Kuongorora Ruvara Nemicheka Zvinotaurwa muBhaibheri
KAZHINJI Bhaibheri rinotaura nezvezvitaera, ruvara uye mhando dzezvipfeko zvevanhu vakararama mazana emakore akapfuura.
Ndizvo hazvo kuti Bhaibheri harisi bhuku rokutsanangura fashoni nezvitaera. Asi kudonongodza kwarinoita kunoita kuti muverengi aite seari kutoona zvinhu zvacho zvichiitika.
Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvehembe dzemashizha omuonde dzakagadzirwa naAdhamu naEvha kuti vapfeke. Mwari akazovagadzirira “nguo refu dzematehwe” dzaizogara kwenguva refu.—Genesisi 3:7, 21.
Panewo nhoroondo dziri muna Eksodho chitsauko 28 ne39 dzinodonongodza zvaipfekwa nevapristi vakuru vechiIsraeri. Izvi zvaisanganisira nguo yomukati yerineni, nguo refu chena, bhandi rejira, jasi rebhuruu risina maoko, efodhi yakamendwa, homwe yepachipfuva uyewo ngowani yaiva nekarata kanopenya. Kungoverenga nezvemagadzirirwo aiitwa nguo idzi pachishandiswa zvinhu zvinokosha zvakasiyana-siyana kunoita kuti tione kuti nguo dzacho dzinofanira kunge dzakanga dzakanaka samare.—Eksodho 39:1-5, 22-29.
Nguo dzomuprofita Eriya dzaiva dzakasiyana nedzevamwe zvokuti pakataurwa kuti “murume akapfeka nguo yemvere, akasunga bhandi reganda muchiuno make,” vanhu vakabva vaziva kuti ndiye airehwa. Papera mazana emakore, vamwe vanhu vakafunga kuti Johani Mubhabhatidzi ndiye Eriya, zvichida nemhaka yokuti zvipfeko zvavo zvaiva zvakafanana.—2 Madzimambo 1:8; Mateu 3:4; Johani 1:21.
Micheka Neruvara Kakawanda Bhaibheri rinotaura nezvemicheka yakasiyana-siyana yaisoneswa mbatya, ruvara nedhayi zvakasiyana-siyana uyewo kuruka nokusona.a Micheka inonyanya kutaurwa ndeyeshinda yaigadzirwa nemvere dzemakwai uyewo rineni yaigadzirwa nomuti womufurakisi. Abheri ainzi “mufudzi wemakwai.” (Genesisi 4:2) Asi Bhaibheri haritauri kana Abheri aiapfuyira shinda. Bhaibheri parinotanga-tanga kutaura nezverineni yakanaka kwazvo ndepaya pakapfekedzwa Josefa nguo naPotifari izvo zvakaitika muzana remakore rechi18 B.C.E. (Genesisi 41:42) MuBhaibheri hapana panotaurwa kuti vaJudha vaishandisa donje kugadzira micheka yaisoneswa zvipfeko, asi nyika dziri kuMiddle East dzairishandisa kubvira kare.
Furakisi nemvere dzezvipfuyo zvairukwa kuti pagadzirwe shinda dzakakora nedzakatetepa. Shinda dzacho dzaizorukwa dzogadzira micheka. Shinda nemicheka zvaiiswa dhayi dzakasiyana-siyana. Mucheka wacho waichekwa zvichienderana neaizoupfeka. Zvipfeko zvaiwanzoshongedzwa zvakanaka, zvorukwa neshinda dzemavara akasiyana-siyana, zvichitowedzera kukosha uye kunaka kwenguo dzacho.—Vatongi 5:30.
Bhaibheri rinotaura kakawanda nezvedhayi dzebhuruu, dzepepuru uye tsvuku dzaidhayiswa micheka. VaIsraeri vairayirwa kuti vaise “tambo yebhuruu pamusoro pomupendero” wenguo dzavo sechiyeuchidzo choukama hwavo hwaikosha naMwari wavo, Jehovha. (Numeri 15:38-40) Mashoko echiHebheru okuti tekheʹleth, kureva ruvara rwebhuruu, uye ‘ar·ga·manʹ, kureva ruvara “rwepepuru,” aiwanzoiswa panguo dzomupristi mukuru uye zvimwe zvinhu zvokushongedza temberi netebhenekeri.
Midziyo yomuTebhenekeri neyomuTemberi Tebhenekeri yaiva murenje netemberi yaiva muJerusarema ndizvo zvaiva nzvimbo dzainamatirwa nevaIsraeri. Saka hazvishamisi kuti Bhaibheri rinonyatsodonongodza nezvekugadzirwa uye kushongedzwa kwetebhenekeri netemberi yaSoromoni. Mukuwedzera pane zvaishandiswa uye ruvara, tinoverenga nezvekuruka, kudhaya, kusona uye kumendwa kwezvifukidziro zvetende uye maketeni.
Mhizha dzine unyanzvi dzakadai saBhezareri naOhoriyabhi uye vamwe varume nevakadzi vakatendeka, vakatungamirirwa naMwari kuti vaite basa rinoshamisa rokugadzira tende rokusanganira rakanga rakakodzera kunamatira Jehovha. (Eksodho 35:30-35) Muchitsauko 26 chaEksodho munodonongodzwa nezvokuvakwa kwetebhenekeri yose zvayo uye zvaishandiswa pakuivaka. Somuenzaniso, machira ayo akakura anoyevedza aiva “erineni yakanaka kwazvo yakakoswa neshinda yebhuruu nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka neshinda yakaiswa ruvara rutsvuku rwekokasi.” VaIsraeri vangangodaro vakabuda nezvinhu izvi muIjipiti. “Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene” yaiva mutebhenekeri yaiparadzaniswa neketeni raiva rakakora riine ruvara rwakanaka kwazvo nemakerubhi akamendwa pariri. (Eksodho 26:1, 31-33) Mambo Soromoni uyo aitungamirira kuvakwa kwetemberi muJerusarema, akarayira vaimenda machira kuti vatevedzere zviri pamusoro apa.—2 Makoronike 2:1, 7.
Kubva pane zvakadonongodzwa muBhaibheri, tinoona kuti vaHebheru vekare vaiva nounyanzvi hwokushandisa zvinhu zvavaiva nazvo kuti vagadzire zvinhu zvakanga zvisati zvambogadzirwa. Izvi zvinotibatsira kunzwisisa kuti vanhu ava vakanga vasingapfeki zvipfeko zvokutamburira asi kuti vaipfeka zvakasiyana-siyana zvichienderana nezvavainge vachiita, mwaka wacho uye homwe yemhuri yacho.
Bhaibheri rinoti vaIsraeri vakapiwa nyika yakanaka, “inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:8; Dheuteronomio 26:9, 15) Jehovha akavakomborera pavairamba vachimunamata nenzira yechokwadi. Vainakidzwa noupenyu uye vaigutsikana. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “VaJudha nevaIsraeri vakaramba vachigara vakachengeteka, mumwe nomumwe ari pasi pomuzambiringa wake nepasi pomuonde wake, kubvira kuDhani kusvikira kuBheeri-shebha, mazuva ose [aMambo] Soromoni.”—1 Madzimambo 4:25.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti unzwe zvakawanda nezvemaitirwo azvaiitwa, ona mabhokisi ari munyaya ino.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26, 27]
Shinda Nerineni
Munguva dzinotaurwa muBhaibheri makwai ainyanya kupfuyirwa mukaka nemvere dzawo dzaigadziriswa shinda. Makwai mashomanana aiita kuti muridzi wawo awane shinda yaimukwanira iye nemhuri yake. Kana aiva nemakwai akawanda aigona kutengesa imwe shinda kuvanhu vaigadzira micheka. Mamwe maguta nemisha yakasiyana-siyana aiva nemishandirapamwe yokugadzira micheka. Kubvira kare, kuveura makwai raiva rimwe remabasa aiitwa gore negore.—Genesisi 31:19; 38:13; 1 Samueri 25:4, 11.
Mucheka wainyanya kushandiswa pakusona mbatya wainzi rineni, waigadzirwa neshinda dzaitorwa pamufurakisi. (Eksodho 9:31) Mufurakisi wacho waitemwa kana wakura woomeswa wozoiswa mumvura kuitira kuti upfave. Waizoomeswa zvekare wopurwa kuitira kuti vakwanise kubvisa rwodzi vobva vazogadzira shinda dzokurukisa. Madzimambo nevakuru-vakuru vaifarira kupfeka nguo dzerineni.
[Mufananidzo 27]
Mufurakisi wakaoma usati waiswa mumvura
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]
Kukosa
Katambo kamwe chete kakaita sekemufurakisi kana kuti kemvere dzemakwai nedzembudzi, hakana kusimba uye kapfupi zvokuti hakatomboshandisiki. Saka tambo dzakati wandei dzinokoswa dzoitwa tambo nhete kana yakakora uye yakareba zvaunoda. Bhaibheri rinotaura nezve“mudzimai anokwanisa” richiti: “Anotambanudzira maoko ake kune chakamonererwa shinda, uye maoko ake anobata chokugadzirisa shinda.” (Zvirevo 31:10, 19) Apa Bhaibheri riri kutsanangura nezvekukoswa kwaiitwa pachishandiswa tumiti tuviri, kamwe kekumonera shinda uye kamwe kokugadzirisa shinda.
Mudzimai anobata kamuti kanenge kakamonerwa tushinda norumwe ruoko. Rumwe rwacho runotora tushinda twacho obva atukosa otukochekera pahuka inenge iri kunoperera kamwe kamuti. Kune rumwe rutivi rwekamuti aka kunenge kune chinhu chinorema chinoita kuti kamuti aka karambe kachitenderera. Kamuti aka kanobva karembedzwa mumhepo, kotenderedzwa zvichiita kuti pave netambo yakakoswa. Tambo inenge yakoswa inomonererwa pakati pekamuti aka sezvinongoitwa pabhobhini remuchina wokusonesa. Tambo yacho inoramba ichikoswa kusvikira tushinda twose turi pane kamwe kamuti twapera. Iye zvino tambo yacho inenge yamirira kudhayiwa kana kuti kurukiswa.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 28, 29]
Kudhaya
Tambo yemvere dzemakwai neyomufurakisi zvinenge zvakoswa kana kuti mucheka wakarukwa, zvinobva zvadhayiwa nemavara akasiyana-siyana. Kunyika tambo iyi kana kuti mucheka uyu kakawanda mudhayi kunoita kuti zvinyatsova neruvara rwakajeka. Nemhaka yokudhura kwaiita dhayi yacho, tambo yacho kana kuti mucheka zvaisvinwa kana zvabudiswa mumudziyo waishandiswa pakudhaya kuitira kuti dhayi yacho izoshandiswazve. Tambo yacho kana kuti mucheka zvaizonanikwa kuti zviome.
Vanhu vekare vaigadzira dhayi dzemavara akasiyana-siyana kubva pamhuka kana miti sezvo vakanga vasina zvatava kushandisa mazuva ano. Somuenzaniso, dhayi yeyero yaigadzirwa nemashizha omuti womuarumondi uye nemakanda emapomegraneti, asi tema yaigadzirwa nemakwati omuti womupomegraneti. Dhayi tsvuku yaigadzirwa nemidzi yomuti unonzi madder kana kuti netupukanana tunonzi kermes. Kana iri dhayi yebhuruu yaigadzirwa neruva rinonzi indigo. Hozhwa dzomugungwa dzemhando dzakasiyana-siyana dzaibudisa dhayi yaisanganiswa pobuda madhayi epepuru, bhuruu uye akatsvuka kuti piriviri.
Ihozhwa dzakawanda sei dzaidiwa kuti mucheka udhayiwe? Hozhwa imwe chete yaibudisa dhayi shomanana zvokuti maererano neimwe ongororo yakaitwa, paidiwa hozhwa 10 000 kuti pangodhayiwa nguo imwe chete kana kuti kunyatsodhaya ruvara rwepepuru rwaifarirwa nemadzimambo. Zvinonzi panguva yaitonga Mambo Nabhonidhasi weBhabhironi, shinda yakadhayiwa neruvara rwepepuru yaidhura zvakapetwa ka40 shinda dzakadhayiwa nemamwe mavara. Sezvo guta reTire yekare raizivikanwa chaizvo nokutengesa dhayi yepepuru yaidhura chaizvo, ruvara rwepepuru rwakanga rwava kunzi pepuru yeTire.
[Mifananidzo]
Demhe rehozhwa yomugungwa
Zana remakore rechipiri nerechitatu B.C.E. mudziyo waiiswa dhayi yepepuru wakawanikwa kuTel Dor, Israel
[Kwazvakatorwa]
The Tel Dor Project
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kuruka
Chokurukisa chinoshandiswa kugadzira micheka yakasiyana-siyana yokusonesa mbatya uye zvimwewo zvinhu. Shinda dzinopiringishwa dzichipindana-pindana. Dzinenge dzichirukwa dzichipesana sezvakaita shinda dzatinoona pajira.
Chokurukisa chaishandiswa munguva dzinotaurwa muBhaibheri chaigadzirwa iri furemu yairariswa pasi kana kuti yaiita zvokumiswa. Mune mamwe mafuremu aiita zvokumiswa, paisungirirwa zvinhu zvinorema zvairembera zvichidhonzera shinda pasi. Munzvimbo dzakawanda dzenyika yeIsrael yemazuva ano, makawanikwa zvimwe zvaisungirirwa pamafuremu aya.
Kazhinji mhuri imwe neimwe yaiita basa rokuruka asi mune dzimwe nzvimbo basa racho raiitwa neguta rose rakaungana pamwe chete. Somuenzaniso, pana 1 Makoronike 4:21 tinoverenga nezve“mhuri dzeimba yevagadziri vemachira akanaka kwazvo,” zvichireva kuti vaiita mushandirapamwe.
[Mufananidzo uri papeji 26, 27]
“Shinda yebhuruu nemvere dzemakwai dzakaiswa ruvara rwepepuru yakatsvukuruka.”—EKSODHO 26:1