RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp16 nha. 4 p. 8
  • Chii Chakaita Kuti Bhaibheri Risaparara?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chakaita Kuti Bhaibheri Risaparara?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwari
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Nyaya Yaunofanira Kuziva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri
    Mukai!—2018
  • Unoona Sei Bhaibheri?
    Unoona Sei Bhaibheri?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
wp16 nha. 4 p. 8
Murume ari kuverenga Bhaibheri

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RAKASVIKA SEI KWATIRI?

Chii Chakaita Kuti Bhaibheri Risaparara?

Bhaibheri richiripo nanhasi. Saka unogona kuwanawo rako wozviverengera. Kana ukasarudza shanduro yakanaka yeBhaibheri, zvichaita kuti uve nechokwadi chekuti zvauri kuverenga ndizvo chaizvo zvaivamo muzvinyorwa zvekutanga.a Asi chii chakaita kuti Bhaibheri rirambe riripo pasinei nekuti rakanyorwa kare, vanhu vakaedza kuriparadza uye vamwe vakaedza kuchinja zviri mariri? Rakasiyana papi nemamwe mabhuku?

“Ndava kunyatsoziva kuti Bhaibheri randiinaro chipo chinobva kuna Mwari”

Vanhu vakawanda vanoverenga Bhaibheri vanobvumirana nemashoko emuapostora Pauro uyo akati: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Vanoti Bhaibheri rakaramba riripo nekuti iShoko raMwari uye kuti Mwari ndiye akarichengetedza. Faizal, ambotaurwa nezvake munyaya yekutanga akazofunga kudzidza Bhaibheri kuti aongorore kana zvaakaudzwa zvaiva zvechokwadi. Zvaakawana zvakamushamisa. Akaona kuti zvinhu zvakawanda zvinodzidziswa mumachechi hazvimo muBhaibheri. Akafarawo paakazoziva kuti nei Mwari akasika nyika.

Anoti: “Ndava kunyatsoziva kuti Bhaibheri randiinaro chipo chinobva kuna Mwari. Sezvo Mwari ari iye akasika nyika, hapana chaizomutadzisa kuti arichengetedze kusvikira iye zvino. Kuramba izvi kwakafanana nekuramba kuti Mwari ndeWemasimbaose! Uye ndingazvitaura ndakamira pai?”—Isaya 40:8.

a Verenga nyaya iri muNharireyomurindi yaMay 1, 2008 inoti, “Ungasarudza Sei Shanduro yeBhaibheri Yakanaka?”

Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari?

Nyaya idzi dzakatevedzana dzataura nezvekuchengetedzwa kweBhaibheri. Asi tingaziva sei kuti zvechokwadi Bhaibheri ‘ishoko raMwari’ kwete bhuku rengano? (1 VaTesaronika 2:13) Ona vhidhiyo pfupi inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari? iri pawww.pr2711.com. (Tarisa pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MABHUKU UYE MABHUROCHA)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe