RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 10/1 pp. 8-9
  • Umambo hwaMwari​—Huchakubatsira Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari​—Huchakubatsira Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari​—Kukosha Kwahunoita Kuna Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Umambo hwaMwari
    Mukai!—2013
  • Tsigira Umambo hwaMwari Iye Zvino!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 10/1 pp. 8-9
Murume nemudzimai vari kudzidza nezveUmambo hwaMwari kuburikidza neChidzidzo cheBhaibheri

NYAYA IRI PAKAVHA | UMAMBO HWAMWARI—HUNOGONA KUKUBATSIRA SEI?

Umambo hwaMwari—Huchakubatsira Sei?

Pawaverenga nyaya dzapfuura ungangodaro waona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa kwazvo Umambo hwaMwari. Uye zvichida wafadzwa nezvikomborero zvichaunzwa neUmambo hwaMwari zvataurwa munyaya dzacho. Asi unganetseka kuti zvipikirwa izvozvo hazvisi kungorotawo zvako here.

Unofanira kuva munhu akangwarira pane kungobvuma zvose zvaunonzwa. (Zvirevo 14:15) Kungwarira kwako kunogona kuenzaniswa nekwevaBheriya vekare.a Pavakatanga kuudzwa mashoko akanaka eUmambo, vaBheriya vakagamuchira zvavakanzwa, kwete nemhaka yokungoti vaida kuti zvive zvechokwadi. Asi vakanyatsoongorora Magwaro kuti vaone “kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:11) Tinogona kuti vaBheriya vakaenzanisa mashoko akanaka avakanga vanzwa nezvinotaurwa neMagwaro. Nokufamba kwenguva vakasvika pakugutsikana kuti mashoko akanaka avakanga vanzwa ainge akavakirwa paShoko raMwari.

Zvapupu zvaJehovha zvinokukumbira kuti uitewo saizvozvo. Kuburikidza neurongwa hwedu hwekudzidzisa vanhu Bhaibheri vasingabhadhari, tinokupa mukana wokuenzanisa zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha pamusoro peUmambo hwaMwari nezvinodzidziswa neBhaibheri.

Kuwedzera pakudzidza kwauri kuita nezveUmambo hwaMwari, kudzidza Bhaibheri kunogona kukubatsirawo kuwana mhinduro dzemimwe mibvunzo mikuru ine chokuita neupenyu.

  • Takabva kupi?

  • Chinangwa cheupenyu ndechei?

  • Nei Mwari achibvumira kuti vanhu vatambure?

  • Chii chinoitika patinofa?

  • Nyika ichaparadzwa here?

  • Chii chinoita kuti mhuri ifare?

Kupfuura zvose, kudzidza Bhaibheri kuchakubatsira ‘kuswedera pedyo naMwari.’ (Jakobho 4:8) Kana ukawedzera kuswedera pedyo naMwari, uchawedzerawo kuona kuti Umambo hwaMwari hunogona kukuitira zvinhu zvakanaka, kwete iye zvino chete asi nokusingaperi. Jesu pachake akanyengetera kuna Baba vake achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

Zvapupu zvaJehovha zvinogona kushandisa bhuku iri kuti zvidzidze newe Bhaibheri.

Kuti udzidze Bhaibheri usingabhadhari, kumbira chero mumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti zadza fomu riri pawww.pr2711.com. (Ona pakanzi KUMBIRA KUDZIDZA BHAIBHERI papeji yokutanga)

a Bheriya yaiva guta raiva muMakedhoniya yekare.

Nei Umambo hwaMwari Huchikosha Kwaari?

Folake

Nguva pfupi yadarika mumwe musikana wemakore gumi anonzi Folake akanzi anyore rondedzero yechikoro yaiva nemusoro unoti, “Chinhu Chandinoda Kupfuura Zvose Pasi Pano.” Folake akasarudza kunyora pamusoro pezvinoita kuti ade kuudza vamwe nezveUmambo hwaMwari.

“Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo,” akadaro Folake. “Asi haioneki, saka haugoni kuiona, kunyange kana ukapfeka magirazi!”

Folake akaenderera mberi achinyora nezvemakomborero eUmambo aanonyanya kutarisira. Akataura nezvematambudziko achapedzwa neUmambo achiti, “Zvinondisuwisa pandinoona vanhu vasina dzimba vachigara mumigwagwa” uyewo “vana vanofa nenzara munyika dzakasiyana-siyana.” Akatiwo, “Ndinofara zvakare pandinoverenga Isaya 65:21.” Ichitaura nezvevanhu vachava pasi pekutonga kweUmambo hwaMwari, ndima iyoyo inovimbisa kuti: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo.”

Folake akati anotarisirawo kuzoona zvirwere zvose zvichibviswa naMwari achishandisa Umambo hwake. Murondedzero yake, akanyora mashoko aZvakazarurwa 21:4 anotaura kuti Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” Anopedzisa achitizve kutaura nezvaJehovha neUmambo hwake ndicho chinhu chaanoda kupfuura zvose pasi pano. Zviri pachena kuti kasikana aka kanoda Umambo hwaMwari nemwoyo wose!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe