Unofanira Kuvimba Nezvaunoona Pakutanga Here?
AKAGARA zvake pautefe-tefe muimba yake yokutandarira, mumwe chiremba aiona purogiramu yepaterevhizheni yairatidza gurukota rokuIreland richibvunzurudzwa. Chiremba uyu paakatarisa chiso chegurukota racho, akaona chinhu chaiita sebundu, ravanoti tumor muChirungu. Akakurudzira gurukota racho kuti rikurumidze kunotariswa.
Zvakanga zvafungidzirwa nachiremba uyu zvakatozoonekwa kuti ichokwadi. Chiremba uyu akakwanisa kungoona munhu paterevhizheni akabva atoziva chirwere chake. Sezvakaitwa nachiremba uyu, pane vamwe vanofunga kuti vanogona kuziva unhu hwomunhu, zvaanoita uye kuvimbika kwaakaita pavanongomuona kekutanga.
Kwemazana emakore, masayendisiti akaedza kuongorora kana zvichiita kuziva unhu hwemunhu nokungoona chitarisiko chake. Vanoti sayenzi iyi inonzi physiognomy, iyo inotsanangurwa neEncyclopædia Britannica se“sayenzi inoti inoongorora unhu hwevanhu hunogona kuoneka pane zvakaita chiso kana kuti miviri yavo.” Muzana remakore rechi19, masayendisiti anoongorora magariro evanhu, akaita saFrancis Galton, hama yaCharles Darwin, nemasayendisiti anoongorora zvokuparwa kwemhosva akaita saCesare Lombroso wokuItaly, vakataura pfungwa dzakafanana nedzataurwa pamusoro apa, uye dzimwe dzacho dzakatokanganwika.
Asi vakawanda vanofunga kuti unogona kuziva zvakaita munhu nokungoongorora chitarisiko chake. Ichokwadi here ichocho?
Kungoti Zvawaona Pakutanga Ndizvozvo
Muenzaniso wemunhu aifunga kuti zvaaona pakutanga ndizvozvo uri mubhuku reBhaibheri raSamueri Rokutanga. Jehovha Mwari akarayira muprofita Samueri kuti anozodza mumwe wevana vaJese kuti azova mambo waIsraeri. Ndima yacho inoti: “[Vanakomana vaJese] zvavaipinda, akaona Eriyabhi akabva angoti: ‘Chokwadi muzodziwa waJehovha ari pamberi pake.’ Asi Jehovha akati kuna Samueri: ‘Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake, nokuti ndamuramba. Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.’” Pakapinda vamwe vanakomana vaJese vatanhatu, vose vakarambwawo. Kusiyana nezvaifungwa nomuprofita Samueri naJese, Mwari akasarudza Dhavhidhi mwanakomana waJese wechisere, kakomanawo zvako kavakanga vasingafungiri.—1 Samueri 16:6-12.
Ndizvo zvazvakangoitawo nhasi. Makore mashomanana apfuura, kuGermany, mumwe muzvinadzidzo wesayenzi yezvokuparwa kwemhosva akaongorora izvi achishandisa vanhu 500 vaidzidzira kuva magweta. Paivawo nevanhu 12 vakanga vasingazivikanwi nevadzidzi kuti vanoita nezvei. Vanhu ava vaisanganisira mukuru mukuru wemapurisa, muchuchisi, mubati wehomwe yepane imwe yunivhesiti, uye anoona nezvekudyidzana neveruzhinji, magweta uye vanoshanda mumatare edzimhosva, nevanhu vatatu vakanga vapara mhosva. Vadzidzi vaifanira kuongorora chitarisiko chemunhu nezvaanoti anofarira vobva vataura kuti ndevapi vakakodzera kupika jeri nemhosva dzavanenge vachivapomera uye kuti vaishanda mabasa api.
Chii chakabuda paongororo iyi? Vadzidzi vanenge 75 muzana vakagona kuziva vanhu vatatu vaiva nemhosva. Asi vanenge 60 muzana vakati vamwe 9 vaiva vapari vemhosva, nepo vaiva vasati vatombopara mhosva muupenyu. Mudzidzi mumwe pa7 voga voga akafunga kuti muchuchisi aiita zvemadhiragi, uye mumwe chete pavatatu voga voga aifunga kuti mukuru wemapurisa aiva mbavha. Kungoti zvawaona pakutanga ndizvozvo kungaita kuti ufungire zvinhu zvisirizvo zvachose. Sei zvakadaro?
Chitarisiko Chinogona Kunyengera
Patinoonana nomunhu kokutanga, tinowanzomufungira zvaangave asiri nemhaka yezvatakamboona kana kunzwa kunyange hazvo zvisinei nomunhu wacho. Pakadaro, tinowanzotaura zvatinofunga zvichienderana nezvagara zvichitaurwa nevanhu. Tinogonawo kufungira munhu zvaasiri nemhaka yenyika yaanobva, dzinza rake, chinzvimbo chaanacho kana chitendero chaanopinda.
Kana zvikaita sokuti zvatafungira nezvomunhu iyeye ndizvo, tinozvirova dundundu tichiti tagona, tobva tatofunga kuti pose patichaona munhu tichaziva zvaari nokungomuona kamwe chete. Asi tinoita sei kana tikazoona kuti munhu iyeye tainge tamufungira zvisizvo? Kana takavimbika, tinofanira kuchinja mafungiro atanga tava nawo tonyatsoongorora zvinhu sezvazviri. Tikasadaro, tingava tiri kukanganisira vamwe, nokuti tinodada uye tinofunga kuti zvatinenge tangoona pakutanga ndizvozvo chaizvo.
Kungoti zvawaona pakutanga ndizvozvo kunogona kurwadzisa ari kuzviitirwa wacho newe wacho. Somuenzaniso, muzana remakore rokutanga vaJudha vakawanda vakaramba kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya akapikirwa. Vakarambirei? Kubva pane zvavaiona nemaziso avo, Jesu aingovawo zvake mwanakomana womuvezi wokumaruwa. Kunyange zvazvo vaibayiwa mwoyo nemashoko aJesu ouchenjeri uye mabasa ake esimba, vakaramba kuti aiva Mesiya vakaomerera pane zvavakanga vagara vachifunga nezvake. Maitiro avo akazoita kuti Jesu afunge zvokunoparidza kune vamwe vanhu sezvaakataura achiti: “Muprofita anokudzwa kumwe kwose asi kwete munharaunda yokumusha kwake uye mumba make.”—Mateu 13:54-58.
VaJudha ivavo vakanga vari verudzi rwakanga rwakamirira Mesiya kwemazana emakore. Asi kuramba vachiomerera pamaonero avo kwakavatadzisa kuziva Mesiya paakazosvika uye zvakaita kuti vagume vasingachafarirwi naMwari. (Mateu 23:37-39) Vateveri vaJesu vaingofungirwawo zvisizvo saizvozvo. Vanhu vakawanda vaiomerwa nokubvuma kuti kapoka kaduku kevabati vehove vakaderera ako kaishorwa nevanhu vakadzidza nevaitungamirira chitendero chevoruzhinji, kangataura chinhu chine musoro. Vaya vakaramba vachivimba nemaonero avo vakarasikirwa nemukana wokuva vateveri veMwanakomana waMwari.—Johani 1:10-12.
Vamwe Vakachinja Maonero Avo
Pane vamwe vakararama munguva yaJesu vakazvininipisa vakachinja maonero avo pavakaona zvaaiita. (Johani 7:45-52) Vamwe vacho vaisanganisira hama dzakawanda dzaJesu dzepedyo idzo dzakanga dzisingabvumi kuti Mesiya angabuda mumhuri mavo. (Johani 7:5) Zvinofadza kuti vakazochinja maonero avo ndokutenda muna Jesu. (Mabasa 1:14; 1 VaKorinde 9:5; VaGaratiya 1:19) Saizvozvowo vamwe vaJudha vaiva muRoma vaida kuteerera zvaitaurwa nomuapostora Pauro pachake pane kuteerera nhema dzaitaurwa nevaivenga chiKristu. Vamwe vavo vakazova vatendi.—Mabasa 28:22-24.
Mazuva ano vakawanda vanotaura zvisiri izvo nezveZvapupu zvaJehovha. Nei vachidaro? Kazhinji vanenge vasina kuongorora kuti dzidziso, maitiro uye zvinotendwa neZvapupu zvinobva mumagwaro here. Asi vanongotevera machechi akakurumbira zvokuti havambofungi kuti Zvapupu zvaJehovha zvingadzidzisa chokwadi pakunamata. Sezvauri kutoona, aya ndiwo maonero aiitwa nevakawanda vomuzana remakore rokutanga nezvevaKristu.
Hazvishamisi kuti vaya vanoda kutevedzera muenzaniso waJesu vanoshorwa kana kuzvidzwa. Sei zvisingashamisi? Nokuti Jesu akagara anyevera vateveri vake vechokwadi kuti: “Muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu.” Asi akazovakurudzira achiti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mateu 10:22.
Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinoshanda nesimba kuti zviparidzire vanhu mashoko akanaka oUmambo munyika yose. Izvi vanozviita nokuti vanoteerera murayiro waJesu. (Mateu 28:19, 20) Vaya vanenge varamba zvachose kuteerera vacharasikirwa nemukana wokupinda mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi. (Johani 17:3) Ko iwe uchaita sei? Uchavimba nezvaunoona uyewo zvaunofungidzira paunosangana nemunhu kekutanga here kana kuti uchada kunyatsoongorora zvinhu? Yeuka kuti chitarisiko chinogona kunyengera uye zvaunofunga zvinogona kunge zvisirizvo, asi kunyatsoongorora zvinhu usina kwawakarerekera kunogona kuita kuti uone zvinhu zvingatokushamisa.—Mabasa 17:10-12.
[Mufananidzo uri papeji 11]
VaJudha vakawanda vakaramba kuti Jesu ndiye Mesiya nokuti vakaomerera pamaonero avaimuita pakutanga
[Mufananidzo uri papeji 12]
Unoona Zvapupu zvaJehovha sezvazviri here kana kuti unovimba nezvinhu zvaunoona pakutanga?