzwa rudo zvakakwana.” Mumwe purofesa wepakoreji akati: “Mashoko okuti [nguva yakanaka] akabva pakuti vabereki vakaona kuti pane zvavasiri kuita. Vanhu vakanga vachizvipembedza kuti vapedze nguva shoma nevana vavo.” Vabereki vanofanira kupedza nguva yakawanda sei vaine vana vavo?
17. Vana vanodei kuvabereki?
17 Bhaibheri haritauri. Zvisinei, vabereki vechiIsraeri vaikurudzirwa kuti vataure nevana vavo pavaiva mumba mavo, pavaifamba mumugwagwa, pavairara, uye pavaimuka. (Dheuteronomio 6:7) Zviri pachena kuti izvi zvinoreva kuti vabereki vanofanira kutaura nevana vavo uye kuvadzidzisa nguva dzose, zuva nezuva.
18. Jesu akashandisa sei mikana yokudzidzisa vadzidzi vake, uye vabereki vangadzidzei pane izvi?
18 Jesu akabudirira kudzidzisa vadzidzi vake paaidya navo, paaifamba navo, kunyange paaizorora navo. Akashandisa mikana yose yokuti avadzidzise. (Mako 6:31, 32; Ruka 8:1; 22:14) Saizvozvowo, vabereki vechiKristu vanofanira kungwarira kushandisa mikana yose kuti vatange uye varambe vachikurukura zvakanaka nevana vavo uye kuti vavadzidzise nzira dzaJehovha.
Zvamunofanira Kuvadzidzisa uye Maitirwo Azvo
19. (a) Kunze kwokupedza nguva yakawanda nevana, chii chimwe chinodiwa? (b) Vabereki vanofanira kunyanya kudzidzisa vana nezvechii?
19 Kungopedza nguva yakawanda nevana uye kunyange kuvadzidzisa handizvo zvoga zvinodiwa kuti mubudirire kuvarera. Zvinodzidziswa zvacho zvinokoshawo. Cherechedza kuti Bhaibheri rinoti ndezvipi zvinofanira kudzidziswa. “Mashoko awa andinokurayira nhasi,” rinodaro, “unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako.” “Mashoko awa” anofanira kudzidziswa vana ndeapi? Zviri pachena kuti mashoko akanga achangobva kutaurwa, anoti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” (Dheuteronomio 6:5-7) Jesu akati uyu ndiwo murayiro unokosha kupfuura mirayiro yaMwari yose. (Mako 12:28-30) Vabereki ndivo vanofanira kunyanya kudzidzisa vana nezvaJehovha, vachitsanangura kuti nei iye oga akakodzera kuti timude nomweya wedu wose uye kuti tizvipire kwaari.
20. Mwari akarayira vabereki vekare kuti vadzidzise vana vavo chii?
20 Zvisinei, “mashoko awa” ayo vabereki vanokurudzirwa kuti vadzidzise vana vavo anosanganisira zvinopfuura kungoti munhu anyatsoda Mwari. Uchaona kuti muchitsauko chechishanu chaDheuteronomio, Mosesi anodzokorora mitemo yakanyorwa naMwari pamahwendefa ematombo—Mirayiro Gumi. Mitemo iyi inosanganisira mirayiro yokuti usareva nhema, usaba, usaponda, uye usaita upombwe. (Dheuteronomio 5:11-22) Saka vabereki vekare vairatidzwa kukosha kwokudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka. Vabereki vechiKristu nhasi vanofanira kupa vana vavo mirayiridzo yakafanana kuti vavabatsire kuva neramangwana rakachengeteka, rinofadza.
21. Murayiridzo ‘wokushingaira kudzidzisa’ vaduku shoko raMwari unorevei?
21 Ona kuti vabereki vanoudzwa madzidzisiro avanofanira kuita vana vavo “mashoko awa,” kana kuti mirayiro: “Unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako.” Mashoko okuti “kushingaira kuadzidzisa” anoreva “kudzidzisa uye kusimbisa nokuramba uchidzokorora kana kuti uchirayira: kukurudzira kana kuti kuita kuti zvirambe zviri mupfungwa.” Saka, zvechokwadi Mwari ari kuudza vabereki kuti vatange purogiramu yakarongwa yokurayiridza neBhaibheri ine vavariro yakananga yokuisa zvinhu zvine chokuita nokunamata mupfungwa dzevana vavo zvakasimba.
22. Vabereki vechiIsraeri vakaudzwa kuti vaitei kuti varayiridze vana vavo, uye izvozvo zvairevei?
22 Purogiramu yakarongwa yakadaro inoda kuti vabereki vatange ivo. Bhaibheri rinoti: “Unofanira kuasungira [“mashoko awa,” kana kuti mirayiro yaMwari] paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako. Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako.” (Dheuteronomio 6:8, 9) Izvi hazvirevi kuti vabereki vanofanira kunyora mitemo yaMwari pamagwatidziro chaiwo kana kuti masuo chaiwo, kuisungirira pamaoko evana vavo, uye kuiisa pakati pemaziso avo. Asi zviri kutaurwa apa ndezvokuti vabereki vanofanira kugara vachiyeuchidza vana vavo dzidziso dzaMwari. Vanofanira kugara vachidzidzisa vana vavo, zvokuti zvinoita sokuti dzidziso dzaMwari dziri pamberi pevana vacho chaipo nguva dzose.
23. Chii chichakurukurwa muchidzidzo chevhiki inouya?
23 Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinonyanya kukosha izvo vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo? Mazuva ano nei zvichikosha kuti vana vadzidziswe uye varovedzwe kuti vazvidzivirire? Ruyamuro rwei rwava nevabereki runovabatsira kudzidzisa vana vavo zvinobudirira? Mibvunzo iyi nemimwe ine chokuita nevabereki ichakurukurwa munyaya inotevera.
Ungapindura Sei?
• Nei vabereki vachifanira kuona vana vavo sevanokosha?
• Vabereki nevamwe vangadzidzei kuna Jesu?
• Vabereki vanofanira kupa vana vavo nguva yakawanda sei?
• Vana vanofanira kudzidziswei, uye kudzidzisa kwacho kunofanira kuitwa sei?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Vabereki vangadzidzei pamadzidzisiro aiita Jesu?
[Mifananidzo iri papeji 11]
Vabereki vechiIsraeri vaidzidzisa vana vavo rini uye sei?
[Mifananidzo iri papeji 12]
Vabereki vanofanira kuramba vachidzidzisa vana vavo dzidziso dzaMwari