Chii Chinotyiwa Nevakawanda?
“Hazvina basa kuti uri mutendi here, zviri pachena kuti ramangwana harina kujeka.”—STEPHEN O’LEARY, PUROFESA, WEUNIVERSITY OF SOUTHERN CALIFORNIA.a
UNOBVUMIRANA nemashoko ari pamusoro apa here? Nyaya dzino dzakatevedzana dzichataura zvimwe zvinoita kuti vanhu vatye ramangwana. Asiwo dzicharatidza kuti sei uchigona kuva nechivimbo chokuti upenyu hahusi kuzoguma pasi pano. Pane chinoita kuti tive netariro, pasinei nezviri kuitika zvauchaverenga munyaya ino.
Vanhu vachiri kutyira kuti nyika ichaparadzwa nehondo yenyukireya. Muna 2007, pepanhau rinonzi Bulletin of the Atomic Scientists rakanyevera kuti: “Kubvira pakatanga kukandwa mabhomba kuHiroshima neNagasaki, nyika haisati yambowirwa nematambudziko akadai.” Sei zvakadaro? Pepanhau reBulletin rakati muna 2007, zvombo zvenyukireya zvinenge 27 000 zvakanga zvichiripo, uye kuti 2 000 zvacho “zvaigona kutoputitswa mumaminitsi mashomanana.” Kunyange pazvombo izvi pakaputitswa zvishomanana chete, hapana chakanaka chinobudapo!
Kubvira ipapo vanhu havachanyanyi kutyira hondo yenyukireya here? Nyika shanu dziri pamberi panyaya yokugadzira zvombo zvenyukireya dzinoti China, France, Russia, United Kingdom, neUnited States, dzose “dzine zvimwe zvombo zvitsva zvenyukireya kana kuti dzakatotaura kuti ndozvadziri kuronga kuita,” rinodaro bhuku rinonzi SIPRI Yearbook 2009.bc Asi Yearbook inoti nyika idzodzo hadzisi idzo dzoga dzine zvombo zvenyukireya. Vanotsvakurudza vanofungidzira kuti India, Pakistan, neIsrael, imwe neimwe ine mabhomba enyukireya angasvika 60 kana kuti 80. Rinotiwo munyika yose, zvombo zvenyukireya zvinosvika 8 392 zvavapo, zvangomirira kuputitswa chete!
Kuchinja kuri kuita mamiriro okunze kungangokonzera dambudziko. Pepanhau rinonzi Bulletin of the Atomic Scientists, rambotaurwa pamusoro apa, rakati, “Matambudziko anokonzerwa nokuchinja kwemamiriro ekunze akangoda kufanana nokuparadza kwezvombo zvenyukireya.” Masayendisiti anoremekedzwa akadai saStephen Hawking, aimbova purofesa paUniversity of Cambridge, uye Sir Martin Rees, mukuru mukuru weTrinity College iri paUniversity of Cambridge vakatsigira mashoko iwayo. Vanofunga kuti kushandiswa zvisina kunaka kwezvinhu zvemazuva ano uye kushatisa kuri kuita vanhu zvakavapoteredza kungachinja upenyu pasi pano kunyange kugumisa budiriro.
Mamiriyoni ari kunetseka nokufunga nezveramangwana. Taipa mashoko okuti “kuguma kwenyika” uye “2012” pakombiyuta ine Indaneti, uye uchaona kuti pane mazana emapeji anotaura kuti kuguma kwenyika kuchaitika mugore iroro. Sei vachifunga kudaro? Rimwe karenda rekare revaMaya, rinonzi “the Long Count,” rinonzi rinofanira kuperera muna 2012. Vakawanda vanotyira kuti ichi chingadaro chiri chiratidzo chokuti nyika yatinoziva yava kuguma.
Vanhu vakawanda vanoenda kumachechi vanofunga kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti nyika iyi yatinoziva ichaparadzwa. Vanofunga kuti vatendi vose vakavimbika vachaendeswa kudenga, asi vamwe vanhu vose vachasara pasi pano vachitambura kana kuti vachipiswa mumoto.
Saka Bhaibheri rinoti nyika ichaparadzwa zvachose here? Muapostora Johani akanyevera kuti, “musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari.” (1 Johani 4:1) Pane kungobvuma zvinotaurwa nevamwe, wadii wavhura Bhaibheri rako wozvionera zvarinotaura nezvokuguma kwenyika? Ungashamiswa nezvarinodzidzisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko aya aiva munyaya yaiti “Matambudziko Ari Kuita Kuti Vanhu Vafunge Kuti Nyika Yava Kuparara,” yakabudiswa paIndaneti neMSNBC musi waOctober 19, 2005.
b Mashoko okuti SIPRI anomiririra kuti Stockholm International Peace Research Institute.
c Mashoko ari mubhuku reSIPRI Yearbook 2009 akanyorwa naShannon N. Kile, mutsvakurudzi mukuru uye mukuru mukuru wesangano rinoona nezvekugadzirwa kwezvombo zvenyukireya rinonzi SIPRI Arms Control and Non-proliferation Programme; Vitaly Fedchenko, mumwe mutsvakurudzi weSIPRI Arms Control and Non-proliferation Programme; uye Hans M. Kristensen, mukuru mukuru weongororo yeFederation of American Scientists.
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 4]
Mushroom cloud: U.S. National Archives photo; hurricane photos: WHO/League of Red Cross and U.S. National Archives photo