RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 57
  • Mwari Anosarudza Dhavhidhi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anosarudza Dhavhidhi
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Anoona Zvakaita Mwoyo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Dhavhidhi naGoriyati
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Samueri Anotsigira Kunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 57
Dhavhidhi akauraya bheya kuti adzivirire gwai

NHAU 57

Mwari Anosarudza Dhavhidhi

UNGAONA chaitika here? Mukomana aponesa gwaiana iri pabere. Bere rasvika ndokutora gwaiana uye raizoridya. Asi mukomana azvimanyira, ndokuponesa gwaiana pamuromo webere. Apo bere rasimudza musoro, mukomana abata bere ndokuriuraya! Paimwe nguva akaponesa rimwe ramakwai pashumba. Haaziri mukomana akashinga here? Unoziva kuti iye ndiani here?

Uyu ndiDhavhidhi muduku. Anogara mutaundi reBheterehema. Sekuru vake vaiva Obhedhi, mwanakomana waRute naBhoazi. Unovayeuka here? Baba vaDhavhidhi ndiJese. Dhavhidhi anofudza makwai ababa vake. Dhavhidhi akaberekwa makore 10 Jehovha asarudza Sauro kuva mambo.

Nguva inosvika apo Jehovha anoti kuna Samueri: ʼTora mafuta chaiwo ugoenda kumba yaJese muBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuva mambo.ʼ Apo Samueri anoona dangwe raJese Eriabhi, anoti: ʼZvirokwazvo ndiyeyu akasarudzwa naJehovha.ʼ Asi Jehovha anomuudza kuti: ʼUsatarisa marebere ake nokutsvinda kwake. Handina kumusarudza kuva mambo.ʼ

Nokudaro Jese anodana mwanakomana wake Abhinadhabhi ndokumuunza kuna Samueri. Asi Samueri anoti: ʼAiwa, Jehovha haana kumusarudzawo.ʼ Tevere, Jese anounza mwanakomana wake Shama. ʼAiwa, Jehovha haana kumusarudzawo,ʼ anodaro Samueri. Jese anounza vanakomana vake vanomwe kuna Samueri, asi Jehovha haasarudzi upi noupi wavo. ʼAva ndivo vakomana vose here?ʼ Samueri anobvunza.

ʼPachine gotwe,ʼ Jese anodaro. ʼAsi haapo, ari kufudza makwai.ʼ Panopinzwa Dhavhidhi, Samueri anoona kuti iye mukomana akatsvinda. ʼNdiyeyu,ʼ Jehovha anodaro. ʼIsa mafuta paari.ʼ Uye Samueri anoita izvi. Nguva ichasvika apo Dhavhidhi achava mambo waIsraeri.

1 Samueri 17:34, 35; 16:1-13.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe