RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 8/1 pp. 3-4
  • Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii chinoitika kumunhu paanofa?
  • Hero Chii Chaizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Vakafa Vachamuka!
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Hero Iriko Zvechokwadi Here? Shoko Rekuti Hero Rinorevei muBhaibheri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Rufu Harusi Mugumo Wezvose!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 8/1 pp. 3-4

NYAYA IRI PAKAVHA | VAKAFA VACHARARAMAZVE HERE?

Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?

Vanhu vakuru nevadiki vari pedyo nebhokisi kumakuva

“Ndaifunga kuti munhu paanofa anogona kuenda kunzvimbo nhatu, kungava kudenga, kuhero kana kuti kunzvimbo inoenda vanhu kunotongwa vachicheneswa vasati vaenda kudenga. Ndaiziva kuti ndakanga ndisingakodzere kuenda kudenga kana kuti kuhero. Zvaindiomera kunzwisisa kuti nzvimbo inonzi inotongwa vanhu vasati vaenda kudenga yakanyatsoita sei. Handina kumbosangana nezvinhu zvakadaro muBhaibheri. Zvaingo- taurwawo nevanhu.”—Lionel.

“Ndakadzidziswa kuti munhu wese paanofa anoenda kudenga, asi ndaisava nechokwadi nazvo. Ndaifunga kuti munhu paanofa ndipo panoperera zvese, hapana zvekuti achararamazve.”—Fernando.

Wakambozvibvunzawo here kuti: ‘Chii chaizvo chinoitika kumunhu paanofa? Hama neshamwari dzedu dzakafa dziri kutambura dziri kune imwe nzvimbo here? Tichazombodzionazve here? Tingaziva sei chokwadi panyaya idzi?’ Ngationei chokwadi chinodzidziswa neMagwaro. Ngatitangei nekuongorora zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro perufu. Zvadaro tichazoona kuti Shoko raMwari Bhaibheri rinotipa tariro yei.

Chii chinoitika kumunhu paanofa?

MHINDURO YEBHAIBHERI: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva, havasisina kana mubayiro, nokuti zvose zvingayeukwa nezvavo zvakanganwika. Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”a—Muparidzi 9:5, 10.

Munhu paanofa anoenda muSheori. Shoko rekuti Sheori harirevi nzvimbo chaiyo, asi rinongoreva kuti kana munhu afa anenge asisina chero chaanoziva uye asisakwanise kuita chero chii zvacho. Murume akatendeka Jobho ainzwisisa sei chinonzi Sheori? Ainge arasikirwa nezvinhu zvake zvose pamwe chete nevana vake zuva rimwe chete, uye akazova nemamota airwadza ainge akazara muviri wose. Akateterera Mwari achiti: “Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori, kudai maizondichengeta ndakavanzika.” (Jobho 1:13-19; 2:7; 14:13) Zviri pachena kuti Jobho akanga asingafunge kuti Sheori kana kuti guva inzvimbo inopiswa vanhu, yaizoita kuti marwadzo ake awedzere. Asi aiziva kuti iyi inzvimbo yaizoita kuti azorodzwe pamatambudziko.

Pane chimwewo chinotibatsira kuziva kuti chii chinoitika kumunhu paanofa. Tinogona kuongorora nyaya dzevanhu 8 vakamutswa kubva kuvakafa vanotaurwa muMagwaro.—Ona bhokisi rakanzi “Vanhu 8 Vakamutswa Vanotaurwa muBhaibheri.”

Pavanhu ivavo vakamutswa, hapana akataura kuti aiva kune imwe nzvimbo yaaifara kana kuti yaaitambudzwa. Dai paine akaenda kunzvimbo yakadaro, paakamutswa angadai asina kuzvitaura here? Nyaya yacho ingadai isina kunyorwa muBhaibheri kuti vanhu vese vazive here? Hapana patinoverenga zvinhu zvakadaro muMagwaro. Zviri pachena kuti pavanhu 8 ivavo, hapana kana mumwe wavo akataura nezvenyaya iyi. Nemhaka yei? Nokuti hapana chavaiziva. Vainge vakangofanana nemunhu akafa nehope. Mamwe mavhesi emuBhaibheri anotoratidza kuti kufa kwakafanana nekurara. Somuenzaniso, Dhavhidhi naStefani avo vainge vakatendeka, vanonzi ‘vakarara murufu.’—Mabasa 7:60; 13:36.

Vakafa vachararamazve here? Vachamuka here muhope idzi?

a MuBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, Shoko rechiHebheru rekuti “Sheori” uye rechiGiriki rekuti “Hadhesi” anoreva “guva.” Mamwe maBhaibheri anoshandisa shoko rekuti “hero,” asi pfungwa yekuti iyi inzvimbo inotambudzwa vanhu vachiita zvekupiswa haisi muMagwaro.

VANHU 8 VAKAMUTSWA VANOTAURWA MUBHAIBHERIb

Mwanakomana wechirikadzi Muprofita Eriya akamutsa mwanakomana muduku wechirikadzi yaigara kuZarefati, kuchamhembe kweIsraeri.​—1 Madzimambo 17:17-24.

Mukomana wokuShunemi Muprofita Erisha, uyo akatsiva Eriya, akamutsa mukomana wemutaundi reShunemi, ndokumupa kuvabereki vake.​—2 Madzimambo 4:32-37.

Murume aiva muguva Chitunha chemumwe murume ainge achangobva kufa chakakandwa muguva maiva nemapfupa aErisha. Chitunha chemurume uyu pachakagumha mapfupa emuprofita wacho, murume iyeye akabva amuka.​—2 Madzimambo 13:20, 21.

Mwanakomana wechirikadzi yekuNaini Jesu akamisa vanhu vaienda kunoviga mumwe mukomana kunze kweguta reNaini kuti amumutse kuti avezve naamai vake vakanga vachirwadziwa.​—Ruka 7:​11-​15.

Mwanasikana waJairosi Mumwe mukuru aitungamirira musinagogi ainzi Jairosi akateterera kuti Jesu abatsire mwanasikana wake akanga achirwara. Pasina nguva musikana wacho afa, Jesu akamumutsa.​—Ruka 8:41, 42, 49-56.

Razaro, shamwari yaJesu yepamwoyo Razaro akanga ava nemazuva mana afa paakamutswa naJesu vanhu vakawanda vachizviona.​—Johani 11:38-44.

Dhokasi Muapostora Petro akamutsa mukadzi iyeye aidiwa chaizvo nevanhu, uyo aizivikanwa nekuita mabasa mazhinji ekubatsira vamwe.​—Mabasa 9:36-42.

Yutiko Mukomana ainzi Yutiko akadonha kubva pahwindo raiva mudenga pane imwe imba yenhurikidzwa uye muapostora Pauro akamumutsa akavazve mupenyu.​—Mabasa 20:7-12.

b Kumutswa kwakaitwa Jesu Kristu ndiko kunonyanya kukosha uye kwakanga kwakasiyana nekure nekumutswa kwevanhu ava 8 sezvatichaona munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe