RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 3/1 pp. 16-17
  • Tinofanira Kuyeuka Sei Rufu rwaJesu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kuyeuka Sei Rufu rwaJesu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kudya kwaShe Kwemanheru—Chiitiko Chinokudza Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chirangaridzo (Kudya kwaShe Kwemanheru)
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • ‘Itai Izvi Muchindiyeuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kudya kwaShe Kwemanheru—Kunochengetwa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 3/1 pp. 16-17

Dzidza Kubva muShoko raMwari

Tinofanira Kuyeuka Sei Rufu rwaJesu?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Rufu rwaJesu runofanira kuyeukwa sei?

Jesu akaudza vateveri vake kuti vayeuke rufu rwake vachishandisa chingwa newaini. Chingwa chinomiririra muviri waJesu uye waini inomiririra ropa rake.—Verenga Ruka 22:19, 20.

Chingwa chakashandiswa naJesu chakanga chisina mbiriso. MuBhaibheri, shoko rokuti mbiriso rinowanzoreva chivi. Saka chingwa chakashandiswa naJesu chaikodzera kumiririra muviri wake wakanga usina chivi. Jesu akapa muviri wake sechibayiro zvichibva zvaita kuti zvibayiro zvemhuka zvaipiwa panguva yoMutemo waMosesi zvichirega kupiwa. (VaHebheru 10:5, 9, 10) Waini yaimiririra ropa raJesu rinokosha rakateurwa sechibayiro chezvivi zvedu.—Verenga 1 Petro 1:19; 2:24; 3:18.

2. Ndirini patinofanira kuyeuka rufu rwaJesu?

Jesu akafa musi waNisani 14 waiitwa Paseka. Zuva revaJudha raitanga pakunyura kwezuva. Asati afa, akadya Paseka nevaapostora vake manheru akanga apfuura. Akabva azoshandisa chingwa newaini kuti atange chinhu chitsva, chokuyeuka rufu rwake.—Verenga Ruka 22:14, 15.

Mazuva ano, vanhu vaMwari vanoyeuka zvaakaita paakapa Jesu kuti asunungure vanhu vose pachivi norufu. (Eksodho 12:5-7, 13, 17) Paseka yaipembererwa kamwe chete pagore, saka rufu rwaJesu runongoyeukwawo kamwe chete pagore. Izvi zvinoitwa musi waNisani 14, zuva ranyura maererano nekarenda yeBhaibheri.—Verenga Johani 1:29.

3. Ndivanaani vanofanira kudya chingwa nokunwa waini?

Jesu paakapa vateveri vake waini, akati: “Kapu iyi inomirira sungano itsva.” (1 VaKorinde 11:25) Sungano itsva yakatsiva sungano yoMutemo waMosesi iyo Mwari akanga avimbisa vaIsraeri nayo kuti vaizova vanhu vake, kana vaizonyatsomuteerera. (Eksodho 19:5, 6) Asi vaIsraeri havana kuteerera Mwari. Saka Jehovha akazoita kuti pave nesungano itsva.—Verenga Jeremiya 31:31.

Jehovha achashandisa vanhu vashomanana vari musungano itsva kuti vanhu vakawanda vawane makomborero. Vari musungano yacho i144 000 chete. Vanhu ava vachaita kuti mamiriyoni evanhu vemarudzi ose awane upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. Mazuva ano, pane vamwe vari musungano itsva vari kushumira Jehovha vari pano pasi. Vanhu ava chete ndivo vanofanira kudya chingwa newaini nokuti Jehovha akaita “sungano itsva” navo. Ropa raJesu ndiro rakaita kuti sungano yacho ishande.—Verenga Ruka 12:32; Zvakazarurwa 14:1, 3.

4. Kuyeuka rufu rwaJesu kunotibatsira sei?

Kuyeuka rufu rwaJesu kunodzamisa kuonga kwatinoita rudo rukuru rwaJehovha. Akatuma Mwanakomana wake kuti afire zvivi zvedu. Saka patinoenda kunoyeuka rufu rwaJesu, tinofanira kufungisisa kuti rufu rwake runorevei kwatiri. Tinofanira kufungisisa kuti tingaratidza sei kuti tinoonga zvatakaitirwa naJehovha naJesu.—Verenga Johani 3:16; 2 VaKorinde 5:14, 15.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 206 kusvika ku208 ebhuku iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe