RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 7/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 7/1 p. 16
Murume akwegura ari kunyengetera

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Nei tichifanira kunyengetera?

Jehovha Mwari anoda kuti tisununguke kugara tichimuudza zvinotinetsa. (Ruka 18:1-7) Anoteerera nokuti anotida. Sezvo Baba vedu vokudenga vachitikumbira nemutsa kuti tinyengetere, zvine musoro here kuti tirege?—Verenga VaFiripi 4:6.

Munyengetero haisi nzira yekungokumbira kubatsirwa. Asi munyengetero unotibatsira kuti tiswedere pedyo naMwari. (Pisarema 8:3, 4) Kana tikagara tichitaura zviri pamwoyo pedu kuna Mwari, tinova neushamwari hwepedyo naye.—Verenga Jakobho 4:8.

Tinofanira kunyengetera sei?

Patinonyengetera Mwari haadi kuti titaure mashoko ekushamisira kana kuti ekungodzokorora nemusoro. Hatifaniri hedu kunge tine zvatakaita muviri patinonyengetera. Mwari anotikumbira kuti tinyengetere zvichibva pamwoyo. (Mateu 6:7) Somuenzaniso, muIsraeri yekare, Hana akanyengetera nezvedambudziko remhuri raishungurudza. Pave paya akanyengetera nemwoyo wese achitenda Mwari dambudziko rake parakagadzirisika.—Verenga 1 Samueri 1:10, 12, 13, 26, 27; 2:1.

Tine ropafadzo yakazonaka! Tinogona kuudza Musiki wedu zvinotinetsa. Tinogonawo kumurumbidza uye kumuonga nezvaanotiitira. Zvechokwadi hatitombofaniri kutambisa ropafadzo iyi inokosha.—Verenga Pisarema 145:14-16.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 17 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe