RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 6/1 p. 3
  • Zvakaipa—Hazvichadzoreki Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaipa—Hazvichadzoreki Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakanaka Zvinorwisana Nezvakaipa—Hondo Yekare Kare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvakanaka Zvichazombokurira Zvakaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Nzira Iyo Zvakanaka Zvichakunda Nayo Zvakaipa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Raiva Zana Remakore raSatani Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 6/1 p. 3

Zvakaipa—Hazvichadzoreki Here?

Kamwe kakomana kanonhonga chimwe chinhu musango kachida kuona kuti chii. Kanoremadzwa kova bofu kwoupenyu hwako hwose, nokuti kanhonga chimbambaira. Vamwe amai vanorasa kacheche kavo, vachikaviga mumarara ari padivi pomugwagwa. Mumwe mushandi akadzingwa basa anodzoka paaimboshandira opfura munhu wose waanoona, obva azviuraya. Munhu anoremekedzwa munzanga anoshungurudza vana vasingagoni kuzvidzivirira panyaya dzepabonde.

ZVINOSURUVARISA kuti zvinhu zvakaipa kudaro zvajairika zvakanyanya mazuva ano. Zvinotonyanya kusuruvarisa ndezvokuti zvinhu izvi hazviwanzotaurwi nokuti panenge paine zvimwe zvakatoipa zvikuru zvokuurayana kwemarudzi uye ugandanga. Imwe nyaya yakabuda muna 1995 yakati: “Zana remakore rino rechi20 rave rakaipisisa zvokuti nderaSatani. Hazvisati zvamboitika kuti vanhu varatidze kuti vanokwanisa uye vanoda kuuraya zvakadaro mamiriyoni evanhu vemamwe marudzi, zvitendero kana kuti mapoka.”

Uyewo vanhu vari kusvibisa mhepo, vari kuparadza nyika, vari kuparadza zviwanikwa, uye vari kuuraya mhuka dzakawanda zvokuti mamwe marudzi emhuka asara mashomanana chaizvo. Zvinoita here kuti vanhu varege zvakaipa zvose izvi voita kuti nyika ive nzvimbo iri nani, yakachengeteka? Kana kuti kuedza kuita izvozvo kuteya nzou neriva here? Mumwe muzvinadzidzo akanyora zvakawanda nezvezvakaipa akati: “Ndave ndichida nomwoyo wose kuti ndichinje nyika, ndiivandudze. Asi nyika haisi kuvandudzika.” Zvichida unoonawo saizvozvo.

Zviri kuitika munyika zvingafananidzwa nechikepe chiri kufamba mumakungwa ari kuwedzera kusagadzikana uye kuva nengozi zuva nezuva. Kunyange zvazvo pasina munhu angada kuenda naikoko, zvose zvavanoedza kuita kuti vachinje nzira hazvibudiriri. Chikepe chacho chinongofamba chakananga kune mhepo iyi ine ngozi, chisingadzoreki.

Kusvika pamwero wakati, mamiriro ezvinhu aya ari kuramba achiipa anganzi anokonzerwa nokusakwana kwevanhu. (VaRoma 3:23) Kunyange zvakadaro, kupararira kwezvakaipa, kuwanda kwazvo, uye kuwedzera kwazviri kuita kwakakura zvikuru zvokuti zvinganzi hazvisi zvoga. Vanhu vangadaro vari kunyengerwa nesimba risingaoneki uye rakaipa here? Kana zvakadaro, nderipi simba iroro, uye tingazvidzivirira sei pariri? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

© Heldur Netocny/Panos Pictures

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe