RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 3/1 p. 23
  • “Anoona Zvakaita Mwoyo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Anoona Zvakaita Mwoyo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anosarudza Dhavhidhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Akaodzwa Mwoyo Asi Haana Kukanda Mapfumo Pasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Samueri Anotsigira Kunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 3/1 p. 23

Swedera Pedyo naMwari

“Anoona Zvakaita Mwoyo”

1 SAMUERI 16:1-12

ZVITARISIKO zvinogona kunyengera. Chitarisiko chomunhu hachiwanzoratidzi zvaari mukati, zvaanofunga pasi pasi pemwoyo wake. Vanhu vanowanzoyera munhu nechitarisiko chake. Asi Jehovha Mwari anotarisa zvinopfuura izvozvo. Izvi zvinonyatsoratidzwa nemashoko akanyorwa pana 1 Samueri 16:1-12.

Chimbofungidzira zviri kuitika. Jehovha ava kuda kuzodza mambo mutsva kuti atonge vaIsraeri. Mwari anoudza muprofita Samueri kuti: “Ndichakutuma kuna Jese muBhetrehema, nokuti ndagadza mambo pakati pevanakomana vake.” (Ndima 1) Jehovha haatauri zita asi anongoti munhu asarudzwa wacho achava pavanakomana vaJese. Samueri zvaanonanga kuBhetrehema, angangove ari kuzvibvunza kuti, ‘Ndichaziva sei mwanakomana wacho pavanakomana vaJese akasarudzwa naJehovha?’

Asvika muBhetrehema, Samueri anoronga kuti Jese nevanakomana vake vadye chibayiro pamwe chete. Dangwe raJese rinonzi Eriyabhi parinopinda, Samueri anobva angoyemura chitarisiko chake. Samueri anofunga kuti mumhu waEriyabhi ndiwo wakakodzera umambo uye anozviudza kuti: “Chokwadi muzodziwa waJehovha ari pamberi pake.”—Ndima 6.

Zvisinei, Jehovha haatarisi chitarisiko. Anoti kuna Samueri: “Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake, nokuti ndamuramba.” (Ndima 7) Jehovha haatarisi kureba uye kunaka pachiso kwakaita Eriyabhi. Maziso aJehovha anoona zvose anotarisa panogona kuwanika runako rwechokwadi.

Jehovha anotsanangura kuna Samueri kuti: “Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.” (Ndima 7) Hungu, Jehovha anokoshesa mwoyo, munhu womukati, zvinofunga munhu, mafungiro ake nemanzwiro ake. “Muongorori wemwoyo” akaramba Eriyabhi, uye nevanakomana vatanhatu vakazotevera vaJese vaipfuura nepamberi paSamueri.—Zvirevo 17:3.

Jese ane mumwezve mwanakomana, gotwe, anonzi Dhavhidhi ari “kufudza makwai.” (Ndima 11) Saka Dhavhidhi anoenda kunotorwa kubva kumafuro uye anoenda pamberi paSamueri. Ipapo Jehovha anoudza Samueri kuti: “Simuka umuzodze, nokuti uyu ndiye!” (Ndima 12) Ichokwadi kuti Dhavhidhi i“jaya rine maziso akanaka nechitarisiko chakanaka.” Asi mwoyo wake ndiwo uri kuita kuti adiwe naMwari.—1 Samueri 13:14.

Munyika inonyanya kukoshesa kunaka kwezvitarisiko zvokunze, tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti Jehovha Mwari haatarisi kunaka kwakaita munhu kunze. Kwaari hazvina basa kuti wakareba sei kana kuti wakanaka sei pachiso. Jehovha anokoshesa zvauri nechomukati, zvakaita mwoyo wako. Kuziva izvi hakuiti kuti ude kuva nounhu huchaita kuti uonekwe naMwari sewakanaka here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe