PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MATEU 12-13
Mufananidzo Wegorosi Nemasora
Jesu akataura mufananidzo wegorosi nemasora kuti aratidze kuti aizosarudza nekuunganidza sei vaKristu vakazodzwa uye kuti aizozviita rini.
“Munhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make”
Mudyari: Jesu Kristu
Mbeu yakanaka inodyarwa: Vadzidzi vaJesu vanozodzwa nemweya mutsvene
Munda: Vanhu vari munyika
“Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora”
Muvengi: Dhiyabhorosi
Vanhu vakanga vakarara: Kufa kwevaapostora
“Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa”
Gorosi: VaKristu vakazodzwa
Masora: VaKristu venhema
“Tangai kuunganidza masora . . . ; mozounganidza gorosi”
Varanda/vakohwi: Ngirozi
Kuunganidza masora: VaKristu venhema vanoparadzaniswa nevaKristu vakazodzwa
Kuunganidza mudura: VaKristu vakazodzwa vanounganidzwa muungano
Pakatanga mwaka wekukohwa, chii chakasiyanisa vaKristu vechokwadi nevenhema?
Kunzwisisa mufananidzo uyu kunondibatsira sei?