Sei Zvichikosha Kuziva Kana Zvishamiso Zvichiitika?
“Zvinonzi zvishamiso hazvienderani nesayenzi.”—RICHARD DAWKINS, AIMBOVA MUZVINAFUNDO PAYUNIVHESITI INONZI OXFORD, KUENGLAND.
“Zvine musoro chaizvo kutenda kuti zvishamiso zvinoitika. Zvishamiso hazvipesani nokutenda, asi zvinotoratidza kuti Mwari ane rudo uye achine hanya nezvaakasika.”—ROBERT A. LARMER, MUZVINAFUNDO WEPAYUNIVHESITI INONZI NEW BRUNSWICK, KUCANADA.
“UNOTENDA kuti zvishamiso zvinoitika here?” Mashoko ari pamusoro apa anoratidza kuti vanhu vane maonero akasiyana chaizvo panyaya iyi. Asi iwe ungapindura sei mubvunzo uyu?
Zvimwe ungazeza kupindura kuti, “Hongu ndinotenda kuti zvinoitika.” Pamwe ungatyira kuti vanhu vangazoti unotenda mashura uye hauna kudzidza. Vakawanda ndizvo zvavanofungawo.
Asiwo unogona kunge uine chokwadi chokuti zvishamiso zvinonyatsoitika. Unogona kunge uchitenda zvishamiso zviri muBhaibheri zvakaita sechiya chaMosesi chokukamura mvura yeGungwa Dzvuku. Pamwe unotenda kuti zvishamiso zvichiri kuitika. Gwaro richangobva kubudiswa rakatoratidza kuti “vanhu vakawanda chaizvo vari kunyika dzokumadokero, somuenzaniso vanenge 75 muzana vekuUnited States uye 38 muzana vokuBritain, vachiri kutenda kuti zvishamiso zvinoitika.” (Bhuku rinotaura nezvezvishamiso rinonzi The Cambridge Companion to Miracles, rakadzokororwa naGraham H. Twelftree) Uyewo, vaKristu handivo voga vanotenda kuti zvishamiso zvinoitika. Bhuku rinotaura nezvezvitendero rinonzi Britannica Encyclopedia of World Religions rinoti: “Zvinenge zvitendero zvose zvinobvuma” kuti zvishamiso zvinoitika.
Zvichida uri mumwe wevanhu vaizopindura kuti: “Handizivi, uye handina basa nazvo! Zvishamiso hazvisati zvamboitika muupenyu hwangu!” Asi sei zvichikosha kuziva kana zvishamiso zvichiitika?
Chimbofungidzira uine chirwere chisingarapiki. Unoverenga rimwe bhuku rezveutano raunogona kuvimba naro riri kutaura kuti pane mushonga uchangowanikwa unogona kurapa chirwere chako. Waisazoshandisa nguva yako nesimba rako kuti uone kana zvariri kutaura chiri chokwadi here? Saizvozvowo, Bhaibheri rinovimbisa kuti pane zvishamiso zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Zvishamiso izvozvo zvine chokuita nemunhu wose ari panyika. Hazvina musoro here kuti ushandise nguva yako nesimba kuti uone kuti vimbiso iyi ndeyechokwadi here?
Asi tisati taongorora kuti zvishamiso zvacho ndezvipi, ngatimboongororai zvinhu zvitatu zvinowanzotaurwa nevanoti hazviitiki.
[Bhokisi riri papeji 3]
CHII CHINONZI CHISHAMISO?
Chinhu chisingakwanisi kuitwa nemasimba evanhu asi chinokonzerwa nesimba risingaoneki.