RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 1/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Tingaita Sei Kana Tikasabatwa Zvakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?
    Dzimwe Nyaya
  • Unogona Kukurira Kusaruramisirwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mwari Achazomboita Chinhu Chipi Nechipi Pamusoro Pokusaruramisira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 1/1 p. 16
Mukadzi nevana vane urombo hwakanyanya

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Mwari akamboita sei chaizvo?

Mwari haaoneki uye ane muviri womudzimu. Akasika denga, nyika, nezvinhu zvose zvipenyu. Mwari haana kuita zvekusikwa uye haana paakatangira. (Pisarema 90:2) Mwari anoda kuti vanhu vamutsvake uye vazive chokwadi nezvake.—Verenga Mabasa 17:24-27.

Tinogona kuziva Mwari nezita. Tinogona kunzwisisa zvaari chaizvo kuburikidza nekuongorora zvaakasika. (VaRoma 1:20) Asi kuti tinyatsoziva Mwari, tinofanira kudzidza Shoko rake Bhaibheri. Rinotibatsira kuti tinyatsodzidza nezverudo rwaMwari.—Verenga Pisarema 103:7-10.

Mwari anonzwa sei vanhu pavanodzvinyirirwa?

Musiki wedu Jehovha anovenga udzvinyiriri. Uyewo akasika vanhu nomufananidzo wake. (Dheuteronomio 25:16) Ndosaka vakawanda vedu tichivenga udzvinyiriri. Mwari haasi iye anokonzera udzvinyiriri hwatinoona munyika. Mwari akapa vanhu rusununguko rwokuzvisarudzira. Zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda vari kushandisa rusununguko rwavo zvisirizvo uye vari kudzvinyirira vamwe. Vanorwadzisa Jehovha.—Verenga Genesisi 6:5, 6; Dheuteronomio 32:4, 5.

Jehovha anoda kururamisira uye haazobvumiri kuti udzvinyiriri hurambe huripo nokusingaperi. (Pisarema 37:28, 29) Bhaibheri rinovimbisa kuti nokukurumidza Mwari achabvisa udzvinyiriri hwose.—Verenga 2 Petro 3:7-9, 13.

Bhaibheri rinovimbisa kuti nokukurumidza Mwari achaita kuti vanhu vose varuramisirwe

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 1 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe