Abrahamu Aiva Ani?
VASHOMA vanozivikanwa nevanhu vezvitendero zvose sezvinoitwa Abrahamu.a VaJudha, vaMuslim nevaKristu vanomuremekedza zvikuru uye vanomuti “imbiru chaiyo inotaurwa muMagwaro” uye “muenzaniso unoshamisa wokutenda.” Bhaibheri rinomuti “baba vevaya vose vanotenda.”—VaRoma 4:11.
Nei vanhu vachinyanya kuremekedza Abrahamu zvakadaro? Chimwe chikonzero ndechokuti muBhaibheri Abrahamu ndiye chete anotaurwa seshamwari yaMwari uye izvozvo zvinotaurwa katatu.—2 Makoronike 20:7, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona; Isaya 41:8; Jakobho 2:23.
Zvisinei, pane zvakawanda Abrahamu aiva akangofananawo nesu. Akasangana nemazhinji ematambudziko atinosangana nawo nhasi uye akaakunda. Ungada here kuziva kuti akazviita sei? Ngatimboonai zvinotaurwa neBhaibheri nezvemurume uyu aiva akasiyana nevamwe.
Makudzirwo Ake
Abrahamu akaberekwa muna 2018 B.C.E. uye akakurira muUri. (Genesisi 11:27-31) Uri raiva guta rakakura uye rakabudirira. Vanhu vomuguta iri vaiva vakanyura mukunamata zvidhori. Tera baba vaAbrahamu vanofanira kunge vaiva mumwe wevanhu vainamata zvidhori zvakasiyana-siyana. (Joshua 24:2) Asi Abrahamu akasarudza kunamata Jehovhab chete pane kunamata vamwe vanamwari vezvidhori zvisina upenyu.
Chii chakaita kuti Abrahamu aite izvozvo? Abrahamu akaberekwa pachine makore 150 mwanakomana waNoa Shemu asati afa. Kana kuri kuti aishamwaridzana naShemu uyo akanga ava munhu mukuru chaizvo, akabatsirwa sei? Anofanira kunge akazvinzwira kuti vakapukunyuka sei Mafashamo akaitika munyika yose. Angadarowo akadzidza nezvekukosha kwazvakaita kunamata Jehovha, Mwari akachengetedza Shemu nevomumhuri make paMafashamo.
Hatinyatsozivi hedu kuti Abrahamu akadzidziswa naShemu here kana kuti nomumwe munhu asi chatinoziva ndechokuti akanyatsoita zvaakadzidza nezvaMwari wechokwadi. Jehovha “muongorori wemwoyo” paakatarisa Abrahamu, akaona zvakanaka paari achibva amubatsira kuti awedzere kuva neunhu hwakanaka.—Zvirevo 17:3; 2 Makoronike 16:9.
Upenyu Hwake
Abrahamu akararama upenyu hwaigutsa uye hwainakidza kunyange zvazvo aigara achisangana nemamiriro ezvinhu akaoma. Ngatimbokurukura zvinhu zvishoma pane zvaakasangana nazvo.
▪ Abrahamu paaigara muUri, Mwari akamuudza kuti abve munyika yaakaberekerwa aende kunyika yaaizomuratidza. Abrahamu naSara vakateerera zvavakaudzwa naMwari kunyange zvazvo vakanga vasingazivi kwavaienda uye kuti nei Mwari akanga ati vatame. Vakazopedzisira vava kugara mumatende munyika yeKenani uye vaigara vachingotama-tama kwoupenyu hwavo hwose.—Mabasa 7:2, 3; VaHebheru 11:8, 9, 13.
▪ Abrahamu naSara vasati vatombova nemwana, Jehovha akavimbisa kuti aizoita rudzi rukuru kubva muna Abrahamu. Akatiwo mhuri dzose dzepanyika dzaizokomborerwa pachishandiswa Abrahamu. (Genesisi 11:30; 12:1-3) Akasimbisazve kuti aizozadzisa vimbiso iyoyo. Akaudza Abrahamu kuti vana vake vaizowanda senyeredzi dzokumatenga.—Genesisi 15:5, 6.
▪ Abrahamu ava nemakore 99 uye Sara ava kusvitsa 90, Jehovha akavavimbisa kuti vaizova nemwana. Kuvanhu izvi zvaiita sokuti hazviiti, asi pasina nguva Abrahamu naSara vakazoona kuti hapana “chakanyanya kuomera Jehovha.” (Genesisi 18:14) Papera gore, Abrahamu ava nemakore 100 akazova nemwanakomana waakatumidza kuti Isaka. (Genesisi 17:21; 21:1-5) Mwari akataura zvakananga kuti vanhu vaizokomborerwa pachishandiswa Isaka.
▪ Papera makore akati wandei, Jehovha akakumbira Abrahamu kuti aite zvinhu zvakanga zvakaoma chaizvo. Akamuti auraye mwanakomana wake waaida zvikuru Isaka, kunyange zvazvo mwana wacho akanga asati aroora uye asati ava nemwana wakewo.c Pfungwa yokurasikirwa nemwana wake yaimurwadza chaizvo, asi Abrahamu aida kuteerera Jehovha zvokupa Isaka sechibayiro. Ainyatsotenda kuti kana Mwari aida hake, aigona kuzomutsa Isaka kuitira kuti azadzise vimbiso dzake. (VaHebheru 11:19) Abrahamu paakanga ava kutoda kuuraya mwanakomana wake, Jehovha akamuudza kuti achirega. Akarumbidza Abrahamu nokuteerera kwake kunoshamisa. Jehovha akabva adzokororazve zvaakanga ambovimbisa Abrahamu.—Genesisi 22:1-18.
▪ Abrahamu akazofa ava nemakore 175. Bhaibheri rinoti “akafa anyatsokura, akwegura uye agutsikana.” (Genesisi 25:7, 8) Saka imwe vimbiso yaMwari kuna Abrahamu yokuti aizorarama kwenguva yakareba asati afa yakazadzika.—Genesisi 15:15.
Nhaka Yaakatisiyira
Abrahamu haasingori munhu wekare anotaurwa munhoroondo kana kuti anozivikanwa pane zvechitendero chete. Nanhasi nyaya yake ichiri kungotaurwa nezvayo uye akatisiyira muenzaniso wakanaka wokutevedzera. (VaHebheru 11:8-10, 17-19) Ngatikurukurei unhu huna hwakanaka hwaiva naAbrahamu. Tichatanga kukurukura nezveunhu hwake hunonyanya kuzivikanwa hwokutenda.
[Mashoko Omuzasi]
a Abrahamu aimbonzi Abramu uye mudzimai wake aimbonzi Sarai. Mwari akazomuchinja zita rokuti Abramu ndokumuti Abrahamu, izvo zvinoreva kuti baba vemarudzi mazhinji uye akachinjawo raSarai ndokumuti Sara, izvo zvinoreva kuti mambokadzi. (Genesisi 17:5, 15) Kuti zvive nyore, munyaya dzino dzakatevedzana tichashandisa mazita okuti Abrahamu uye Sara.
b Bhaibheri rinoratidza kuti zita raMwari ndiJehovha.
c Ona nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti, . . . Nei Mwari Akakumbira Abrahamu Kuti Ape Mwanakomana Wake Sechibayiro?” iri papeji 23 yemagazini ino.
[Bhokisi riri papeji 4]
Munhu Anokosha Chaizvo Munhoroondo yeBhaibheri
Muzvitsauko zvaro 10 zvokutanga, bhuku reBhaibheri raGenesisi rinorondedzera nezveupenyu hwevarume vaiva nokutenda vakadai saAbheri, Inoki uye Noa. Asi muzvitsauko 15 zvinotevera, rinonyanya kutaura nezveupenyu hwemurume mumwe chete, Abrahamu.
Uyezve, Bhaibheri parinotaura nezvaAbrahamu ndipo parinotanga kutaura nezvedzimwe pfungwa dzaro dzinonyanya kukosha. Somuenzaniso, munhoroondo youpenyu hwaAbrahamu tinoona . . .
▪ panotanga kutaurwa kuti Mwari iNhoo kana kuti Mudziviriri wevashumiri vake.—Genesisi 15:1; ona Dheuteronomio 33:29; Pisarema 115:9; Zvirevo 30:5.
▪ panotanga kutaurwa nezvokutenda muna Mwari.—Genesisi 15:6.
▪ panotanga kutaurwa shoko rokuti muprofita.—Genesisi 20:7.
▪ panotanga kutaurwa nezvekuti mubereki ane rudo kumwana wake.—Genesisi 22:2.