Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
VaKristu Vemuzana Remakore Rokutanga Vaipindira Mune Zvematongerwo Enyika Here?
▪ Jesu asati adzokera kudenga, akajekesera vadzidzi vake maitiro avaifanira kuita basa rokuparidzira, asi hapana paakamboti vapindire mune zvematongerwo enyika. (Mateu 28:18-20) Saka vadzidzi vake vakangoramba vachiita zvaakanga ambovadzidzisa zvokuti: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Mako 12:17.
Zvavakadzidziswa naJesu zvaizovabatsira sei kuti vasava venyika asi vachigara munyika yacho? Vakasiyanisa sei zvinhu zvaifanira kupiwa Hurumende, kana kuti Kesari nezvinhu zvaifanira kupiwa Mwari?
Muapostora Pauro aiziva kuti kupindira mune zvematongerwo enyika kwaipesana zvachose nezvakanga zvadzidziswa naJesu. Bhuku rinotsanangura zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzezvematongerwo enyika rinonzi Beyond Good Intentions—A Biblical View of Politics rinoti: “Pauro aishandisa kodzero yake sechizvarwa cheRoma kuti adzivirirwe mukutongwa kwaaiitwa mumatare, asi haana kuedza kupindira pakugadziridzwa kana kuti kushandiswa kwaiitwa mitemo.”
Pauro akapa zano ripi kuvaKristu vaainamata navo? Bhuku rataurwa pamusoro apa rinoti: “Tsamba dzaakanyorera vatendi vaiva mumaguta akakwirira akadai seKorinde, Efeso, kunyange Roma, hadzimbotauri nezvematongerwo enyika.” Bhuku racho rinotiwo Pauro “akati vaifanira kuteerera hurumende, asi hapana kana paakanyora panoratidza kuti chechi yaifanira kupawo pfungwa dzayo kumasangano enyika.”—VaRoma 12:18; 13:1, 5-7.
VaKristu vakararama makumi emakore Pauro afa vakarambawo vachiziva pokugumira pakuteerera Mwari uye hurumende. Vakaramba vachiremekedza vaitonga asi vakanga vasingapindiri mune zvematongerwo enyika. Bhuku ratambotaura rinonzi Beyond Good Intentions rinotaura nezvevaKristu ivavo richiti: “Kunyange zvazvo vaKristu vepakutanga vaiziva kuti vaifanira kuremekedza vane masimba, havana kumbofunga nezvekupindira munhau dzezvematongerwo enyika.”
Papera makore 300 Jesu afa, zvinhu zvakazochinja. Mubhuku rake rinonzi Between Christ and Caesar, muongorori wezvechitendero anonzi Charles Villa-Vicencio akati: “Constantine ava kutonga, vaKristu vakawanda vakatanga kushanda muhurumende nomuchiuto uye kutora zvinzvimbo mune zvematongerwo enyika. Zvakaguma nei? Pakupera kwezana remakore rechina C.E., kubatana ikoko kwechitendero nevezvematongerwo enyika kwakaita kuti munhu wose aitongwa noumambo hweRoma agume ava kusungirwa kupinda chechi yacho.
Mazuva ano zvitendero zvakawanda zvinozviti ndezvechiKristu zvinokurudzira nhengo dzazvo kupindira mune zvematongerwo enyika. Asi zvitendero izvozvo hazvisi kutevedzera Kristu uye zvaiitwa nevaKristu vemuzana remakore rekutanga.