Unoona Sei Bhaibheri?
Ungati . . .
ibhuku reuchenjeri hwevanhu here?
ibhuku rengano here?
iShoko raMwari here?
BHAIBHERI RINOMBOTII?
“Magwaro ese akafemerwa naMwari.”—2 Timoti 3:16, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?
Uchawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo inokosha muupenyu.—Zvirevo 2:1-5.
Uchatungamirirwa pane zvaunoita zuva nezuva.—Pisarema 119:105.
Uchava netariro yeramangwana rakajeka.—VaRoma 15:4.
TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?
Hongu. Tine zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tidaro:
Mashoko aro anopindirana zvinoshamisa. Bhaibheri rakatora makore 1 600 richinyorwa nevanhu vangasvika 40. Vakawanda vavo havana kumbobvira vaonana. Asi zviri mubhuku racho rese zvinopindirana, uye rinonyanya kutaura nezvenyaya imwe chete!
Rinotaura zvakaitika risingavanzi zvimwe. Kazhinji vaya vanonyora zvakaitika havatauri nezvekukundwa kwakaitwa vanhu vavo. Asi vanyori veBhaibheri vainyatsonyora zvese zvavakakanganisa ivo pachavo nezvakakanganiswa nevanhu vavo.—2 Makoronike 36:15, 16; Pisarema 51:1-4.
Uprofita hwakavimbika. Bhaibheri rakagara rataura nezvekuparadzwa kweguta rainzi Bhabhironi, zvikazoitika kwapfuura makore anenge 200. (Isaya 13:17-22) Rakataura kuti Bhabhironi raizoparadzwa sei uye rakataurawo zita remunhu wacho aizorikunda!—Isaya 45:1-3.
Pane humwe uprofita hwakawanda hwakazadziswawo pasina kana chaisara. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Bhaibheri iShoko raMwari.—2 Petro 1:21.
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO
Shoko raMwari ringavandudza sei upenyu hwako?
Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana ISAYA 48:17, 18 na2 TIMOTI 3:16, 17.