RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 3/1 p. 18
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anodana Mateu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mitero—Mubayiro “Wenzanga Yakabudirira” Here?
    Mukai!—2003
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Atari—Ine Nzvimbo Yei Mukunamata?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 3/1 p. 18

Waizviziva Here?

Atari yaiva yakanzi kuna “Mwari Asingazivikanwi” yakaonekwa nomuapostora Pauro kuAtene yaiva chii?—Mabasa 17:23.

▪ Vanyori vakati wandei vechiGriki vakanyora nezveatari dzakadaro. Somuenzaniso, munyori wenhoroondo dzekare aivazve nyanzvi inoona nezvezvakatipoteredza ainzi Pausanias uyo akararama muzana remakore rechipiri C.E., akanyora kuti paOlympia paiva “neatari yanamwari Vasingazivikanwi.” Nyanzvi yokutaura uye kutsanangura nyaya dzoupenyu yainzi Philostratus yakati muAtene “maimiswa atari dzaigona kutoshandiswa pakunamata vanamwari vasingazivikanwi.”

Diogenes Laertius akararama muzana remakore rechitatu C.E. akarondedzera imwe tsika yaitsanangura matangiro akaita “atari dzisina mazita.” Imwe nyaya ingadaro yakanyorwa muzana remakore rechitanhatu kana kuti rechinomwe B.C.E. inotaura nezvekucheneswa kwakaitwa vaAtene pachirwere chakaipisisa nomumwe murume ainzi Epimenides. Diogenes akanyora kuti: “Iye [Epimenides] akatora makwai . . . ndokuaunza kuAreyopago; uye ikoko akaarega achienda chero kwaaida, ndokuraira vaiatevera kuti vaise mucherechedzo pose pairara gwai rimwe nerimwe vobva vapa chibayiro kuna mwari wenzvimbo yacho. Nenzira iyi, zvinonzi chirwere chacho chakabva chapera. Saka mazuva ano hazvishamisi kuti atari dzisina kunyorwa mazita dzinowanika munzvimbo dzakawanda dzeAttica [kuGreece].”

The Anchor Bible Dictionary rinotaura chimwe chikonzero chingadaro chakaita kuti atari dzavanamwari vasingazivikanwi dzivakwe richiti, “vaitya kuratidza kusaremekedza vanamwari kana kuti vanamwarikadzi vasingazivikanwi uye kushaya makomborero kana kuti kutsamwirwa navanamwari vacho.”

Nei vaJudha vomuzana remakore rokutanga vaizvidza vateresi?

▪ Vateresi havana kumbobvira vafarirwa nevanhu. MuIsraeri yomuzana remakore rokutanga, vateresi vaionekwa sevanhu vanozvidzwa uye vane uori chaizvo.

Hurumende yevaRoma yaimanikidza vanhu kubvisa mitero inorema. Vashandi vehurumende iyi vaibhadharisa vanhu mitero yenzvimbo dzavaigara uye mutero womunhu mumwe nomumwe. Asi munhu aiunza mari yakawanda munyika ndiye wavaizoti aite basa rokubhadharisa mitero yezvinhu zvaipinda nokubuda munyika uye zvaipfuura nemo. Saka vanamuzvinabhizimisi vakatenga kodzero yokubhadharisa mitero mune dzimwe nzvimbo. Sezvo vaishandira vaRoma, avo vaivengwa nevaJudha, vateresi vechiJudha vaivengwa chaizvo nehama dzavo idzo dzaivaona se“vatengesi uye vapanduki vakasvibiswa nokudyidzana nevahedheni,” inodaro Cyclopædia yaM’Clintock naStrong.

Vateresi vaibiridzira zviri pachena uye vaizvipfumisa nemari dzavaibiridzira hama dzavo dzechiJudha. Vamwe vaichaja mari yakawandisa yomutero vobva vatyorera yomuraudzo yacho muhomwe uye vamwe vaipomera varombo mhosva dzenhema kuti vavabhadharise. (Ruka 3:13; 19:8) Izvi zvakaita kuti vaJudha vavaone sevatadzi. Uye bhuku rinonzi The Jewish Encyclopedia rinoti izvi zvaiita kuti “vasakodzera kushanda sevatongi uyewo sezvapupu mudare.”—Mateu 9:10, 11.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Atari kuna Mwari asingazivikanwi, pamatongo ePegamo, kuTurkey

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mufananidzo wokuRoma unoratidza muteresi womuzana remakore rechipiri kana kuti rokutanga C.E.

[Kwazvakatorwa]

Erich Lessing/Art Resource, NY

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe