Zviri Mukati
VHIKI YAMAY 29, 2017–JUNE 4, 2017
Wakaita mhiko ngani kuna Jehovha? Unoona sekuti uri kuita zvese zvaunogona kuti urarame zvinoenderana nemhiko idzodzo here? Zvakadini nemhiko yako yekuzvitsaurira kana kuti mhiko yako yemuchato? Nyaya ino inotiyeuchidza nezvemuenzaniso wakanaka wakaratidzwa naJefta naHana sezvatinoedza kuita zvese zvatinogona kuti tiripe mhiko dzedu kuna Mwari.
VHIKI YAJUNE 5-11, 2017
9 Chii Chichabviswa Pachauya Umambo hwaMwari?
Tinowanzofunga nezvezvinhu zvatichapiwa naJehovha muParadhiso asi munyaya ino tichakurukura zvinhu zvaachabvisa. Jehovha achabvisei kuti panyika pave nerugare nemufaro? Mhinduro yemubvunzo uyu ichasimbisa kutenda kwedu uye ichaita kuti tirambe tichitsungirira.
14 Nyaya Youpenyu—Ndakatsunga Kuramba Ndiri Musoja waKristu
VHIKI YAJUNE 12-18, 2017
18 “Mutongi Wenyika Yose” Anogara Achiita Zvakarurama
VHIKI YAJUNE 19-25, 2017
23 Unoona Kururamisira Sezvakunoitwa naJehovha Here?
Patinofunga kuti tabatwa zvisina kunaka kana kuti patinoona sekuti pane kusaruramisira kwaitika, kutenda, kuvimbika uye kuzvininipisa kwedu kungaedzwa. Nyaya idzi dzichaongorora nyaya nhatu dzemuBhaibheri dzichatibatsira kuti tione kururamisira sezvakunoitwa naJehovha.
VHIKI YAJUNE 26, 2017–JULY 2, 2017
28 Kuzvipira Kwako Ngakuite kuti Jehovha Arumbidzwe!
Jehovha haana chaanoshaya, asi anofara paanoona tiine chido chakasimba chekutsigira uchangamire hwake. Zvitsauko 4 ne5 zvebhuku raVatongi zvinoratidza kuti Jehovha anokoshesa kuzvipira kwatinoita pakuita basa rake.