Zvishamiso Zvinonyatsoitika Here?—Zvinowanzotaurwa Nevanoti Hazviitiki
CHOKUTANGA: Zvishamiso hazviitiki nokuti hazvienderani nezvinhu zvagara zvichizivikanwa. Manzwisisiro atinoita zvinhu zvagara zvichiitika, zvakadai semutemo unoti kana chinhu chikakandwa mudenga chinotodonha, anobva pane zvakaongororwa nemasayendisiti. Asi mitemo iyi yakangofanana nemitemo yegirama yomutauro, ine pamwe paisingashandi. Tinogona kunge tisingatonyatsonzwisisi mitemo yezvinhu zvakasikwa. (Jobho 38:4) Musayendisiti anenge akazvipira anogona kupedza makore akawanda achiongorora mumwe mutemo wezvinhu zvagara zvichiitika. Asi pane pamwe panogona kusashanda mutemo wacho zvokuti anenge achitofanira kuongororazve manzwisisiro aanouita. Tingazvifananidza netsumo inoti, “Machena ose mazai hakuna dema.” Tsumo iyi yaisazoshanda kudai kuri kunzi pawanika zai dema.
Imwe nyaya inosetsa inoratidza kuti zviri nyore kuti tive nemaonero asiriwo kana tisina mashoko akakwana. John Locke uyo akararama muna 1632 kusvika muna 1704, akarondedzera nyaya yomumiririri weNetherlands namambo wokuSiam (yava kunzi Thailand). Mumiririri uyu akaudza mambo kuti kunyika kwake dzimwe nguva nzou dzaimbofamba pamusoro pemvura. Mambo akazviramba akati mumiririri uyu aimunyepera. Asi mumiririri uyu aingotaura chinhu chakanga chisati chamboonekwa namambo wacho. Mambo wacho haana kuziva kuti kana mvura ikagwamba kuita chando, nzou inogona kufamba pamusoro. Akaramba nyaya yacho nokuti akanga asina mashoko akakwana.
Mumakumi emakore akapfuura, pane zvimwe zvinhu zvaionekwa sezvisingambofi zvakaitika asi zvava kugona kuitika mazuva ano. Ngatimboona kuti ndezvipi.
● Ndege inogona kutakura vanhu vanopfuura 800 kubva kuNew York kuenda kuSingapore isina kumbomira, ichimhanya makiromita 900 muawa imwe chete.
● Tava kukwanisa kutaurirana nevanhu vari mhiri kwemakungwa tichionana pamafoni nepamakombiyuta.
● Munhu ava kukwanisa kuisa zviuru zvemimhanzi pakanhu kaduku kupfuura bhokisi remachisa.
● Vanachiremba vanovhiya vava kukwanisa kubvisa mwoyo kana kuti itsvo zvomumwe munhu vachiisa pane mumwe.
Zvinhu izvi zvinoita kuti tigumise kutii? Kuti kana vanhu vava kugona kuita zvinhu zvaionekwa sezvingakwanisiki makore mashomanana apfuura, chokwadi Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi anogona kuita zvinhu zvinoshamisa zvatisingakwanisi kunyatsonzwisisa uye kutevedzera iye zvino.a—Genesisi 18:14; Mateu 19:26.
CHECHIPIRI: Bhaibheri rinoshandisa zvishamiso kuti vanhu vave nokutenda. Bhaibheri haritiudzi kuti titende kuti zvishamiso zvose zvinoitika. Kusiyana naizvozvo rinototinyevera kuti tingwarire nyaya yokungobvuma zvishamiso zvose nezviratidzo zvine simba. Ona nyevero iyi yakasimba: “Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana, uye nokuipa kwose kunonyengera.”—2 VaTesaronika 2:9, 10, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.
Jesu Kristu akanyeverawo kuti vakawanda vaizoti vari kumutevera asi vasiri vateveri vake vechokwadi. Vamwe vaitozomuti: “Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?” (Mateu 7:22, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Asi Jesu akati aisazogamuchira vanhu ivavo sevateveri vake. (Mateu 7:23) Saka zviri pachena kuti Jesu haana kudzidzisa kuti zvishamiso zvose zvinobva kuna Mwari.
Mwari haana kuti vateveri vake vatende nokungoona zvishamiso chete. Asi kutenda kwavo kunofanira kubva pauchapupu hwakasimba.—VaHebheru 11:1.
Somuenzaniso, ngatimbokurukurai chimwe chezvishamiso zvinozivikanwa zviri muBhaibheri, chokumutswa kwaJesu Kristu. Kwapera makore chishamiso ichi chaitika, vamwe vaKristu vomuKorinde vakatanga kusava nechokwadi kana Jesu akanga amutswa. Muapostora Pauro akavabatsira sei? Akangoti here, “Wedzerai kutenda”? Aiwa. Cherechedza kuti akavayeuchidza sei zvakaitika. Akati Jesu “akavigwa, chokwadi, . . . akamutswa pazuva rechitatu maererano neMagwaro; uye kuti akazviratidza kuna Kefasi, akazozviratidza kune vane gumi nevaviri. Pashure paizvozvo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vadzo vapenyu kusvikira panguva ino.”—1 VaKorinde 15:4-8.
Zvaiva nebasa here kuti vaKristu ivavo vatende kuti chishamiso ichocho chakaitika? Pauro anoti: “Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu chokwadi hakuna zvakunobatsira, uye kutenda kwedu hakuna zvakunobatsira.” (1 VaKorinde 15:14) Pauro haana kurerutsa nyaya yacho. Zvaikosha kuti atende nokuti chishamiso chacho chakanga chaitika zvechokwadi. Uye aiziva kuti chishamiso ichi chakaitika nokuti paiva nemazana ezvapupu zvakaona chishamiso chacho zvakanga zvichiri kurarama panguva iyoyo. Zvapupu izvozvo zvaitozosva zvafa pane kuramba zvavainge vaona.—1 VaKorinde 15:17-19.
CHECHITATU: Zvinonzi zvishamiso nevanhu vasina kudzidza, zvinhu zvinongoitika zvoga. Dzimwe nyanzvi dzinotsanangura zvishamiso zviri muBhaibheri dzichiti zvinhu zvinozivikanwa kuti zvagara zvichingoitika pasina simba raMwari. Vanofunga kuti izvi ndizvo zvinotoita kuti tinyanye kutenda nhoroondo dzeBhaibheri. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti zvimwe zvishamiso zvakaita sekudengenyeka kwenyika, matenda, nokuondomoka kwevhu zvinhu zvagara zvichizivikanwa kuti zvinoitika, pane chinhu chakafanana pazviri zvose. Chinhu chacho inguva yazvaiitika sematsanangurirwo azvinoitwa muMagwaro.
Somuenzaniso, vamwe vanoti dambudziko rakatanga kuwira Ijipiti rokuchinja kwoRwizi rwaNire ruchiva ropa harina kunyatsoitika asi raingova ivhu dzvuku rakanga rayerera richipinda murwizi rwaNire pamwe nemakonye matsvuku. Asi nhoroondo iri muBhaibheri inoti rwizi rwacho rwakachinja rukava ropa, kwete kuti ivhu ndiro raiva dzvuku. Kana tikanyatsoongorora Eksodho 7:14-21 tinoona kuti chishamiso ichi chakaitika Aroni paakarayirwa naMosesi kuti arove Rwizi rwaNire netsvimbo yake. Kunyange dai kuri kuti rwizi rwacho rwakangotsvuka rwoga, chaitova chishamiso kuti rwakatsvuka parwakarohwa naAroni!
Ngatimbokurukurai mumwe muenzaniso unoratidza kukosha kwenguva inenge yaitika chishamiso. Funga zvakaitika rudzi rwaIsraeri parwakanga rwava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa. Vakavharirwa neRwizi rwaJodhani urwo rwakanga rwakazara nemvura. Nhoroondo iri muBhaibheri inoti: “Pakangosvika vakanga vakatakura Areka paJodhani, uye tsoka dzevapristi vakanga vakatakura Areka dzanyura nechokumucheto kwemvura . . . , mvura yaidzika ichibva kumusoro yakabva yatanga kumira. Yakaungana sedziva rimwe kusvikira kure kwazvo kuAdhamu.” (Joshua 3:15, 16) Tingati izvi zvakakonzerwa nokudengenyeka kwenyika kana kuti kuondomoka kwevhu here? Nhoroondo yacho haitauri hayo asi nguva yakaitika zvinhu izvi ndiyo inoratidza kuti chaiva chishamiso. Zvakanyatsoitika panguva chaiyo yakanga yataurwa naJehovha.—Joshua 3:7, 8, 13.
Saka tingati kune here zvinonzi zvishamiso? Bhaibheri rinoti zviriko. Maererano nezvarinotiudza, zvishamiso hazvisi zvinhu zvinongoitika zvoga. Saka zvine musoro here kuti titi hakuna zvishamiso nokuti hationi zvichiitika mazuvano?
[Mashoko Omuzasi]
a Kana usina chokwadi kuti Mwari ariko, tapota ona bhurocha rinonzi Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here? nerinonzi Was Life Created? (akabudiswa neZvapupu zvaJehovha) kana kuti kumbira munhu akakupa magazini ino kuti akuudze mamwe mashoko.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Mumakumi emakore mashoma apfuura, vakawanda vaisambofungira kuti zvingaita kuti vanhu vabhururuke mazana emakiromita muawa imwe chete