RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 3 p. 16
  • Bhaibheri Rinotii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu vachazombobatwa zvakaenzana here?
  • Mwari ane vanhu vaanofarira kudarika vamwe here?
  • Ruramisiro Yechokwadi Nokururama—Zvinobva Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?
    Dzimwe Nyaya
  • Tevedzera Jehovha—Shandisa Ruramisiro Nokururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 3 p. 16
Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana

Bhaibheri Rinotii?

Vanhu vachazombobatwa zvakaenzana here?

Ungati kudii?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Pamwe

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Ndinonyatsoziva kuti Jehovha achatonga mhosva yomunhu anotambudzika, acharuramisira varombo.” (Pisarema 140:12) Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vese panyika vabatwe zvakaenzana.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Mwari ari kuona utsinye huri kuitirwa vanhu pasi rose uye achazvigadzirisa.—Muparidzi 5:8.

  • Utongi hwaMwari huchaita kuti panyika pave nerugare uye munhu wese anenge asisina chekutya.—Isaya 32:16-18.

Mwari ane vanhu vaanofarira kudarika vamwe here?

Vamwe vanoti pane vanhu vakakomborerwa naMwari, kwozoitawo vakatukwa. Asi vamwe vanoti Mwari anobata vanhu vese zvakaenzana. Unotiwo kudii?

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Kuna Mwari, vanhu vese vakaenzana.

Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?

  • Bhaibheri rine “mashoko akanaka . . . kumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.”—Zvakazarurwa 14:6.

Kana uchida kunzwa zvichaitwa naMwari kuti vanhu pasi rose vabatwe zvakaenzana, verenga chitsauko 3 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe