RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 40
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Nebhuzaradhani anosunungura Jeremiya (1-6)

      • Gedhariya anogadzwa kuti atungamirire nyika (7-12)

      • Zano rekuuraya Gedhariya (13-16)

Jeremiya 40:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:9; 52:12, 13
  • +Jos 18:21, 25

Jeremiya 40:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 50:7

Jeremiya 40:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:11, 12

Jeremiya 40:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:22; Jer 39:13, 14; 41:2
  • +2Mad 22:12, 13; Jer 26:24
  • +2Mad 22:8

Jeremiya 40:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:1; 1Mad 15:22

Jeremiya 40:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:22; Jer 39:10

Jeremiya 40:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:23
  • +2Mad 25:25
  • +Jer 41:11, 16; 43:2
  • +Jer 42:1, 2

Jeremiya 40:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:24; Jer 27:11

Jeremiya 40:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kuti ndimire pamberi pevaKadheya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 39:10

Jeremiya 40:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “auraye mweya wako?”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 41:10
  • +Jer 41:2

Jeremiya 40:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “achiuraya mweya wako.”

Jeremiya 40:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:22

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 40:1Jer 39:9; 52:12, 13
Jer. 40:1Jos 18:21, 25
Jer. 40:3Jer 50:7
Jer. 40:4Jer 39:11, 12
Jer. 40:52Mad 25:22; Jer 39:13, 14; 41:2
Jer. 40:52Mad 22:12, 13; Jer 26:24
Jer. 40:52Mad 22:8
Jer. 40:6Vat 20:1; 1Mad 15:22
Jer. 40:72Mad 25:22; Jer 39:10
Jer. 40:82Mad 25:23
Jer. 40:82Mad 25:25
Jer. 40:8Jer 41:11, 16; 43:2
Jer. 40:8Jer 42:1, 2
Jer. 40:92Mad 25:24; Jer 27:11
Jer. 40:10Jer 39:10
Jer. 40:14Jer 41:10
Jer. 40:14Jer 41:2
Jer. 40:162Mad 25:22
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 40:1-16

Jeremiya

40 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha pashure pekunge Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi amusunungura kuRama.+ Akanga amuendesa ikoko akasungwa necheni, uye aiva pakati pevanhu vese vekuJerusarema neJudha vakanga vachiendeswa kuBhabhironi. 2 Mukuru wevarindi akabva atora Jeremiya akati kwaari: “Jehovha Mwari wako akagara ataura kuti dambudziko iri richauya panzvimbo ino, 3 uye Jehovha ariunza sezvaakataura chaizvo, nekuti makatadzira Jehovha uye hamuna kuteerera inzwi rake. Ndokusaka izvi zvaitika kwamuri.+ 4 Zvino nhasi ndiri kusunungura cheni dziri mumaoko ako. Kana uchida kuenda neni kuBhabhironi, handei, uye ndichakuchengeta. Asi kana usingadi kuenda neni kuBhabhironi, rega hako. Tarisa! Nyika yese iri pamberi pako. Enda chero kwaunoda.”+

5 Jeremiya asati atendeuka kuti adzokere, Nebhuzaradhani akati: “Dzokera kuna Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani,+ uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire maguta eJudha, ugare naye pakati pevanhu; kana kuti enda chero kwaunoda.”

Mukuru wevarindi akabva amupa zvekudya nechipo, akamurega achienda. 6 Saka Jeremiya akaenda kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizpa,+ akagara naye pakati pevanhu vakanga vasiyiwa munyika yacho.

7 Nekufamba kwenguva, vakuru vese vemauto vaiva musango nevarume vavaiva navo, vakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuti atungamirire nyika yacho uye kuti akanga amugadza kuti atungamirire varume, nevakadzi, nevana, ivo varombo vemunyika yacho vakanga vasina kutorwa vachiendeswa kuBhabhironi.+ 8 Saka vakaenda kwaiva naGedhariya kuMizpa.+ Paiva naIshmaeri+ mwanakomana waNetaniya, Johanani+ naJonatani vanakomana vaKareya, Seraya mwanakomana waTanhumeti, vanakomana vaEfai muNetofa, naJezaniya+ mwanakomana wemuMaakati, pamwe chete nevarume vavo. 9 Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani akaita mhiko kwavari nevarume vavaiva navo, achiti: “Musatya kushandira vaKadheya. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi, uye zvichakufambirai zvakanaka.+ 10 Asi ini ndichagara muMizpa, kuti ndikumiririrei kuvaKadheya* vanouya kwatiri. Asi imi isai mazambiringa, michero yezhizha, nemafuta mumidziyo yenyu yamunochengetera zvinhu, mogara mumaguta amakatora.”+

11 VaJudha vese vaiva muMoabhi, Amoni, neEdhomu, nevaya vaiva mune dzimwe nyika dzese, vakanzwawo kuti mambo weBhabhironi akanga aita kuti vamwe vanhu vasare vachigara muJudha, uye kuti akanga agadza Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani kuti ave mutungamiriri wavo. 12 Saka vaJudha vese vakatanga kudzoka vachibva kunzvimbo dzese dzavakanga vapararira vachienda, uye vakauya munyika yeJudha, kuna Gedhariya kuMizpa. Vakagadzira waini yakawanda chaizvo, uye vakaunganidza michero yezhizha yakawanda kwazvo.

13 Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaiva musango, vakauya kuna Gedhariya kuMizpa. 14 Vakati kwaari: “Hauzivi here kuti Bhaarisi, mambo wevaAmoni,+ atuma Ishmaeri mwanakomana waNetaniya kuti akuuraye?”*+ Asi Gedhariya mwanakomana waAhikamu haana kutenda zvavaitaura.

15 Johanani mwanakomana waKareya akabva ati kuna Gedhariya vari pavo vega muMizpa: “Ndinoda kuenda kunouraya Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, uye hapana achazviziva. Angasiyirwei iye achida kukuuraya* uye vaJudha vese vakaungana kwauri vangasiyirwei vachipararira uye vaJudha vakasara vangasiyirwei vachiparara?” 16 Asi Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu akati kuna Johanani mwanakomana waKareya: “Usaita zvakadaro, nekuti zvauri kutaura pamusoro paIshmaeri ndezvenhema.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe