Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Vanhu Vose Vane Mukana Wakaenzana Wokuziva Mwari Here?
▪ Jesu paakabvunzwa kuti ndoupi murayiro mukuru pane yose, akapindura kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Asika vanhu vasati vada Mwari, vanofanira kuwana zivo yakarurama pamusoro pake. (Johani 17:3) Vanhu vose vachava nomukana wakaenzana wokuti vawane zivo iyi here?
Bhaibheri ndiro rinonyanya kutibatsira kuti tizive Mwari. (2 Timoti 3:16) Vakawanda kwavanogara maBhaibheri ari nyore kuwana. Vanhu ivavo vanogona kuramba vachipiwa mukana wokuti vawane zivo yakarurama pamusoro paMwari pavanodzidziswa Bhaibheri somunhu mumwe nomumwe. (Mateu 28:19) Vamwe vanorerwa nevabereki vavo vechiKristu vane rudo, vanovapa mukana wokudzidza nezvaMwari zuva nezuva.—Dheuteronomio 6:6, 7; VaEfeso 6:4.
Zvisinei, vamwe vanobva mumhuri dzisingafariri zvokunamata. Vamwe vanobva mumhuri dzinoshungurudza dzine vabereki vasingaratidzi vana vavo rudo. (2 Timoti 3:1-5) Vanhu vanokurira mumhuri dzakadaro vanogona kuona zvakaoma kuti vaone Mwari saBaba vokudenga vane rudo. Vakawanda havana kunyatsodzidza zvakati tsvikiti, izvo zvinopedzisira zvaita kuti vaomerwe nekuverenga Bhaibheri. Vamwewo zvekare vakapofumadzwa pfungwa nedzidziso dzezvitendero zvenhema, uye mhuri dzavo, kwavanogara kana kuti nyika dzavo hadzibvumiri kuti Bhaibheri rishandiswe. (2 VaKorinde 4:4) Mamiriro ezvinhu evanhu ava anovatadzisa here kuwana mukana wokudzidza nezvaMwari vopedzisira vamuda?
Jesu akataura kuti mamwe matambudziko ayo vanhu vanosangana nawo anoita kuti zvivaomere kuda Mwari uye kumuteerera. (Mateu 19:23, 24) Zvisinei, Jesu akayeuchidza vadzidzi vake kuti kunyange mamwe matambudziko angaita sokuti kuti igomo chairo, “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.”—Mateu 19:25, 26.
Chimboona pfungwa dzinotevera: Jehovha Mwari akava nechokwadi chokuti Shoko rake Bhaibheri, ndiro bhuku rinoparadzirwa kupfuura mamwe ose. Bhaibheri rakagara rataura kuti mashoko akanaka anotaura nezvaMwari uye anotaura nezvechinangwa chake nokuda kwenyika achaparidzwa “munyika yose inogarwa.” (Mateu 24:14) Zvapupu zvaJehovha mazuva ano zviri kuparidza mashoko akanaka iwayo munyika dzinopfuura 230 uye zvinobudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inosvika 500. Kunyange vaya vasingakwanisi kuwana Bhaibheri vanogona kudzidza nezvaMwari wechokwadi pavanocherechedza zvinhu zvaakasika.—VaRoma 1:20.
Uyezve, Shoko raMwari rinoti: “Jehovha anoongorora mwoyo yose, uye anonzwisisa zvose zvinodiwa nepfungwa. Kana ukamutsvaka, achaita kuti umuwane.” (1 Makoronike 28:9) Saka kunyange Jehovha asingavimbisi kuti munhu wose achawana mukana wakaenzana newevamwe, anova nechokwadi chokuti vose vane mwoyo wakatendeseka vachawana mukana wacho. Achavawo nechokwadi chokuti vaya vasina kumbobvira vawana mukana wokudzidza nezvake vachapiwa mukana pavachamutswa munyika itsva yakarurama.—Mabasa 24:15.