RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 5 p. 5
  • Une Ngirozi Inokuchengeta Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une Ngirozi Inokuchengeta Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Une Ngirozi Inokutarisira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Chii Chinonzi Ngirozi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ngirozi—Kutibatsira Kwadzinoita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kubetserwa Kwaunogona Kuitwa Nengirozi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 5 p. 5

NYAYA IRI PAKAVHA | NGIROZI​—DZIRIKO HERE? KUZVIZIVA KUNOBATSIREI?

Une Ngirozi Inokuchengeta Here?

Jesu akamboti: “Chenjerai kuti hamuzvidzi mumwe wevaduku ava [vadzidzi vaKristu]; nokuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo dziri kudenga dzinogara dzichiona chiso chaBaba vangu vari kudenga.” (Mateu 18:10) Saka aireva here kuti mumwe nemumwe ane ngirozi yake inomuchengeta? Bhaibheri haridzidzisi izvozvo. Zvaaireva ndezvekuti ngirozi dzinoda chaizvo mumwe nemumwe wevadzidzi vake. Saka vashumiri vaMwari havaiti zvinhu zvinogona kuvakuvadzisa vachiti ngirozi dzichavadzivirira.

Saka zvinoreva here kuti ngirozi hadzibatsiri vanhu? Aiwa. (Pisarema 91:11) Vamwe vanhu vanoti zvimwe zvinhu zvakaitika muupenyu hwavo kwaitova kupindira kwaMwari achishandisa ngirozi. Ndiwo mafungirowo ana Kenneth ambotaurwa munyaya iri pekutanga. Hatingamurambiri nekuti zvinogona kuitika. Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichiona kupindira kunoita ngirozi pabasa ravanoita rekuparidza. Sezvo tisingakwanisi kuona ngirozi, hatinyatsoziva kuti Mwari anodzishandisa kubatsira vanhu kusvika papi. Asi chatinoziva ndechekuti, hapana chakaipa nekutenda Wemasimbaose kana tikaona sekuti ndiye atibatsira.​—VaKorose 3:15; Jakobho 1:17, 18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe