RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/15 pp. 21-25
  • Panouya Matsotsi Ane Zvombo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Panouya Matsotsi Ane Zvombo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzivirirwa Uye Shoko raMwari
  • Kuderedza Kutyisidzira Kwoutsotsi
  • Panouya Matsotsi Ane Zvombo
  • Kuramba Wakadzikama
  • Utsotsi Hwakakoneswa muWest Africa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Rutyo Ruchaguma Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nyika Isina Mbavha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Temberi Inocheneswa Zvekare
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/15 pp. 21-25

Panouya Matsotsi Ane Zvombo

MUIKOYI, rukisheni rukuru rwokuWest Africa, dzimba dzamadzimambo dzazova dzakasimba zvikuru. Dzakawanda dzine madziro akareba mamita matatu, akaiswa simbi dzakapinza, magirazi akapinza, kana kuti waya dzakapinza pamusoro pawo. Mapurisa anochengetedza anotarisira magedhi makuru ane mabhaudhi, simbi, cheni, uye zviroko zvokukiyisa. Mafafitera akaiswa simbi. Magedhi esimbi ari pakati pemakamuri okurara nemamwe makamuri. Usiku, imbwa hombe—maAlsatian nemaRottweiler—dzinobudiswa madzinenge dzakavharirwa. Mwenje yakajeka inodzinga rima, uye gadziriro dzokuongorora zviri kuitika panzvimbo dzinoshanda nekombiyuta dzinorira zvinyoronyoro apo zvinhu zvose zvinenge zvakanaka.

Hapana vasina chokwadi nokukosha kwokuita kuti musha wavo uchengeteke. Misoro yemapepanhau inoti: “Matsotsi Ane Zvombo Oba Munharaunda”; “Vanoba Vana Havachadzoreki”; uye “Kutya, Sezvo Zvikwata Zvomumugwagwa Zvinotora [Taundishipi].” Izvi ndizvo zviri kuitika munyika dzakawanda. Sezvakafanotaura Bhaibheri, zvechokwadi tiri kurarama munguva dzakaoma.—2 Timotio 3:1.

Kuwanda kwoutsotsi, kubatanidza uhwo hwokuba nezvombo, kuri kuwedzera munyika yose. Hurumende dziri kuramba dzisingakwanisi kana kuti dzisingadi kudzivirira vanhu vadzo vanogaramo. Mudzimwe nyika mapurisa, nemhaka yokuti mashoma uye ane pfuti shoma, haana kugadzirira zvakakwana kuita chinhu pavanokumbirwa kubetsera. Vakawanda vanenge varipowo ipapo havadi kubatanidzwa.

Vanobirwa vacho, vasingachakwanisi kuvimba nokubetserwa nemapurisa kana kuti nevanhuwo zvavo, vanosarirwa nokutozvidzivirira. Mumwe mukuru wechiKristu mune imwe nyika ichiri kusimukira akati: “Kana ukaridza mhere, matsotsi acho anokukuvadza kana kukuuraya. Usafunge kuti unombobatsirwa nevamwe. Kana ukabatsirwa, bva zvakanaka, asi usakarire kubatsirwa kana kuti kukumbira kubatsirwa nokuti kukumbira kubatsirwa kungava kutozvigokera moto muziso.”

Kudzivirirwa Uye Shoko raMwari

Nepo vaKristu vasiri rutivi rwenyika, vari munyika macho. (Johane 17:11, 16) Saka sezvinongoitawo munhu wese, vanoita gadziriro dzine musoro kuti vazvidzivirire. Asi, kusafanana nevakawanda vasinganamati Jehovha, vanhu vaMwari vanotsvaka kudzivirirwa vari mukati memitemo yechiKristu.

Zvakapesana naizvozvo, vanhu vari mune dzimwe nyika dzomuAfrica vanoshandisa mashiripiti vachitsvaga kuzvidzivirira pakubirwa. N’anga ingatema nyora ruoko, chipfuva, kana kuti kumusana kwemunhu wacho. Ipapo mushonga wemashiripiti unokwizirwa patemwa nyora pacho, podetembwa, uye munhu wacho anodavirwa kuti haachagoni kunetswa nematsotsi. Vamwewo vanoisa madumwa kana mishonga yemashiripiti mudzimba dzavo, vachidavira kuti “vimbiso” yakadaro ichaita kuti matsotsi asavakuvadza.

VaKristu vechokwadi havanei chokuita nemashiripiti chero api zvawo. Bhaibheri rinoshora marudzi ose okudavira midzimu, uye zvakarurama kuti ridaro, sezvo maitiro akadaro achiita kuti vanhu vataurirane nemadhimoni, ari iwo ari kukurudzira kurwisana panyika. (Genesi 6:2, 4, 11) Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “[Musa]tenda mashura.”—Revhitiko 19:26.

Vamwe vanhu vanotamburira kuzvidzivirira kupfurikidza nokuva nepfuti. Kunyange zvakadaro, vaKristu vanokoshesa mashoko aJesu, uyo akati: “Vanobata munondo, vachafa nomunondo.” (Mateo 26:52) Vanhu vaMwari vaka‘pfura minondo yavo kuva mapadza’ uye havatengi pfuti kuti vazvidzivirire pakubirwa kana kurohwa.—Mika 4:3.

Zvakadini nokuronga kuva nemapurisa anochengeta ane pfuti? Nepo iyi ingava nhau yokuti munhu azvisarudzire, yeuka kuti kuronga kudaro kuita kuti mumwe munhuwo zvake atakure pfuti yacho. Mushandirwi angakarira kuti vachengeti vacho vaite sei kana tsotsi rikauya? Angakarira kuti vachengeti vacho vapfure mbavha kana zvakafanira kuti vadzivirire vanhu nezvinhu zvanga zvichichengetwa here?

Zvinoitwa nevaKristu pakuramba mashiripiti nezvombo sezvinhu zvokudzivirira nazvo zvingaita soufuza mumaziso evasingazivi Mwari. Zvisinei, Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Ani nani unovimba naJehovha, uchachengetwa.” (Zvirevo 29:25) Nepo Jehovha achichengeta vanhu vake vose zvavo, haangoti chese chese changoitika opindira kuti adzivirire vashumiri vake pakubirwa. Jobho akanga akatendeka zvakasiyana nevamwe, asi Mwari akabvumira matsotsi kuti abe zvipfuwo zvaJobho, varindiri vacho vachifa. (Jobho 1:14, 15, 17) Mwari akabvumirawo muapostora Pauro kuwana “njodzi dzamakororo.” (2 VaKorinte 11:26) Kunyange zvakadaro, Mwari anodzidzisa vashumiri vake kuti vararame maererano nemitemo inoderedza ngozi yokubirwa. Anovapawo zivo inovabetsera kuita zvinhu munzira ichaderedza zvingangoita kuti vakuvadzwe pavanoda kubirwa.

Kuderedza Kutyisidzira Kwoutsotsi

Murume akachenjera akacherekedza kare kare kuti: “Kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata.” (Muparidzi 5:12) Namamwe mashoko, vane zvinhu zvakawanda vanganyanyozvidya mwoyo kuti vacharasikirwa nezvinhu zvavo zvokuti havawani hope vachinetseka nezvazvo.

Saka imwe nzira yokuderedza nayo kwete bedzi kuzvidya mwoyo asiwo kutyisidzira kwoutsotsi ndeyokudzivisa kuzviunganidzira zvinhu zvakawanda zvinodhura. Muapostora akafuridzirwa akanyora kuti: “Zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna baba, asi panyika.” (1 Johane 2:16) Zvishuvo zvimwe chetezvo zvinoita kuti vanhu vatenge zvinhu zvinodhura ndizvo zvinoita kuti vamwe vabe. Uye “kuzvikudza kwoupenyu” kunogona kuva kuzvidaidzira vakajaira kuba.

Kunze kwokuva nezvishoma, chimwe chinodzivirira pakubirwa kuratidza kuti uri muKristu wechokwadi. Kana uchiratidza kuti unoda vamwe, wakatendeka mune zvaunoita, uye uchishingaira muushumiri hwechiKristu, unogona kuita kuti uve nomukurumbira munharaunda yako wokuva munhu wakanaka, anofanira kuremekedzwa. (VaGaratia 5:19-23) Mukurumbira wechiKristu wakadaro unogona kutodzivirira kupfuura chombo.

Panouya Matsotsi Ane Zvombo

Kunyange zvakadaro, unofanira kuitei kana matsotsi akakwanisa kupinda mumusha mako ndokukudenha? Yeuka kuti upenyu hwako hunokosha zvikuru kupfuura zvinhu. Kristu Jesu akati: “Musadzivisa wakaipa, asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo. Kana munhu achida . . . kuti akutorere nguvo yako yomukati, umutendere nenguvo yokunzewo.”—Mateo 5:39, 40.

Iri izano rokuchenjera. Kunyange zvazvo vaKristu vasingamanikidzwi kutaurira matsotsi pane zvinhu, matsotsi anowanzova anoda zvokurwisa kana akaona kuti uri kuramba, hausi kuita zvaanoda, kana kuti uri kunyengedza. Akawanda awo, “asisina kana nepfungwa yose zvayo yokuzvibata,” anova nehasha noutsinye nyore nyore.—VaEfeso 4:19, NW.

Samuel anogara muchivako chemafurati. Matsotsi akavhara chivako chacho ndokupinda furati nefurati, achipamba. Samuel akanzwa kurira kwepfuti, masuo achiroverwa, uye vanhu vachidanidzira, kuchema, uye kurira. Kutiza kwakanga kusingaiti. Samuel akaudza mudzimai wake nevanakomana vatatu kuti vapfugame pauriri, vasimudze maoko avo, vavhare maziso avo, ndokumirira. Pakapinda matsotsi acho, Samuel akataura navo maziso akatarira pasi, achiziva kuti kana akatarira zviso zvavo, vangafunga kuti angazovaziva pane imwe nguva. “Pindai,” akadaro. “Chero chipi chamunoda, torai. Makasununguka kutora chero chinhu chipi zvacho. Tiri Zvapupu zvaJehovha, uye hatisi kuzokudzivisai.” Matsotsi acho akashamiswa neizvi. Muawa yakatevera yacho kana kuti kupfuura, varume 12 vaiva nezvombo vakauya vakaita zvikwata. Kunyange zvazvo vakaba zvishongo zvinokosha, mari, nezvinhu zvemagetsi, mhuri yacho haina kurohwa kana kuchekwa nemapanga sezvakanga zvaitwa vamwe vaiva muchivako chacho. Mhuri yaSamuel yakaonga Jehovha nokuda kwoupenyu hwavo.

Izvi zvinoenzanisira kuti kana totaura nezvemari nezvinhu zvokunyama, vanobirwa vasingadzivisi vangaderedza zvingangoita kuti vakuvadzwe.a

Dzimwe nguva, kupupura kwomuKristu kunogona kudzivirira kukuvadzwa. Matsotsi paakadenha musha waAde, akavaudza kuti: “Ndinoziva kuti zvinhu zvakakuomerai, uye ndokusaka muri kuita basa iri. SeZvapupu zvaJehovha, tinodavira kuti rimwe zuva munhu wose achava nezvakaringana zvokuti adye nemhuri yake. Munhu wose achagara murugare nomufaro muUmambo hwaMwari.” Izvozvo zvakaderedza hasha dzamatsotsi acho. Mumwe wavo akati: “Tine urombo kuti tauya pamba pako, asi unofanira kunzwisisa kuti tine nzara.” Kunyange zvazvo vakatorera Ade zvinhu zvake, havana chavakaita kwaari kana mhuri yake.

Kuramba Wakadzikama

Hazvisi nyore kudzikama mumugariro une ngozi, kunyanyanyanya apo matsotsi anenge achinyanyoda kutyisidzira vavanoda kubira kuti vabvume zvavanenge vachida. Kunyengetera kuchatibetsera. Kuchemera kwedu kubetserwa, kunyange kusinganzwiki uye kuri kupfupi, kunogona kunzwiwa naJehovha. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.” (Pisarema 34:15) Jehovha anotinzwa uye anogona kutipa uchenjeri hwokubata nemugariro chero upi zvawo zvakadzikama.—Jakobho 1:5.

Kunze kwokunyengetera, chimwe chinoyamura kuti udzikame kufanofunga zvauchaita nezvausingazoiti kana ukabirwa. Ichokwadi kuti hazviiti kuti ufanoziva mugariro wauchazviwana wava mauri. Kunyange zvakadaro, zvakanaka kuziva zvokuita, sezvakuri kuchenjera kuziva nzira dzokudzivira nadzo ngozi kana uri muchivako chinobatira moto. Kufanofunga kunokubetsera kudzikama, kudzivisa kutya, uye kupukunyuka kukuvadzwa.

Maonere anoita Mwari utsotsi anotaurwa zvakajeka sezvizvi: “Ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwe chete nezvakaipa.” (Isaya 61:8) Jehovha akafemera muporofita wake Ezekieri kuti aronge utsotsi sechivi chakakomba zvikuru. (Ezekieri 18:18) Asi bhuku rimwe chetero reBhaibheri rinoratidza kuti Mwari achakanganwira nenzira yengoni munhu anopfidza ndokudzorera zvinenge zvabiwa.—Ezekieri 33:14-16.

Pasinei zvapo nokugara munyika yakazadzwa noutsotsi, vaKristu vanofara mutariro youpenyu pasi poUmambo hwaMwari, munenge musisinazve utsotsi. Nezvenguva iyoyo, Bhaibheri rinovimbisa kuti: “[Vanhu vaMwari] mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”—Mika 4:4.

[Mashoko Omuzasi]

a Ichokwadi kuti kuita zvinenge zvichidiwa kune pakunogumira. Vashumiri vaJehovha havaiti zvinenge zvichidiwa munzira chero ipi zvayo inoputsa mutemo waMwari. Somuenzaniso, muKristu haazobvumi kubatwa chibharo achida.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe