RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 2/1 pp. 18-21
  • Kana Mwana Wako Ari Kuyaruka Asisina Chokwadi Nezvaunotenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Mwana Wako Ari Kuyaruka Asisina Chokwadi Nezvaunotenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Munhu Anonzwisisa
  • Kurukura Naye
  • ‘Simba Rokufunga’ Remwana Wenyu Ari Kuyaruka
  • ‘Kuitwa Kuti Uve Nechokwadi’
  • Dzidzisai Vari Kuyaruka Zvichazovabatsira Kana Vakura
    Mukai!—2011
  • Unoda Kuti Mwana Wako Azova Munhu Akaita Sei?
    Mukai!—2011
  • Kukurukura Nevana Vari Kuyaruka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mibvunzo Inobvunzwa Nevabereki
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 2/1 pp. 18-21

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Kana Mwana Wako Ari Kuyaruka Asisina Chokwadi Nezvaunotenda

Vechiduku vakawanda pavanenge vachiyaruka vanosarudza kupinda chitendero chevabereki vavo. (2 Timoti 3:14) Asi vamwe havadaro. Ungaitei kana mwana wako ari kuyaruka akatanga kusava nechokwadi nezvaunotenda? Nyaya ino ichatsanangura zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha kana mwana adaro.

“Handichadi kupinda chechi yevabereki vangu. Ndiri kungonzwa sokuti handichazvikwanisi.”​—Chipo, ane makore 18.a

UNE chokwadi chokuti chitendero chako chinodzidzisa chokwadi nezvaMwari. Unoziva kuti Bhaibheri rinodzidzisa mararamiro akanakisisa. Saka semubereki unoda kudzidzisa mwana wako zvaunotenda. (Dheuteronomio 6:6, 7) Asi ungaita sei kana mwana wako ari kuyaruka asingachafariri zvokunamata? Ko kana akatanga kuramba dzidziso dzaaimbobvuma achiri mudiki?​—VaGaratiya 5:7.

Kana zviri izvo zviri kuitika, rega kufunga kuti uri kutadza kuva mubereki wechiKristu. Pane zvimwewo zvingava zvichiita kuti adaro, sezvatichaona. Asi ziva izvi: Mapinduriro auchaita mibvunzo yemwana wako ndiwo anogona kutema kuti achabvuma zvaunotenda here kana kuti kwete. Kana ukada kuita zvehondo nemwana panyaya iyi uri kuzviomesera, nokuti anototi akurigire pasi chete.​—VaKorose 3:21.

Zvakanaka chaizvo kuteerera nyevero yomuapostora Pauro yokuti: “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose, anokwanisa kudzidzisa, anoramba achizvidzora.” (2 Timoti 2:24) Kana mwana wako asisina chokwadi nechitendero chako, ungaratidza sei kuti ‘unokwanisa kudzidzisa?’

Kuputirwa Pfungwa Here?

Nhema: Zvapupu zvaJehovha zvinomanikidza vana vazvo kuti vapinde chitendero chazvo.

Chokwadi: Zvapupu zvinoita zvinotaurwa neBhaibheri pazvinoedza chaizvo kuti vana vazvo vade Mwari. (VaEfeso 6:4) Kunyange zvakadaro, vanoziva kuti mwana anozozvisarudzira zvaanoda panyaya dzokunamata kana akura.—VaRoma 14:12; VaGaratiya 6:5.

Iva Munhu Anonzwisisa

Edza kutanga wanzwisisa kuti chii chiri kuita kuti mwana wako ave nemafungiro iwayo. Somuenzaniso:

  • Kushaya shamwari muungano yechiKristu kuri kuita kuti asurukirwe here? “Ndaishamwaridzana nevakawanda vokuchikoro zvikandikanganisa panyaya dzokunamata. Ndakaguma ndisisafarire zvokunamata nenyaya yeshamwari dzakaipa asi iye zvino ndava kuzvidemba chaizvo.”—Nyarai, ane makore 19.

  • Kutya kuri kumutadzisa kutsigira chitendero chake here? “Pandaiva kuchikoro ndaizeza kutaura zvandinotenda kune vandaidzidza navo. Ndaityira kuti vachazoguma vava kunditi mufundisi. Vechiduku vose vaida kuita zvakasiyana nevamwe vaionekwa sezambiringa munyemba uye ndakanga ndisingadi kuonekwa saizvozvo.”​—Tafadzwa, ane makore 23.

  • Anoona mararamiro echiKristu seakaoma here? “Ndinoona sokuti vimbiso yeBhaibheri youpenyu husingaperi chinhu chiri pamusoro-soro panzvimbo yakakwirira, uye kuti handisati ndatombotanga kukwira masitepisi ekuti ndisvikeko. Ndinotya kutanga kukwira zvokuti ndinobva ndatongoona kuti kusiyana nazvo ndiko kuzvipedza.”​—Tendai, ane makore 16.

Kurukura Naye

Pane zvingava zvichinetsa mwana wako here? Nzira yakanakisisa yokuti uzvizive ndeyokumubvunza. Asi ngwarira kuti musapedzisira mava kuitisana nharo. Teerera zano riri pana Jakobho 1:19 rokuti: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura, unonoke kuva nehasha.’ Ratidza “mwoyo murefu nounyanzvi hwokudzidzisa” sezvawaizongoita nemumwe munhu asiri womumhuri mako.​—2 Timoti 4:2.

Somuenzaniso kana mwana wako asingadi kupinda misangano yechiKristu, edza kuona kuti chii chiri kumunetsa. Asi zviite nemwoyo murefu. Muenzaniso uri pasi apa unoratidza mubereki achikundikana kubatsira mwana wake.

Mwanakomana: Handichadi zvokuenda kumisangano.

Baba: [nehasha] Unorevei kana uchiti hauchadi kuenda kumisangano?

Mwanakomana: Zvemisangano zvinofinha izvo!

Baba: Unofinhwa nokunamata Mwari? Manje wairasa! Kana uchida zvokugara pano unotokuenda chete, usingadi uchida!

Mwari anoda kuti vabereki vadzidzise vana vavo nezvake uye kuti vana vateerere vabereki vavo. (VaEfeso 6:1) Asiwo somubereki haudi kuti mwana wako angoita gundamusaira pakuita zvinhu zvokunamata uye kuti angoenda kumisangano yechiKristu iye asingadi. Unoda kuita zvose zvaunogona kuti mwana wako anamate Jehovha zvichibva pasi pemwoyo.

Unogona kubudirira pakuita izvozvo kana ukatsvaka kuti chii chingava chiri kukonzera mafungiro ava nemwana wako. Uchifunga izvozvo, ona kuti kukurukurirana kwanga kuchiita baba nemwana wavo kungadai kwaitwa sei zvinobudirira.

Mwanakomana: Handichadi zvokuenda kumisangano.

Baba: [vakadzikama] Zvaita sei mwanangu?

Mwanakomana: Hapana. Zvemisangano zvava kungondifinha!

Baba: Chokwadi, kugara pasi kweawa kana maawa maviri kunogona kufinha. Asi chii chakanyanya kukuomera kumisangano?

Mwanakomana: Handizivi. Ndinoona sokuti zviri nani kunge ndiri kune imwewo nzvimbo zvangu.

Baba: Ndiwo maonero anoitawo shamwari dzako here?

Mwanakomana: Ndopane nyaya ipapo! Handisisina kana shamwari imwe zvayo. Kubva zvakatama shamwari yangu, ndinoona sokuti hapana wandingataurawo naye. Vamwe vangu vari kunakidzwa noupenyu ini ndichingosaririra!

Kana baba ava vakaita kuti mwana wavo ataure zviri kutsi kwemwoyo vachakwanisa kuziva dambudziko rake rokuti ari kushaya shamwari. Baba vachaitawo kuti mwana wavo avimbe navo zvoita kuti azosununguka kutaura navo mune remangwana.​—Ona bhokisi rakanzi “Iva Nemwoyo Murefu!”

Iva Nemwoyo Murefu!

Kukurukura nemwana wako kungada kuti uve nemwoyo murefu chaizvo. Asi mwana wako paanozosununguka kutaura newe, ndipo paunozoona kuti wakafira zviripo. Mumwe musikana ari kuyaruka anoti: “Humwe husiku pataikurukura nababa ndakavaudza kuti ndaikurukura nemumwe mukomana paIndaneti uye kuti ndaida kutiza pamba. Baba vakaramba vakadzikama zvavo kusvikira vapedza kutaura neni. Handifungi kuti pana baba vaizoramba vakadzikama saizvozvo vachinzwa mwanasikana wavo achitaura kuti akanga atombotsvodana nemukomana achigara achitumirana naye mameseji. Ndinofunga kuti ndinogona kutaurira baba vangu zvose zvinenge zvichiitika muupenyu hwangu. Ndinoziva kuti vanoda chaizvo kundibatsira.”

Vechiduku vakawanda vanozoona kuti kana vakakurira dambudziko riri kuvhiringidza ukama hwavo naMwari kazhinji vanozofara uye vanodada nekutenda kwavo. Chimbofunga nezvaTafadzwa, mukomana wechiduku ambotaurwa uyo ainyara kutaura kuti muKristu kuchikoro. Nokufamba kwenguva Tafadzwa akazoona kuti kutaura nezvekutenda kwake kwakanga kusingatyisi kunyange zvazvo vanhu vaigona kumuseka. Anoti:

“Rimwe zuva mumwe mukomana wekuchikoro akatanga kunditsvinyira nemhaka yechitendero changu. Ndakatanga kutya pandakaona kuti kirasi yose yakanga yakateya nzeve. Ndakamubvunzawo nezvechitendero chake. Ndakashamisika pandakaona kuti aitotya kupfuura zvandaiita. Ndakatoona kuti vechiduku vakawanda vane zvitendero zvavanopinda asi havanzwisisi dzidziso dzokuchechi kwavo. Asi ini ndaiva nani nokuti ndaitombokwanisa kutsanangura dzidziso dzedu. Chokwadi ndechokuti vandinodzidza navo ndivo vanotofanira kutya kutaura zvavanotenda, kwete ini.”

EDZA IZVI: Bvunza mwana wako kuti anoona sei nyaya yokuva muKristu. Anoona sokuti kuva muKristu kwakanakirei? Zvii zvakamuomera? Zvaanowana nokuva muKristu zvinopfuura nokure matambudziko aanotarisana nawo here? Kana zvakadaro, sei? (Mako 10:29, 30) Mwana wenyu anogona kunyora papepa pfungwa dzake. Pachikamu chokuruboshwe anonyora matambudziko, pane chokurudyi onyora zvazvakanakira. Kuita zvokunyora papepa kunogona kubatsira mwana wenyu kuti aone pane dambudziko rake uye magadzirisiro aangariita.

‘Simba Rokufunga’ Remwana Wenyu Ari Kuyaruka

Vabereki nedzimwewo nyanzvi vakaona kuti pane musiyano mukuru pamafungiro anoita vana vaduku nevana vari kuyaruka. (1 VaKorinde 13:11) Vana vaduku vanongobvuma zvose zvose asi vari kuyaruka vanoda kuziva zvikonzero zvacho. Somuenzaniso, mwana muduku anogona kudzidziswa kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvose. (Genesisi 1:1) Asi mwana ari kuyaruka anogona kunetseka nemibvunzo yakadai sokuti: ‘Chii chinoratidza kuti Mwari ariko? Sei Mwari ane rudo achirega zvinhu zvakaipa zvichiitika? Tinoziva sei kuti Mwari agara ariko?’​—Pisarema 90:2.

Ungaona sokuti mibvunzo iyoyo inoratidza kuti kutenda kwemwana wako kwava kuita zinyekenyeke. Asi chokwadi ndechokuti mibvunzo iyoyo inogona kuratidza kuti ari kufambira mberi. Kubvunza mibvunzo chinhu chakatokosha kumuKristu pakufambira mberi kwake pakunamata.​—Mabasa 17:2, 3.

Uyezve mwana wenyu anenge achidzidzira kushandisa ‘simba rake rokufunga.’ (VaRoma 12:1, 2) Izvozvo zvichaita kuti anzwisise “kufara nokureba nokukwirira nokudzika” kwedzidziso dzechiKristu, zvinova zvinhu zvaasingakwanisi kuita kana achiri muduku. (VaEfeso 3:18) Iye zvino ndiyo nguva yokuti mubatsire mwana wenyu kuti afungisise zvikonzero zvokutenda kwake kuitira kuti anyatsova nechokwadi nezvinhu izvozvo.​—Zvirevo 14:15; Mabasa 17:11.

Zvakanakira Kuva Nachipangamazano

Dzimwe nguva vechiduku vanobatsirwa kana munhu mukuru asiri womumhuri mavo akavakurudzira. Munoziva here mumwe anoita zvakanaka pakunamata angakurudzira mwana wenyu ari kuyaruka? Madii kuronga kuti apedze nguva aine mwana wenyu? Chinangwa chenyu hachisi chokuti murege zvamunosungirwa kuita. Asi fungai nezvaTimoti. Akabatsirwa zvikuru nomuenzaniso womuapostora Pauro, uye Pauro akabatsirwawo zvikuru nekuva naTimoti seshamwari yake.​—VaFiripi 2:20, 22.c

c Kubva mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1, ra2011, peji 318, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

EDZA IZVI: Chimbodzokororai nemwana wenyu dzidziso dzinokosha dzokuti imi nemwana wenyu mungadaro musina kumbonyatsodzikurukura. Somuenzaniso, itai kuti afunge mibvunzo yakadai sokuti: ‘Chii chinoita kuti ndive nechokwadi chokuti Mwari ariko? Uchapupu hupi hwandinoona hunoratidza kuti Mwari ane hanya neni? Nei ndichiona sokuti kuteerera mitemo yaMwari kwakandinakira nguva dzose?’ Ngwarira kuti usamanikidza mwana kutevedzera maonero ako. Asi mubatsire kuti azvionere zvikonzero zvacho. Izvozvo zvichamubatsira kuti ave nechokwadi nezvinhu zvaanotenda.

‘Kuitwa Kuti Uve Nechokwadi’

Bhaibheri rinotaura nezvemukomana wechiduku Timoti uyo akaziva zvinyorwa zvitsvene “kubvira paucheche.” Asi muapostora Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo.” (2 Timoti 3:14, 15) Mwana wako angangodaro akadzidziswa mitemo yeBhaibheri kubvira paucheche sezvakaitwa Timoti. Asi iye zvino unofanira kumubatsira kuti ave nechokwadi nezvinhu zvaanotenda.

Bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1, rinoti: “Chero bedzi muchiri kugara nemwana wenyu pamba, mune kodzero yokuita kuti atevedzere purogiramu yenyu yezvokunamata. Zvisinei, chinangwa chenyu ndechokuita kuti ade Mwari zvinobva pamwoyo—kwete kuti angoita zvinhu asingafungi.” Kana ukagara uchifunga izvozvo unogona kubatsira mwana wako kuti ‘asimbe pakutenda’ zvoita kuti azvimiririre pakutenda kwake.b​—1 Petro 5:9.

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

b Kuti uwane mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yaMay 1, 2009, mapeji 10-12, uye bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1, mapeji 315-318.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Ndinoita sei kana mwana wangu asisina chokwadi nezvandinotenda?

  • Ndingashandisa sei zviri munyaya ino kuti ndivandudze pane zvandinoita nemwana wangu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe