Zvandinodzidza muBhaibheri
MAKORE 3 ZVICHIDZIKA
Ndiani akasika nyika?
Ndiani akasika gungwa?
Ndiani akasika iwe neni?
Ndiani akasika bhatafurayi nemapapiro aro ane mavara-mavara?
Jehovha Mwari ndiye akasika zvinhu zvose Zvakazarurwa 4:11
MIRAYIRIDZO KUVABEREKI
Dzidzisai mwana wenyu:
Zita raMwari ndiani?
Jehovha anogara kupi?
Zvii zvaakasika?
Kumbirai mwana wenyu kuti anongedze:
Nyeredzi
Makore
Zuva
Chikepe
Nyika
Imba
Gungwa
Bhatafurayi