Abrahamu—Murume Aizvininipisa
Zuva riri kubanda uye Abrahamu ari kutonhorerwa akagara mutende rake. Paanosimudza musoro wake anoona varume vatatu vari kushanya vari nechokure.a Haambozezi kumhanyira kunochingura vaenzi vacho ovaudza kuti vazorore zvishoma. Anoti anoda kuvapa “chimedu chechingwa” asi anozopedzisira aita kuti vagadzirirwe zvokudya zvakawanda zvinosanganisira chingwa chichangobva kubikwa, ruomba, mukaka uye nyama yakanakisisa yenzombe duku. Abrahamu paanogadzirira vaenzi vake zvokudya izvozvo, haasi kungoratidza kuti munhu ane mutsa asiwo kuti anozvininipisa.—Genesisi 18:1-8.
CHII CHINONZI KUZVININIPISA? Munhu anozvininipisa haadadi uye haazvikudzi. Anobvuma kuti vamwe vanomukurira pane zvimwe. (VaFiripi 2:3) Anoteerera pfungwa dzevamwe uye anovaitira mabasa akaderera.
ABRAHAMU AKARATIDZA SEI KUZVININIPISA? Abrahamu aishandira vamwe nechido. Sezvataurwa pakutanga, paakaona vaenzi vatatu akamhanya-mhanya kuti avagadzirire zvavaida. Mudzimai wake Sara akabva angotanga kuvabikira. Asi cherechedza kuti Abrahamu ndiye akaita zvakawanda. Ndiye akamhanya kunochingura vaenzi, ndiye akavaudza kuti aida kuvapa zvokudya, ndiye akamhanya kuboka rezvipfuwo kuti asarudze kuti ouraya chii, uye ndiye akazopa vaenzi zvokudya zvacho. Pane kutuma vashandi vake kuti vaite basa iri, murume uyu aizvininipisa akasarudza kuita basa iri rakaderera. Haana kufunga kuti aiva munhu wepamusoro zvokuti haangashandiri vamwe.
Abrahamu aiteererawo pfungwa dzevanhu vaiva pasi pake. Bhaibheri kashoma parinotaura nezvekukurukurirana kwaiita Abrahamu naSara. Asi kaviri pavaikurukurirana, Abrahamu akateerera pfungwa dzaSara achibva aita zvaakataura. (Genesisi 16:2; 21:8-14) Pamwe pacho zvakataurwa naSara pakutanga ‘hazvina kumbofadza Abrahamu.’ Asi Jehovha paakamuudza kuti zvaitaurwa naSara zvaiva nomusoro, akazvininipisa akabvuma kuzviita.
TINODZIDZEI? Kana tichizvininipisa zvisiri zvokubata kumeso, tichaita mabasa anobatsira vamwe tichifara. Tichawana mufaro kana tikaita zvose zvatinogona kuti upenyu hwavo huvafambire zvakanaka.
Tinogonawo kuratidza kuti tinozvininipisa nezvatinoita kana vamwe vataura pfungwa dzavo. Kuchenjera kunzwawo pfungwa dzevamwe pane kudziramba nokuti dzatangwa nevamwe. (Zvirevo 15:22) Kuva nemafungiro akadaro kunonyanya kubatsira vaya vanotungamirira vamwe. Mumwe foromani anoziva basa anonzi John anoti: “Ndakaona kuti foromani akanaka ndeuya anoita kuti vanhu vanzwe vakasununguka kutaura zvavanofunga.” Anoenderera mberi achiti: “Zvinotoda kuzvininipisa kubvuma kuti mumwe munhu ari pasi pako anogona kunge aine pfungwa dziri nani kukupfuura. Asiwo hapana munhu anongova nepfungwa dzakanaka pose-pose, angava foromani kana kuti kwete.”
Tichafarirwa naMwari kana tikatevedzera Abrahamu nokuteerera pfungwa dzevamwe uye kuvaitira mabasa akaderera. Izvi zvakadaro nokuti “Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”—1 Petro 5:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo Abrahamu angangodaro asina kuzviziva pakutanga, vaenzi vake ava vaiva ngirozi dzakanga dzatumwa naMwari.—VaHebheru 13:2.