RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 3/1 pp. 24-25
  • Kutsvaka Pfuma Mumakomo Anoyevedza eAltay

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Pfuma Mumakomo Anoyevedza eAltay
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Tarisira Kuwana Matsi Mundima Yako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • “Kudzidza Bhaibheri Kunobatsira Matsi”
    Mukai!—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 3/1 pp. 24-25

Tsamba Inobva kuRussia

Kutsvaka Pfuma Mumakomo Anoyevedza eAltay

NDEMUMWE musi kuine zuva muna May kuAltay Republic, nzvimbo yakanaka zvinonwisa mvura iri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweSiberia. Tinotarisa kunze nepahwindo toona miti yemiconiferous yakasvibira, uye nechekumberi kwayo kune makomo marefu ebhuruu akazara nesinou. Nzvimbo iyi ine makomo iri kwayo yoga uye inogara vanhu vokuAsia vanonzi vaAltaics vane mutauro wavo voga. Vanogara vakadekara zvavo muMakomo eAltay. Zita remakomo aya rakabva pamubatanidzwa weshoko rechiTurkic nechiMongolian rinoreva kuti “kuyevedza.”

Makore mashoma apfuura ini nomudzimai wangu takadzidza Mutauro Wemasaini womuRussia ndokutanga kushanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzemutauro wemasaini pamwe chete nemapoka maduku. MuRussia mune vanhu vemadzinza anosvika 170 vane tsika dzakasiyana-siyana, uye vose vanogona kutaura chiRussian. Asi matsi dzatinonamata nadzo dzinotaura Mutauro Wemasaini womuRussia. Vanhu ava vasinganzwi vanowirirana chaizvo uye zhinji dzatinosangana nadzo dzinoda chaizvo kutiudza nhoroondo dzoupenyu hwadzo uye dzinogamuchira vaenzi zvakanaka. Izvi ndizvowo zvakaita matsi dzinogara kuAltay.

Tiri muguta rinonzi Gorno-Altaysk takaudzwa kuti kune matsi dzinogara kune mumwe musha muduku uri kure nemakiromita 250. Tinoziva kuti kunzvimbo iyi kune Zvapupu zvishomanana asi pakati pavo hapana anogona mutauro wemasaini. Tinofunga nezvematsi idzi dzechiAltaic saka tinoronga kuti tiende ikoko. Chido chedu chakasimba chinoita kuti mumwe murume nomudzimai vari matsi, Yury naTatyana vadewo kuenda nesu. Tinoisa maDVD emutauro wemasaini nemuchina wokuridza DVD mumotokari. Tinorongedzawo mafurasiki mahombe, masangweji nemasoseji uye mamitipayi. Tinozopedzisira nokuzvifafaidza muviri wose nemushonga wezvikwekwe nokuti kunzvimbo yacho kune chirwere chinonzi encephalitis chinowanzoparadzirwa nezvikwekwe.

Mugwagwa watiri kufamba nawo unomonereka uchitevedza makomo anoyevedza. Mhepo yatiri kufema ine kakunhuwirira kemaruva. Izvi zvinotipa simba. Tinotorwa mwoyo patinoona boka remhuka dzakaita kunge mhembwe dzichifura zvadzo. Misha yevaAltaic yakabatana uye dzimba dzavo ndedzematanda dzakapfirirwa zvakanaka nemarata. Kazhinji pedyo nedzimba dzavo hombe panenge pakavakwa dzimba duku dzematanda dzinonzi ayyl dzinowanzova nemakona matanhatu dziine denga rakati sereimba yeraundi. Mhuri dzakawanda dzevaAltaic dzinogara muayyl kubva muna May kusvika muna September, asi kubva muna September kusvika muna May wegore rinotevera pakunenge kwava kutonhora vanogara mudzimba hombe.

Tinotambirwa nemaoko maviri neZvapupu zvemunzvimbo iyi uye zvinobva zvatiendesa pamusha pomumwe murume nemudzimai vechiAltaic vari matsi. Pavanotiona vanofara chaizvo uye vanoda kuziva kuti tiri kubva kupi uye kuti chii chatiri kutsvaka ikoko. Pamba apa pane kombiyuta, saka patinobudisa DVD vanotikumbira kuti tivaratidze. Tose tinobva tangonyarara sokunge kuti hatisisipo. Maziso avo akati ndee pakombiyuta uye vanoramba vachitevedzera masaini avari kuona uku vachigutsurira musoro. Tinoedza taedzazve kuvaninira kuti tivaudze kuti tinoda kumbomisa DVD kuti tiriratidze kubva kwarinotangira kune mifananidzo yakanaka yeparadhiso pasi pano, asi havazvioni. Vanozopedzisira vazviona. Tinombomisa DVD tovatsanangurira zvichaitirwa vanhu naMwari uye kuti vanhu vakaita sei vachararama nokusingaperi mumamiriro ezvinhu avari kuona muDVD. Tinobayiwa mwoyo nokufara kwavari kuita. Patinopedza kukurukura navo vanotiudza kuti kune mumwe murume nomudzimai vanogara kune mumwe musha, uye zvinotoda maawa akati o-o kuti tisvikeko.

Tinosimudzira rwendo rwedu topfuura nemumupata wemakomo anoyevedza, totevera mugwagwa unomonereka unoenda kune mumwe musha muduku. Musha watinosvika iye zvino unongova nematsi chete. Pane murume nomudzimai nemwanakomana wavo uye amai vomudzimai wepo. Vanofara chaizvo kungoerekana vashanyirwa vasingafungiri. Tinopinda muimba yavo inonzi ayyl nepakadhoo kadiki. Mumba umu mune kakunhuwirira. Nechepamusoro pedenga reimba iyi pane buri rinopinza chiedza. Muimba iyi mune chitofu nehovhoni zvakagadzirwa nezvidhinha zvakapendwa uye kumadziro kwayo kwakaiswa micheka mitsvuku yakanaka yakabatanidzwa-batanidzwa. Mhuri iyi inotipa tii nemadhonanzi mundiro nemakapu edhaka. Tinovabvunza kana vakambofunga kuti zvinoita here kuva shamwari yaMwari. Vanotanga kufungisisa. Amai vomudzimai wepo vanotiudza kuti vachiri vadiki vaimbotora zvokudya voenda nazvo mugomo kuti vanozvipa sezvibayiro kunanamwari vavo. Vanosimudza mapfudzi avo vachinyemwerera voti: “Handimbozivi kuti izvozvo ndaizviitirei. Yaingovawo tsika yedu.”

Tinovaratidza DVD rinotaura nezvenyaya iyi, uye zviso zvavo zvinoratidza kushamisika vachinakidzwa. Vanoda kuti tizokurukura navo zvakare, asi tichazviita sei? Kunyange zvazvo kunyorerana mameseji kuchiita kuti zvive nyore kukurukura nematsi, munzvimbo iyi nhare dzeserura hadzibati. Saka tinovaudza kuti tichagara tichivanyorera tsamba.

Patiri kuonekana, zuva rava kutonyura uye tinobva tapinda mumugwagwa wokudzokera kuGorno-Altaysk. Taneta zvedu asi tiri kunzwa kuti tashandira zviripo. Papera nguva kubva patakashanyira vaAltaic takazobvunza Zvapupu zveko nezvemhuri iyi. Vakatiudza kuti murume wacho aienda kutaundi kwaainodzidziswa Bhaibheri uye kwaainopinda misangano achibatsirwa neimwe hanzvadzi inogona mutauro wemasaini. Murume uyu aigara achienda ikoko kaviri pamwedzi woga woga. Zvinotifadza kuti hatina kushandira pasina.

Kutsvaka kwatinoita matsi dzinoda kunzwa mashoko akanaka kwakafanana nokutsvaka pfuma yakavanzwa mukatikati memakomo. Maawa akawanda atinopedza tichiitsvaka anozova nemubayiro patinongoerekana tawana dombo rinokosha. Tichagara tichingoona makomo aya seanoyevedza, achitiyeuchidza nezvevanhu vanoda zvokunamata vatakaona munzvimbo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe