RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 18 p. 48-p. 49 ndim. 4
  • Gwenzi Raipfuta Moto

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gwenzi Raipfuta Moto
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Gwenzi riri kubvira
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mosesi—Zvinoreva Upenyu Hwake Kwauri
    Mukai!—2004
  • Chikonzero Nei Mosesi Akatiza
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 18 p. 48-p. 49 ndim. 4
Mozisi ari pagwenzi riri kupfuta moto

CHIDZIDZO 18

Gwenzi Raipfuta Moto

Mozisi akagara kuMidhiyani kwemakore 40. Akaroora uye akava nevana. Rimwe zuva paakanga achifudza makwai ake pedyo negomo reSinai, akaona chimwe chinhu chinoshamisa. Gwenzi reminzwa rakanga richipfuta moto asi risingatsvi! Mozisi paakaenda pedyo kuti aongorore zvaiitika, akanzwa inzwi raibva mukati megwenzi richiti: ‘Mozisi! Usatomboswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nekuti nzvimbo yawakamira itsvene.’ Jehovha ndiye akanga achitaura naye achishandisa ngirozi.

Mozisi akafukidza chiso chake nekuti akanga achitya. Inzwi racho rakati: ‘Ndaona kutambudzika kwevaIsraeri. Ndichavanunura pavaIjipiti ndovaendesa kunyika yakanaka. Iwe ndiwe uchatungamirira vanhu vangu kuti vabude muIjipiti.’ Haufungi here kuti Mozisi akashamiswa nazvo?

Mozisi akabvunza kuti: ‘Ndichatii kana vanhu vacho vakandibvunza kuti ndiani andituma?’ Mwari akati: ‘Unovaudza kuti Jehovha, Mwari waAbrahamu, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho akutuma.’ Mozisi akabva ati: ‘Ko kana vanhu vacho vakarega kunditeerera?’ Jehovha akabva aratidza Mozisi kuti aizomubatsira. Akaudza Mozisi kuti akande tsvimbo yake pasi. Tsvimbo yacho yakabva yachinja kuita nyoka! Mozisi paakabata muswe wenyoka yacho, yakabva yachinjazve kuva tsvimbo. Jehovha akabva ati: ‘Pauchaita chishamiso ichi, zvichabva zvaratidza kuti ndini ndakutuma.’

Mozisi akati: ‘Handinyatsogoni kutaura.’ Jehovha akamuvimbisa kuti: ‘Ndichakuudza zvekutaura, uye ndichatuma mukoma wako Aroni kuti akubatsire.’ Mozisi akatora mudzimai wake nevanakomana vake akabva adzokera kuIjipiti nekuti aiziva kuti Jehovha akanga ainaye.

“Musazvidya mwoyo nezvematauriro amuchaita kana kuti nezvezvamuchataura, nekuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva yacho iyoyo.”—Mateu 10:19

Mibvunzo: Mozisi akaona chii paaifudza makwai ake? Jehovha aida kuti Mozisi aitei?

Eksodho 3:1–4:20; Mabasa 7:30-36

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe