RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 2/1 p. 3
  • Mosesi Aiva Ani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mosesi Aiva Ani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri
    Mukai!—2004
  • Jesu Kristu Akanga Ari Muporofita Akafanana naMosesi Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Gwenzi Raipfuta Moto
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 2/1 p. 3

NYAYA IRI PAKAVHA: ZVATINODZIDZA KUNA MOSESI

Mosesi Aiva Ani?

Unofungei paunonzwa zita rokuti Mosesi? Ungafunga zvinotevera here?

  • Mwana akavanzwa naamai vake muRwizi rwaNire ari mutswanda.

  • Mukomana akarerwa nemwanasikana waFarao aine upenyu hwomutambarakede muIjipiti asi asina kumbokanganwa kuti aiva muIsraeri.

  • Murume akararama semufudzi wemakwai kuMidhiyani kwemakore 40.

  • Murume akataura naJehovhaa pamberi pegwenzi raibvira moto.

  • Murume akanotaura namambo weIjipiti noushingi achikumbira kuti vaIsraeri vasunungurwe muuranda.

  • Murume akanzi naMwari azivise nezveMatambudziko Gumi aizoitika muIjipiti, mambo wenyika yacho paairamba kuteerera Mwari wechokwadi.

  • Murume akatungamirira vaIsraeri vachibuda muIjipiti.

  • Murume akashandiswa naMwari kupatsanura Gungwa Dzvuku.

  • Murume akapa vaIsraeri Mirayiro Gumi yakabva kuna Mwari.

ZVOSE izvi zvakaitika kuna Mosesi uye nezvimwewo. Ndosaka murume uyu aiva akatendeka achiremekedzwa zvikuru nevaKristu, vaJudha nevaMuslim!

Zviri pachena kuti Mosesi aiva muprofita aiita “mabasa anotyisa.” (Dheuteronomio 34:10-12) Akabvuma kushandiswa naMwari kuita mabasa makuru. Asi aingovawo munhu akafanana nesu. Kungofanana nemuprofita Eriya uyo akaonekwa ari padivi paMosesi pane zvakaratidzwa vamwe vadzidzi vaJesu paakanga achiri pasi pano, Mosesi aivawo “nemanzwiro akafanana needu.” (Jakobho 5:17; Mateu 17:1-9) Mosesi akasangana nemamwe ematambudziko akawanda atinotarisana nawo, uye akaakurira.

Ungada here kuziva kuti akazviita sei? Ona unhu hwakanaka hutatu hwakaratidzwa naMosesi uye zvatinodzidza kwaari.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe