Waizviziva Here?
Ndizvo here kuti vanhu vairidza nyere pamariro panguva yakararama Jesu pasi pano?
▪ Bhaibheri rinotaura kuti nyere dzairidzwa panguva dzaiitwa mitambo. (1 Madzimambo 1:40; Isaya 5:12; 30:29) Rinotiwo dzairidzwa pamariro. Nyere ndidzo chete dzinongotaurwa kuti dzairidzwa pamariro. Evhangeri yaMateu inotaura nezvemumwe mutongi wechiJudha akakumbira Jesu kuti aporese mwanasikana wake akanga ava kuda kufa. Zvisinei, Jesu paakazosvika kumba kwemutongi wacho, ‘akaona vanhu vairidza nyere neboka revanhu raiita nyonganyonga noruzha,’ nokuti mwana wacho akanga atofa.—Mateu 9:18, 23.
Zvakanyorwa naMateu nezvetsika iyi ndezvechokwadi here? Mumwe mushanduri weBhaibheri anonzi William Barclay anoti: “Munyika dzakawanda dzekare dzakadai seRoma, Girisi, Fenikiya, Asiriya neParestina, nyere dzaigara dzichiridzwa pamariro kana kuti panenge paitika njodzi yakaipisisa.” Bhuku rinonzi Talmud rinotaura kuti mumazana emakore okutanga C.E., murume wechiJudha anenge afirwa asi ari murombo chaizvo aigona kutohaya vanhu vaviri vairidza nyere nemukadzi airidza mhere kuti vacheme mudzimai wake anenge afa. Muongorori wezvakaitika kare Flavius Josephus uyo akararama muzana remakore rokutanga, akanyora nezvekukunda kwakaita vaRoma nhare yaiva kuJotapata muGarireya uye nezvekuurayiwa kwakaitwa vanhu vakawanda vomunzvimbo iyi muna 67 C.E. Anoti shoko iri parakasvika kuJerusarema, “vanhu vakawanda vaichema vakahaya vanoridza nyere kuti vacheme pamwe chete.”
Imhosva yorudzii yakanga yaparwa nevanhu vakaurayiwa pamwe chete naJesu?
▪ Bhaibheri rinoti vanhu ava vaiva “makororo.” (Mateu 27:38; Mako 15:27) Mamwe maduramanzwi eBhaibheri anotaura kuti Magwaro anoshandisa mashoko akasiyana pakutsanangura vanhu vaipara mhosva dzorudzi rwakasiyana. Shoko rechiGiriki rokuti kleptes rinoreva mbavha inoba muchivande kuti isaonekwa. Judhasi Iskariyoti aiva mbavha yorudzi urwu sezvo aiba mari yaiva mubhokisi remari revadzidzi. (Johani 12:6) Panewo shoko rokuti lestes iro rinowanzoreva munhu anoba nechisimba uye rinogona kutoreva mupanduki. Mhosva yorudzi urwu ndiyo yakaparwa nevaya vakaurayiwa pamwe chete naJesu. Zvinotonzi mumwe wemakororo aya akati: “Tiri kugamuchira zvakakwana zvakatikodzera nokuda kwezvinhu zvatakaita.” (Ruka 23:41) Izvozvo zvinoratidza kuti vaiva nemhosva yakakura inopfuura yokuba.
Bharabhasi aivawo nemhosva yakafanana (lestes) neyemakororo maviri iwayo. (Johani 18:40) Pfungwa yokuti Bharabhasi akanga asingori mbavhawo zvayo tinoiwana pana Ruka 23:19 iyo inoti: “Akanga akandwa mujeri nokuda kwokumukira kwakanga kuchiitika muguta uye nokuda kwokuponda.”
Saka kunyange zvazvo vanhu vakaurayiwa pamwe naJesu vaiva makororo, zvinoita sokuti vaivawo vapanduki kana kutoti mhondi. Hatinyatsozivi zvedu mhosva dzavaipomerwa, asi tinoziva kuti Gavhuna weRoma Pondiyo Pirato akaona kuti mhosva dzavo dzaiva dzakakodzera kuti vaurayiwe vachiita zvokurovererwa.