RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 12/15 p. 21
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mukoma Nomunun’una Vaishungurudzika “Vakavaka Imba yaIsraeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Jakobho Anoenda Harani
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jakobho Ane Mhuri Huru
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kuita Zvinhu Nomwoyo Wose—Kunokomborerwa naJehovha Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 12/15 p. 21
Vanakomana vachiurayiwa muBhetrehema sezvakanga zvarayirwa naHerodhi

MIBVUNZO INOBVA KUVAVERENGI

Jeremiya airevei paakataura nezvokuti Rakeri aichema vanakomana vake?

Pana Jeremiya 31:15, tinoverenga kuti: “Zvanzi naJehovha, ‘Inzwi riri kunzwika muRama, kurira nokuchema kunoshungurudza; Rakeri achichema vanakomana vake. Aramba kunyaradzwa nokuda kwevanakomana vake, nokuti havasisipo.’”

Rakeri akafa vanakomana vake vachiri vapenyu. Saka mashoko akazonyorwa naJeremiya papera makore 1 000 angaita seasiri echokwadi.

Josefa ndiye aiva dangwe raRakeri. (Gen. 30:22-24) Rakeri akafa paaisununguka mumwe mwanakomana ainzi Bhenjamini. Saka mubvunzo unovapo ndewokuti: Nei Jeremiya 31:15 ichiti Rakeri aichema nokuti vanakomana vake vainge “vasisipo”?

Josefa, mwanakomana wokutanga waRakeri, akazobereka Manase naEfremu. (Gen. 41:50-52; 48:13-20) Dzinza raEfremu ndiro rakazova nesimba chaizvo kupfuura mamwe madzinza ose aiva muumambo hwokuchamhembe hwaIsraeri uye mamwe madzinza ose ari gumi akanga ava kudanwa nezita rake. Asi dzinza raBhenjamini, mwanakomana waRakeri wechipiri, rakazobatana noumambo hwokumaodzanyemba hwaJudha. Saka tinogona kutaura kuti Rakeri anofananidzira vanaamai vose vechiIsraeri, voumambo hwokuchamhembe nevokumaodzanyemba.

Pakazonyorwa bhuku raJeremiya, umambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi hwakanga hwatokundwa nevaAsiriya uye vanhu vakawanda vomuumambo ihwohwo vakanga vatapwa. Zvisinei, vamwe vedzinza raEfremu vanogona kunge vakatizira kuumambo hwaJudha. Muna 607 B.C.E., vaBhabhironi vakakunda umambo hwaJudha hwokumaodzanyemba hwaiumbwa nemadzinza maviri. Zvinoita sokuti panguva iyoyo, vanhu vakawanda vakanga vatapwa vakaunganidzwa muRama iyo yaiva makiromita masere kuchamhembe kweJerusarema. (Jer. 40:1) Zvichida vamwe vavo vakaurayirwa munharaunda iyoyo yaBhenjamini muRama munova ndimo makavigwa Rakeri. (1 Sam. 10:2) Saka kuchema kwaiita Rakeri vanakomana vake kunogona kureva kushungurudzika kwaiita vanhu nokufa kwevaBhenjamini vose kana kuti vaya vakaurayirwa pedyo neRama. Kuchema kwaRakeri kunogonawo kureva kuti vanaamai vose vevanhu vaMwari vakachema kufa kana kuti kutapwa kwakaitwa vaIsraeri.

Chero zvazvingava, Jeremiya paakataura kuti Rakeri aichema vanakomana vake aiprofita nezvokuva pangozi kwaizoita Jesu achiri mudiki uye uprofita ihwohwo hwakazozadzika papera mazana emakore. Mambo Herodhi akarayira kuti vana vose vaiva muBhetrehema yaiva kumaodzanyemba kweJerusarema, vaiva nemakore maviri zvichidzika, vaurayiwe. Saka vana ivavo vainge vasisipo, kureva kuti vainge vafa. Chimbofungidzira kushungurudzika kwakaita vanaamai pavaichema vanakomana vavo vainge vafa! Zvaiita sokuti kuchema ikoko kwainzwika kuRama iyo yaiva kuchamhembe kweJerusarema.​—Mat. 2:16-18.

Saka munguva yaJeremiya uye munguva yaJesu, kutaura kwokuti Rakeri aichema vanakomana vake kunonyatsoratidza kushungurudzika kwakaita vanaamai vechiJudha pakaurayiwa vana vavo. Asi vaya vakafa ndokuenda “kunyika yomuvengi,” vanogona kusunungurwa kubva pamuvengi iyeye pachamutswa vakafa.​—Jer. 31:16; 1 VaK. 15:26.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe