RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 February p. 3
  • Mufananidzo Wegorosi Nemasora

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufananidzo Wegorosi Nemasora
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • “Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Nguva Yemberi Yechikristu Ichange Yakaita Sei?
    Mukai!—2007
  • Kutenda kwechiKristu Kumwe Bedzi Kwechokwadi—Chinhu Chechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 February p. 3

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 12-13

Mufananidzo Wegorosi Nemasora

Jesu akataura mufananidzo wegorosi nemasora kuti aratidze kuti aizosarudza nekuunganidza sei vaKristu vakazodzwa uye kuti aizozviita rini.

Chati iri kuratidza nguva yekudyara, kukohwa uye kuunganidza mudura

13:24

“Munhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make”

  • Mudyari: Jesu Kristu

  • Mbeu yakanaka inodyarwa: Vadzidzi vaJesu vanozodzwa nemweya mutsvene

  • Munda: Vanhu vari munyika

13:25

“Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora”

  • Muvengi: Dhiyabhorosi

  • Vanhu vakanga vakarara: Kufa kwevaapostora

13:30

“Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa”

  • Gorosi: VaKristu vakazodzwa

  • Masora: VaKristu venhema

“Tangai kuunganidza masora . . . ; mozounganidza gorosi”

  • Varanda/vakohwi: Ngirozi

  • Kuunganidza masora: VaKristu venhema vanoparadzaniswa nevaKristu vakazodzwa

  • Kuunganidza mudura: VaKristu vakazodzwa vanounganidzwa muungano

Pakatanga mwaka wekukohwa, chii chakasiyanisa vaKristu vechokwadi nevenhema?

Kunzwisisa mufananidzo uyu kunondibatsira sei?

WAIZVIZIVA HERE?

Gorosi nesora zviri kukura pamwe chete

Masora anotaurwa mumufananidzo uyu anofungidzirwa kuti ndeaya anonzi bearded darnel, uye akafanana negorosi parinenge richiri diki. Sora negorosi pazvinenge zvichikura, midzi yazvo inorukana, zvekuti ukadzura sora unodzurawo negorosi. Asi kana sora racho rakura, zvinenge zvava nyore kuribvisa nekuti rinenge rasiyana negorosi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe