RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 8/1 pp. 10-13
  • Kukunda Matambudziko Mugore Rokutanga Maroorana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukunda Matambudziko Mugore Rokutanga Maroorana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunotarisira Ngazvive Nomusoro
  • Kiyi Mbiri Dzeroorano Inogara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuti Dzimba Dziparare Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 1
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 8/1 pp. 10-13

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Kukunda Matambudziko Mugore Rokutanga Maroorana

Murume anoti: “Kusiyana kwatakaita nomudzimai wangu kunondishamisa chaizvo! Somuenzaniso, ini ndinofarira kukurumidza kumuka, asi iye anoda zvokunonoka kurara. Chimwe chinondishamisa chaizvo ndechokuti anogona kunge akafara, pasina nguva twokwidza, zvokuti ndinozvishayirwa pazvo! Rimwe dambudziko nderokuti kana ndirini ndiri kubika anoshora-shora, kunyanya mapukutiro andinoita maoko angu nemucheka wendiro.”

Mukadzi anoti: “Murume wangu munhu akanyarara. Asi ini ndakajaira vokumhuri kwedu. Vanotaura chaizvo, kunyanya panguva dzokudya. Uye murume wangu paanobika, anopukuta maoko ake nemucheka waanenge ashandisa kupukuta ndiro! Izvozvo zvinondishatirisa! Sei vanhurume vasiri nyore kunzwisisa? Vanhu vanoita seiko kuti vafare mudzimba umu?”

KANA muchangoroorana, makambosangana nematambudziko akaita seaya here? Zvinoita here sokuti mumwe wako ava netsika dzausingafariri dzaakanga asina muchiri kudanana? Mungaita sei kuti muderedze “matambudziko anowanikwa nevanhu vakaroorana zuva nezuva”?—1 VaKorinde 7:28, Today’s English Version.

Chokutanga, musatarisira kuti iwe nomumwe wako mubve mangoti gedye gedye nokungoti chete makaita mhiko dzomuchato. Pawakanga usati waroora kana kuroorwa, ungave waikwanisa kunyatsogarisana nevamwe, uye pamakanga mava kudanana, unhu uhwu hungave hwakatowedzera. Zvisinei, kuroora kana kuroorwa kuchaita kuti uone kuti uchine unhu ihwohwo here uye kuti pane zvaungaita here kuti uhuvandudze. Pane zvauchakanganisa here? Ehe. Zvingaita here kuti uve nohumwe unhu hwaunofanira kuva nahwo? Ehe!

Kuti uvandudze unyanzvi chero hupi zvahwo hwaunenge unahwo, zvinoda kuti ubvunze mazvikokota wenyaya yacho wobva watevedzera mazano aanenge akupa. Panyaya yokuroorana mazvikokota mukuru ndiJehovha Mwari. Pakuti ndiye akatisika tiine chido chokuroorana. (Genesisi 2:22-24) Cherechedza kuti Shoko rake Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti ukunde matambudziko uye uve nounhu hunodiwa kuti imba yenyu isangogara kwegore chete, asi kwemakore akatowanda.

UNHU HWOKUTANGA. DZIDZAI KUTAURIRANA

Chii chinoita kuti zviome? Keiji,a mumwe murume anogara kuJapan, dzimwe nguva aikanganwa kuti zvaanosarudza kuita zvine zvazvinoitawo pamudzimai wake. Anoti, “Taiti tikakokwa ndobvuma ndisina kumbobvunzawo mudzimai wangu. Pave paya, ndaizoona kuti iye akanga asingakwanisi kuenda.” Mumwe murume wokuAustralia anonzi Allen anoti: “Ndaifunga kuti kana uri murume mukadzi haabvunzwi zvokuita.” Dambudziko iri raibva pamakuriro aakanga aita. Ndozvaiitawo mumwe mukadzi wokuBritain anonzi Dianne. Anoti: “Ndakanga ndakajaira kupiwa mazano nevokumba kwedu. Saka mazuva okutanga ndivo vandaibvunza ndisingabvunzi murume wangu pandaida kusarudza kuita chimwe chinhu.”

Zvingagadziriswa sei? Yeuka kuti Jehovha Mwari anoona vanhu vakaroorana se“nyama imwe.” (Mateu 19:3-6) Kwaari, hapana humwe ukama hunokosha kupfuura hwomurume nomukadzi! Kuti ukama ihwohwo hurambe hwakasimba, zvinokosha kuti vanhu vanyatsokurukurirana.

Murume nomudzimai vangadzidza zvakawanda pavanoongorora matauriro aiita Jehovha Mwari naAbrahamu. Somuenzaniso, tapota verenga nhoroondo iri pana Genesisi 18:17-33. Cherechedza kuti Mwari akakudza Abrahamu munzira nhatu. (1) Jehovha akatsanangura zvaaironga kuita. (2) Akateerera Abrahamu paaitsanangura maonero ake. (3) Jehovha akaedza nepaaigona napo kuti achinje oita kuti zvaaida zvienderane nezvakanga zvakumbirwa naAbrahamu. Ungatevedzerawo sei zvaakaita paunenge uchitaurirana newawakaroorana naye?

EDZA IZVI: Paunenge uchikurukura nyaya dzichabata-batawo mumwe wako wawakaroorana naye, (1) tsanangura zvawaifunga kuti waizoita, asi paunenge uchitaura inzwawo zviri kutaurwa nemumwe wako kwete kuti zvawataura wataura hapana chinochinja; (2) kumbira mumwe wako kuti ataure maonero ake, uye bvuma kuti ane kodzero yokuva nemaonero akasiyana neako; uye (3) ita kuti ‘kunzwisisa kwako kuzivikanwe’ nokubvumawo zvinenge zvichidiwa nomumwe wako pose pazvinobvira.—VaFiripi 4:5.

UNHU HWECHIPIRI. DZIDZA KUSANGOBVOTOMOKA

Chii chinoita kuti zviome? Zvichienderana nezvawakakura uchiona mumhuri yenyu kana kuti tsika dzinoitwa kwenyu, ungava uine tsika yokungobvotomoka, uchitaura zvinotogumbura. Somuenzaniso, Liam anogara kuEurope anoti: “Kwandinobva vanhu vanongobvotomoka. Kurutsa mashoko kwandaiita pakutaura kwaiwanzoshatirisa mudzimai wangu. Ndaitofanira kudzidzira kutaura zvinyoro nyoro.”

Zvingagadziriswa sei? Usafungidzira kuti wawakaroorana naye anoda kuti utaure naye nenzira yawakajaira. (VaFiripi 2:3, 4) Zano rakapiwa mumwe mumishinari nomuapostora Pauro rinobatsirawo vanhu vachangoroorana. Akanyora kuti: “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave.” MuchiGiriki chepakutanga, shoko rinoshandurwa kuti “rupfave” rinogonawo kushandurwa kuti “kutaura usingangobvotomoki.” (2 Timoti 2:24) Kutaura usingabvotomoki kukwanisa kunzwisisa mamiriro akaita zvinhu uye kuva nomutsa, usingagumburi vamwe.

EDZA IZVI: Paunenge wagumburiswa newawakaroorana naye, zvione sokuti uri kutaura neshamwari yaunofarira kana kuti waunoshandira. Waizoramba uchitaura matauriro auri kuita kwavari here? Zvadaro funga zvazvakanakira kuti utaure nomumwe wako noruremekedzo uye usingabvotomoki kutopfuura zvawaizoita kushamwari yako kana kuti waunoshandira.—VaKorose 4:6.

UNHU HWECHITATU. DZIDZA KUITA ZVINOENDERANA NEZVAWAVA

Chii chinoita kuti zviome? Pakutanga murume angatadza kunyatsotungamirira sezvinofanira kuitwa nomusoro wemhuri, kana kuti mudzimai angatadza kuziva matauriro aanofanira kuita asingagumburi murume wake. Somuenzaniso, mumwe murume wokuItaly anonzi Antonio anoti: “Baba vangu vaisambokurukura naamai zvisarudzo zvemhuri. Saka pakutanga mumhuri yangu hapana aiti bufu.” Mumwe mudzimai wokuCanada anonzi Debbie anoti: “Ndaipopotera murume wangu ndichimuti asangosiya zvinhu pose pose. Asi zvinoita sokuti matauriro andaiita aitoita kuti awedzere kuomesa musoro.”

Zvii zvinofanira kuitwa nomurume? Vamwe varume vanopesanisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuti ndivo misoro yemba nezvarinotaura nezvokuteerera vabereki kunofanira kuita vana. Vamwe varume havanyatsonzwisisa musiyano uripo pazvinonzi neBhaibheri mudzimai anofanira kuzviisa pasi pomurume nezvarinotaura panyaya yokuti mwana anofanira kuteerera mubereki wake. (VaKorose 3:20; 1 Petro 3:1) Zvisinei, Bhaibheri rinoti murume ‘achanamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’; asi haritauri kuti ndizvo zvinofanira kuita mubereki nomwana. (Mateu 19:5) Jehovha anorondedzera mudzimai semukwanisi, kana kuti shamwari yomurume wake. (Genesisi 2:18) Hapana paanombotaura nezvokuti mwana mukwanisi kana kuti ishamwari yomubereki. Kana murume achibata mudzimai wake sezvaanoita mwana wake, unofunga kuti ari kukudza urongwa hwokuroorana here?

Shoko raMwari rinokurudzira kuti ubate mudzimai wako semabatiro aiita Jesu ungano yechiKristu. Unogona kuita kuti zviitire mudzimai wako nyore kuti akuone somusoro wemba kana (1) ukasatarisira kuti abve angoratidza kuti anozviisa pasi pako uye arege kukanganisa (2) ukamuda semadiro aunoita muviri wako, kunyange panombomuka matambudziko.—VaEfeso 5:25-29.

Zvii zvinofanira kuitwa nomudzimai? Ziva kuti murume wako ndiye ava musoro wemba akagadzwa naMwari. (1 VaKorinde 11:3) Kana uchikudza murume wako, unenge uchikudza Mwari. Kana ukaramba kutungamirirwa naye, hazvingoratidzi manzwiro aunoita nezvomurume wako, asiwo nezvaMwari nemitemo yake.—VaKorose 3:18.

Pamunenge muchikurukura matambudziko amunawo, kurukurai nezvedambudziko racho, kwete kuti nanga-nanga nezviri kutadzwa nomurume wako. Somuenzaniso, Mambokadzi Esteri aida kuti murume wake Mambo Ahashivheroshi agadzirise dambudziko raivapo. Panzvimbo pokutaura kuipa kwomurume wake, akabva atsvaka mashoko akanaka aangataura naye. Murume wake akabvuma zvaakataura akazopedzisira aita zvakarurama. (Esteri 7:1-4; 8:3-8) Zvinova nyore kuti murume wako akude zvakanyanya kana (1) ukamupa nguva yokunyatsodzidzira basa rake idzva rokuva musoro wemhuri uye (2) ukamuremekedza, kunyange paanokanganisa.—VaEfeso 5:33.

EDZA IZVI: Pane kufunga nezvezvinhu zvinofanira kuchinjwa nomumwe wako, funga nezvezvaunofanira kuchinja iwe wacho. Varume: Kana matungamiriro aunoita mhuri yako achitsamwisa mudzimai wako, mubvunze kuti ungaita sei kuti uvandudze, wobva wanyora pasi zvaanenge ataura. Madzimai: Kana murume wako achiona sokuti hausi kumuremekedza, mubvunze kuti ungavandudza sei, wonyora pasi zvaanenge ataura.

Zvaunotarisira Ngazvive Nomusoro

Kudzidza kuva nemhuri inofara, inoita zvakanaka kwakafanana nokudzidza kuchovha bhasikoro. Unotarisira kuti pachava nezvipingamupinyi kusvikira wava kugona. Saizvozvowo, unofanira kutarisira kuti une zvauchakanganisa paunenge uchiita kuti imba yenyu itsvuke chin’ai.

Gara uchifara, uchiita zvinosetsa. Usarerutsa zvinenge zvichinetsa mumwe wako, asi kana iwe wakanganisa dzidza kuzviseka. Shandisa mukana wokufadza mumwe wako mugore rokutanga ramunenge maroorana. (Dheuteronomio 24:5) Kupfuura zvose, ita kuti Shoko raMwari ritungamirire mumba menyu. Kana ukadaro, imba yenyu ichapedzisira yatsvuka chin’ai nokupindana kwemakore.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

▪ Mumwe wangu ndiye wandinoudza zviri kutsi kwemwoyo wangu here, kana kuti ndinosarudza kuudza vamwewo?

▪ Nhasi chii chaicho chandaita chinoratidza kuti ndinoda mumwe wangu uye ndimunoremekedza?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 11, 12]

Bhaibheri Rakabatsira Kuti Imba Yedu Isaparara

Toru naAkiko vaidanana zvokudanana zviya pavakaroorana. Asi kwangopera mwedzi misere chete, murume nomukadzi ava vokuJapan vakasarudza kurambana. Vanorondedzera kuti zvakafamba sei.

Toru: “Ndakazoona kuti ini nomudzimai wangu tine zvakawanda zvatakanga tisingawirirani kupfuura zvandaifunga. Somuenzaniso pataiona terevhizheni, ini ndaifarira kuona mitambo, asi iye aifarira mafirimu. Ini ndaifarira zvokushanya, asi iye aida zvokugara pamba.”

Akiko: “Toru aiita zvose zvaainge anzi nevomumhuri make aite, asi aisambondiudzawo. Ndakamubvunza kuti, ‘Ndiani waunokoshesa, amai vako kana kuti ini?’ Uyewo, ndakashamiswa nokureva nhema kwaiita Toru. Ndakamuudza kuti kana akaramba achireva nhema, imba yedu yaizoparara.”

Toru: “Ndakagumbuka ndichibva ndabvunza mumwe wechikuru wandaiziva kuti ndoita sei nomudzimai wangu. Akanditi: ‘Ingomuudza kuti asakubvunza. Kana akaramba achichema-chema, rova.’ Mumwe musi ndakawatsura Akiko nembama kumeso ndiye ngonjo kuseri kwetafura. Takarwa zvakaipa, achibva aenda. Ndakazomutevera kuhotera yokuTokyo kwaakanga aenda. Takapedzisira tafunga kuti zviri nani kurambana. Pandakabva pamba ndichienda kubasa musi iwoyo, mudzimai wangu akatanga kurongedza tunhu twake.”

Akiko: “Bhera repasuo rakarira pandakanga ndava kutakura mabhegi angu kuti ndichibuda. Paiva nomumwe mukadzi akanga akamira pasuo. Aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakamuti apinde.”

Toru: “Pandakasvika kubasa, ndakanga ndisisina chokwadi kuti torambana here, saka ndakakurumidza kudzokera kumba. Pandakasvika, ndakawana Akiko achitaura nomumwe mukadzi. Mukadzi wacho akanditi: ‘Pane chamunofanira kuita mose. Ungada here kudzidza Bhaibheri?’ Ndakapindura kuti, ‘Ehe, ndinoda kuita chero chinhu chingabatsira kuti imba yedu isaparara!’”

Akiko: “Mukadzi wacho akaronga kuti tidzidze Bhaibheri. Ndakachinja patakaverenga zvinotaurwa neBhaibheri nezvourongwa hwokuroorana. Rinoti: ‘Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.’”—Genesisi 2:24.

Toru: “Ndakabva ndangonzwisisa zvandaifanira kuita. Ndakaudza vabereki vangu kuti, ‘Kubva nhasi, ndava kukurukura nomudzimai wangu ndisati ndasarudza zvokuita.’ Ndakaregawo kunyanya kunwa. Pandakadzidza kuti Mwari anovenga nhema, ndakaedza kutaura chokwadi chete.”

Akiko: “Iniwo ndakachinja. Somuenzaniso, kare ndaisateerera Toru. Asi pandakaona kuti akanga ari kuita zvinotaurwa neBhaibheri, ndakatanga kumutsigira chaizvo. (VaEfeso 5:22-24) Iye zvino tava nemakore anopfuura 28 taroorana uye tichifara mumhuri yedu. Takakwanisa kukunda matambudziko edu nokuzivana zviri nani uye kutevedzera mazano okuchenjera ari muBhaibheri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe