RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 10/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 10/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Nei tichifanira kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye?

Jesu Kristu akatasva bhiza achienda kunokunda vavengi veUmambo hwaMwari

Unoda here kuziva zvakawanda nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaita?

Umambo hwaMwari ihurumende yekudenga. Jesu akaudza vateveri vake kuti vanyengeterere kuti huuye nokuti huchaita kuti panyika pavezve nekururama uye rugare. Hapana hurumende yevanhu inokwanisa kubvisa zvachose kurwisana, udzvinyiriri, kana kuti zvirwere, asi Umambo hwaMwari hunozvikwanisa uye huchazviita. Mwari akasarudza Mwanakomana wake, Jesu, kuti ave Mambo weUmambo hwacho. Jehovha akasarudzawo vamwe vateveri vaJesu kuti vatonge naJesu muUmambo hwacho.​—Verenga Ruka 11:2; 22:28-30.

Munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwaMwari huchaparadza vanhu vose vanopikisa utongi hwaMwari. Saka patinonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye tinenge tichikumbira kuti hurumende yaMwari ibvise hurumende dzose dzevanhu.​—Verenga Dhanieri 7:13, 14; Zvakazarurwa 11:15, 18.

Nei Umambo hwaMwari huchabatsira vanhu?

Jesu ndiMambo akakodzera nokuti anonzwira tsitsi. Zvaari Mwanakomana waMwari, iyewo ane simba rokubatsira vose vanochemera kubatsirwa naMwari.​—Verenga Pisarema 72:8, 12-14.

Umambo hwaMwari huchabatsira vose vanonyengetera nemwoyo wose kuti huuye uye vanorarama zvinoenderana nekuda kwaMwari. Iwe hauzombofi wakademba kudzidza kwauri kuita zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro peUmambo hwaMwari.​—Verenga Ruka 18:16, 17; Johani 4:23.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 8 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe