RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 5/1 pp. 5-6
  • Jesu Aiona Sei Nyaya Dzematongerwo Enyika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Aiona Sei Nyaya Dzematongerwo Enyika?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Machechi Anofanira Kupindira Mune Zvematongerwo Enyika Here?
    Dzimwe Nyaya
  • “Umambo Hwangu Hahusi Hwenyika Ino”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Sei Jesu Asina Kuita Zvematongerwo Enyika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • VaKristu Vemuzana Remakore Rokutanga Vaipindira Mune Zvematongerwo Enyika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 5/1 pp. 5-6

Jesu Aiona Sei Nyaya Dzematongerwo Enyika?

VANYORI veEvhangeri vanorondedzera zvinhu zvinoverengeka zvakaitika muushumiri hwaJesu zvingadai zvakaita kuti aite zvematongerwo enyika. Somuenzaniso, Jesu ava nemakore anenge 30 uye achangobhabhatidzwa, Dhiyabhorosi akati aida kumupa chinzvimbo chokuva mutongi wenyika yose. Pave paya, achiita ushumiri hwake rimwe boka raida kumuita mambo. Kwapera nguva yakati, vanhu vakaedza kumumanikidza kuti ave mutsigiri wezvematongerwo enyika. Jesu akaita sei? Ngatimboongororai zvimwe zviitiko izvi.

Mutongi wenyika yose. Evhangeri dzinoti Dhiyabhorosi akati aida kupa Jesu chinzvimbo chokutonga “umambo hwose hwenyika.” Imbofunga kubatsirwa kungadai kwakaita vanhu vaitambudzika kudai Jesu akabvuma kuva mutongi wenyika! Hapana munhu anoda zvematongerwo enyika uye ane hanya chaizvo nevanhu aizoramba kupiwa chinzvimbo chakadaro. Asi Jesu akachiramba.—Mateu 4:8-11.

Mambo. Vakawanda vakararama panguva yaJesu vaida mutongi aizovagadzirisira matambudziko avo ezvoupfumi neezvematongerwo enyika. Vakagutsikana nezvakaitwa naJesu, uye vaida kuti aite zvematongerwo enyika. Jesu akaita sei? Johani munyori weEvhangeri anoti: “Jesu, achiziva kuti vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga.” (Johani 6:10-15) Zviri pachena kuti Jesu akaramba kutsigira zvematongerwo enyika.

Mutsigiri wezvematongerwo enyika. Chimboona zvakaitika kwasara mazuva mashomanana kuti Jesu aurayiwe. Vadzidzi vevaFarisi, avo vaida kusunungurwa pakutongwa neUmambo hweRoma, vakabatana nevaHerodhi vaiva nhengo dzebato rezvematongerwo enyika raitsigira Roma, vakanotaura naJesu. Vaida kumumanikidza kuti aratidze bato raaitsigira. Vakamubvunza kana vaJudha vaifanira kubhadhara mitero kuRoma.

Mako akanyora mapinduriro akaita Jesu, achiti: “‘Munondiedzerei? Ndiunzirei dhinari ndione.’ Ivo vakauya naro. Iye akati kwavari: ‘Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?’ Ivo vakati kwaari: ‘NdezvaKesari.’ Jesu akabva ati: ‘Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.’” (Mako 12:13-17) Bhuku rinonzi Church and State—The Story of Two Kingdoms rinotaura chakaita kuti Jesu apindure saizvozvo richiti: “Akaramba kuitwa mesiya wezvematongerwo enyika uye akanyatsoratidza kuti Kesari naMwari vanofanira kuteererwa kusvika papi.”

Kuramba kwakaita Kristu kupindira mune zvematongerwo enyika hakurevi kuti akanga asingarwadziwi nokutambura kwaiita vanhu. Bhaibheri rinotoratidza kuti akarwadziwa chaizvo nemamiriro ezvinhu anosiririsa evanhu vepanguva yake. (Mako 6:33, 34) Asi haana kuda kutanga kuita basa rokugadzirisa zvinhu zvakanga zvisina kunaka, kunyange zvazvo vamwe vakaedza kuita kuti apindire munyaya dzematongerwo enyika dzainetsa panguva iyoyo.

Mienzaniso iyi yaratidza pachena kuti Jesu akaramba kupindira nyaya dzezvematongerwo enyika. Saka vaKristu mazuva ano vanofanira kuita sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe