Nguva Yokusarudza
“Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika munhurume nomunhukadzi.”—Genesisi 1:27.
MASHOKO iwayo anozivikanwa nevakawanda anowanika mumapeji okutanga-tanga eBhaibheri anotsanangura chimwe chezvinhu zvikuru izvo Mwari “akaita . . . zvakanaka panguva yazvo”—kusika kwaakaita vanhu vaviri vokutanga vaive vakakwana, Adhamu naEvha. (Muparidzi 3:11) Somusiki wavo, Jehovha Mwari akavaudza kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”—Genesisi 1:28.
Mwari akazivisa vanhu vaviri vokutanga chinangwa chake paakataura mashoko iwayo. Vaizofanira kuwanda uye kutarisira pasi, kuchinja pasi rose kuti rive paradhiso rova musha wavo nevana vavo. Mwari akanga asina kufanosarudza kuti vaizofa rini. Pane kudaro, Mwari akavavimbisa remangwana raive rakanaka zvikuru. Kudai vaizosarudza kuita zvakarurama uye kuramba vachiita zvaidiwa naMwari, vaizorarama nokusingaperi vachifara uye vaine rugare rwakakwana.
Vakatadza kusarudza zvakanaka, uye zvakaguma zvaita kuti vanhu vose vakwegure nokufa. Kutaura chokwadi, musoro wemhuri Jobho akabvuma kuti: “Munhu, akaberekwa nomukadzi, anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa.” (Jobho 14:1) Ndepapi pakakanganisika?
Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Zviri pachena kuti “munhu mumwe chete” iyeye ndiAdhamu, akasarudza kuputsa nemaune mutemo waMwari waiva wakajeka. (Genesisi 2:17) Nezvaakasarudza, Adhamu akakanganisa mukana wake wokuti ararame nokusingaperi muparadhiso yepasi pano. Akatadzisawo vana vake kuti vawane nhaka inokosha ndokuita kuti vawane chivi norufu. Zvinhu zvose zvaiita sokuti zvakanga zvakanganisika zvachose here kana kuti paiva netariro?
Nguva Yokugadzirisa Zvinhu
Papera zviuru zvemakore, munyori wemapisarema akafuridzirwa kunyora kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Shoko raMwari rinonyatsotsanangura zvichaitwa naMwari nokukurumidza kuratidza kuti zvakavimbiswa muEdheni zvichazadzika richiti: “Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Mwari pachake anoti: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.
Sezvo pane nguva yakagadzwa yechinhu chimwe nechimwe, mubvunzo unomuka ndewokuti, Nguva yokugadzirisa zvinhu ichasvika rini, kuitira kuti zvinangwa zvinoshamisa zvaMwari zvizadzike? Vanobudisa magazini ino, Zvapupu zvaJehovha, vave vachiedza zvikuru kuti vanhu vazive kuti tiri kurarama munguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira” uye kuti nguva yokuti Mwari ‘aite kuti zvinhu zvose zvive zvitsva’ yava pedyo. (2 Timoti 3:1) Tinokukurudzira kuti uongorore Bhaibheri uye udzidze nezveremangwana rakanaka raunogona kuzowana. Tinokukurudzirawo kuti ubvume mashoko okukoka anoti: “Tsvakai Jehovha, achiri kuwanika. Danai kwaari achiri pedyo.” (Isaya 55:6) Upenyu hwako uye remangwana rako zviri mumaoko ako hazvina kufanorongwa!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
“Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva”