RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w16 October p. 31-p. 32 ndim. 3
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Mashoko Akafanana
  • “Vakaunganidza Sanihedrini”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mufananidzo Wegorosi Nemasora
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • “Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Teererai Ndichizvipindurira Pamhosva Yamuri Kundipomera”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
w16 October p. 31-p. 32 ndim. 3
Murume ari kudyara masora mumunda memumwe murume

Waizviziva Here?

Ndezvechokwadi here kuti kare munhu aigona kutodyara masora mumunda wemumwe munhu?

Bhuku ra1468 rinonzi Digest rakanyorwa naMambo Justinian

Digest ya1468, iyo yakanyorwa naMambo Justinian, ndeimwe yezvinyorwa zvakawanda zvinonyatsotaura nezvenyaya dzemitemo munguva dzekare

PANA Mateu 13:24-26, Jesu akataura kuti: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nomumwe munhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora pakati pegorosi, akaenda. Chipande chakati chabuda chikabereka zvibereko, masora akabva aonekawo.” Vanyori vakasiyana-siyana havana chokwadi kuti zvakataurwa mumufananidzo iwoyo zvaiitika here, asi zvinyorwa zvekare zveRoma zvinoratidza kuti zvaiitika.

“Kudyara sora rinonzi darnel nechinangwa chekutsiva . . . yaiva mhosva pasi pemutemo weRoma. Kudzikwa kwemutemo panyaya iyi kunoratidza kuti izvi zvaigara zvichiitika,” rinodaro rimwe duramazwi reBhaibheri. Muongorori wezvemitemo anonzi Alastair Kerr akatsanangura kuti muna 533 C.E., Mambo weRoma ainzi Justinian akabudisa bhuku rake rinonzi Digest, iro raiva pfupiso yemitemo yeRoma uye raiva nemamwe mashoko akanyorwa nenyanzvi dzezvemitemo dzakararama kubva munenge muna 100 C.E. kusvika muna 250 C.E. Maererano nebhuku iri (Digest, 9.2.27.14), nyanzvi yezvemitemo yainzi Ulpian yakataura nezveimwe nyaya yakatongwa nemumwe murume aiva muhurumende yeRoma ainzi Celsus. Sora rakanga radyarwa mumunda wemumwe munhu, zvirimwa zvake zvikaparara. Bhuku racho rinotaura nezvematanho aigona kutorwa nemuridzi wemunda kana kuti murimi kuti abhadharwe nemunhu ainge amudyarira sora.

Utsinye hwakadaro hwaiitwa muUmambo hweRoma munguva dzekare hunoratidza kuti zvakataurwa naJesu zvaiitika zvechokwadi muupenyu.

Umambo hweRoma hwaipa rusununguko rwakakura sei kuvatungamiriri vechiJudha vaiva muJudhiya panguva yevaKristu vekutanga?

PANGUVA iyi, Judhiya yaitongwa nevaRoma vachimiririrwa nagavhuna aiva nemauto aaitungamirira. Basa rake guru raiva rekutora mitero yeRoma uye kuita kuti muJudhiya murambe muine rugare nerunyararo. VaRoma vaiita kuti zvinhu zvisiri pamutemo zvisaramba zvichiitwa uye vairanga chero ani zvake aikonzera mhirizhonga. Asi vaiwanzorega vatungamiriri vechiJudha vachiona nezvekutungamirirwa kwepurovhinzi yacho.

Sanihedrini yevaJudha ichitonga nyaya

Sanihedrini yevaJudha ichitonga nyaya

Sanihedrini yaishanda sedare repamusorosoro revaJudha uye yaitonga nyaya dzine chekuita nemutemo wechiJudha. MuJudhiya yese maivawo nemamwe matare madiki. Mhosva zhinji dzinofanira kunge dzaitongwa nematare iwayo pasina kupindira kwevatongi veRoma. Zvisinei, chimwe chinhu chairambidzwa matare echiJudha kuti aite kwaiva kutongera munhu rufu. Kazhinji kacho vaRoma vaiti ndivo vaiva nekodzero yekuita izvozvo. Pavasina kuita izvi ndepaya pakatongwa Stefani nedare reSanihedrini richibva raita kuti atemwe nematombo kusvika afa.—Mab. 6:8-15; 7:54-60.

Saka Sanihedrini yevaJudha yaiva nesimba zvikuru. Asi sezvakanyorwa nemuongorori anonzi Emil Schürer, “vaRoma vaigona kungotanga kutonga dzimwe nyaya vega sezvavaiita kana munhu achifungidzirwa kuti apara mhosva ine chekuita nezvematongerwo enyika.” Semuenzaniso, izvi zvakaitika mutungamiriri wemauto ainzi Kraudhiyo Risiyasi paakasunga Pauro, uyo aiva chizvarwa cheRoma.—Mab. 23:26-30.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe