RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 2/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Ichokwadi Here Kuti Mashoko Akanaka Akabva Kuna Mwari?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Bhaibheri—Bhuku Rakabva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Unoona Sei Bhaibheri?
    Unoona Sei Bhaibheri?
  • Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 2/1 p. 16
Mupumburu wekare weBhaibheri

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Bhaibheri iShoko raMwari zvechokwadi here?

Shoko raMwari Bhaibheri, ibhuku rakasiyana nemamwe. Mabhiriyoni emaBhaibheri akapirindwa mumazana emitauro. Uchenjeri huri muBhaibheri hune simba rokutichinja kuva vanhu vari nani.—Verenga 1 VaTesaronika 2:13; 2 Timoti 3:16.

Tinoziva kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari nokuti rinotaura zvakarurama nezveramangwana. Hapana munhu angakwanisa kumboita zvakadaro. Somuenzaniso, funga nezvebhuku raIsaya. Pane kopi yaro yakagadzirwa makore anodarika 100 Jesu asati aberekwa yakawanikwa mune rimwe bako pedyo neGungwa Rakafa. Rinotaura kuti guta reBhabhironi raizova dongo. Mashoko aya akazadzika pashure pemakore akawanda Jesu apedza ushumiri hwake pasi pano.—Verenga Isaya 13:19, 20; 2 Petro 1:20, 21.

Bhaibheri rakanyorwa sei?

Bhaibheri rakanyorwa mumakore anenge 1 600. Vanyori veBhaibheri vanenge 40 vakanyora vachitevera dingindira rimwe chete vasina kumbobvira vapesana. Vakabatsirwa naani? Vakatungamirirwa naMwari.—Verenga 2 Samueri 23:2.

Dzimwe nguva Mwari aitaura nevanyori veBhaibheri achishandisa ngirozi, achiita zvokuvaratidza uye zviroto. Kakawanda, Mwari aiisa zvaaida kuti zvinyorwe mupfungwa dzemunyori uye omubvumira kuti ashandise mashoko ake.—Verenga Zvakazarurwa 1:1; 21:3-5.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 2 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Unogona kuritora pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe