RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 8/1 p. 23
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • “Mukufora Kworukundo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuparadzira Kunhuhwira Kwezivo yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Zvine Basa Here Kuti Tinonamata Sei Mwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kupiswa Kwerusenzi—Kune Nzvimbo Here Mukunamata Kwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 8/1 p. 23

Waizviziva Here?

Muapostora Pauro airevei paakataura ‘nezvokufora kwokukunda’?

▪ Pauro akanyora kuti: ‘Mwari anotitungamirira mukufora kwokukunda tiri pamwe naKristu achiita kuti kunhuhwirira kwokumuziva kunzwike nesu munzvimbo dzose! Nokuti kuna Mwari tiri kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu kune vaya vari kuponeswa uye kune vaya vari kuparara; kune vapedzisira kutaurwa kunhuhwirira kunobva kurufu kuchienda kurufu, kune vatanga kutaurwa kunhuhwirira kunobva kuupenyu kuchienda kuupenyu.’—2 VaKorinde 2:14-16.

Pauro aireva tsika yaiitwa nevaRoma yokufora vachipemberera mukuru-mukuru anenge akunda vavengi veHurumende. Pazviitiko zvakadaro, zvainge zvapambwa uye vasungwa vemuhondo vaimiswa pavaionekwa nevanhu vose uye nzombe dzaiunzwa kuti dzigozobayirwa, uku mukuru-mukuru wemauto pamwe nemauto ake vachipururudzirwa nevanhu vose. Paivazopedza kufora kwacho, nzombe dziya dzaibayirwa uye panofanira kunge paiurayiwa vasungwa vakawanda.

Chirungamutauro chokuti “kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu,” icho chinofananidzira upenyu kune vamwe uye rufu kune vamwe “chingadaro chaitorerwa patsika yevaRoma yokupisa rusenzi pavaifora vakaita mudungwe,” inodaro The International Standard Bible Encyclopedia. “Kunhuwirira kwaifananidzira kukunda kwaiyeuchidza nhapwa kuti dzaigona kuurayiwa.”a

‘Nzvimbo dzakakwirira’ dzinogara dzichitaurwa muMagwaro echiHebheru chii?

▪ VaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, Jehovha akavaudza kuti vaparadze nzvimbo dzose dzainamatirwa nevaKenani vaigaramo. Mwari akavarayira kuti, “Munofanira . . .[ku]paradza zvidhori zvavo zvose zvematombo, munofanira kuparadza mifananidzo yavo yose yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa, uye munofanira kutsakatisa nzvimbo dzavo tsvene dzose dzakakwirira.” (Numeri 33:52) Nzvimbo idzi dzaiitirwa kunamata kwenhema dzingava dzaiva pamusoro pezvikomo kana kuti zvikuva zvaiva zvakavakwa mune dzimwe nzvimbo, zvakadai sepasi pemiti kana kuti mumaguta. (1 Madzimambo 14:23; 2 Madzimambo 17:29; Ezekieri 6:3) Dzingadaro dzaiva neatari, shongwe tsvene kana kuti matanda matsvene, zvifananidzo, zvigadziko zverusenzi, nezvimwe zvaishandiswa pakunamata.

Temberi yomuJerusarema isati yavakwa, vaIsraeri vainamatira Jehovha panzvimbo dzakanga dzasarudzwa dzinonzi neMagwaro nzvimbo dzakakwirira. Samueri muprofita waMwari akapa zvibayiro ari “panzvimbo yakakwirira” mune rimwe guta risina kutaurwa nezita raiva munyika yeZufi. (1 Samueri 9:11-14) Zvisinei, pakangovakwa temberi, madzimambo akawanda akanga akatendeka kuna Jehovha akaedza kuparadza “nzvimbo dzakakwirira” dzaiva munyika yacho.—2 Madzimambo 21:3; 23:5-8, 15-20; 2 Makoronike 17:1, 6.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida kuona zvinorehwa nomufananidzo wakataurwa naPauro zvine chokuita nokunamata, ona Nharireyomurindi yaNovember 15, 1990 peji 27.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mufananidzo unoratidza kufora kwokukunda kwevaRoma muzana remakore rechipiri C.E.

[Kwazvakatorwa]

Photograph taken by courtesy of the British Museum

[Mufananidzo uri papeji 23]

Zvakasaririra pashongwe tsvene, kuGezeri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe