RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp18 nha. 1 pp. 12-13
  • 3 Bhaibheri Rinokubatsira Kutsungirira Matambudziko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 3 Bhaibheri Rinokubatsira Kutsungirira Matambudziko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHIRWERE CHISINGARAPIKI
  • KUFIRWA
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kunyengetera Kunokubatsirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Kubatsira Kunoita Munyengetero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mawanire Akaita Vamwe Mhinduro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
wp18 nha. 1 pp. 12-13
Mukadzi ari kuchema hama yake kumakuva; mukadzi ari pawiricheya achiparidzirwa Shoko raMwari

3 Bhaibheri Rinokubatsira Kutsungirira Matambudziko

Pane mamwe matambudziko atisingakwanisi kudzivisa kana kugadzirisa panguva ino. Mamwe acho kufirwa kana kuti kubatwa nechirwere chisingarapiki. Unogona kunge usina chimwe chaungaita kunze kwekutsungirira marwadzo acho. Bhaibheri rinogona kukubatsira here panguva yakaoma kudaro?

CHIRWERE CHISINGARAPIKI

Rose anoti: “Ndine chirwere chinoita kuti ndirwadziwe zvisingamboiti. Handichakwanisi kuita zvimwe zvinhu zvandaimboita.” Dzimwe nguva paaidzidza Bhaibheri kana kuita zvimwe zvinhu zvekunamata, aitadza kuisa pfungwa dzake ipapo. Asi akabatsirwa chaizvo nemashoko aJesu ari pana Mateu 19:26, ayo anoti: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” Rose akaona kuti aigona kudzidza Bhaibheri achishandisa dzimwe nzira. Dzimwe nguva aimborwadziwa zvekusvika pakutadza kuverenga, saka akatanga kuteerera Bhaibheri uye mamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri akarekodhwa.a Anoti, “Kudai pasina zvinhu zvakarekodhwa izvi, handizivi kuti ndingadai ndakaita sei kuti ndirambe ndakasimba pakunamata.”

Rose paanomboora mwoyo nemhaka yekutadza kuita zvimwe zvinhu zvaaimboita, anonyaradzwa nemashoko ari pana 2 VaKorinde 8:12 anoti: “Kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika kwazvo maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.” Mashoko iwayo anoyeuchidza Rose kuti Mwari anofara nezvaanokwanisa kuita.

KUFIRWA

Delphine, ambotaurwa nezvake anoti: “Pakafa mwana wangu aine makore 18, ndakarwadziwa zvekuti ndaitoti kufawo kuri nani. Zvinhu zvese zvakanga zvachinja.” Akanyaradzwa nemashoko ari pana Pisarema 94:19, anoti: “Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.” Anoti, “Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuti ndiwane zvinhu zvekuita zvaizondinyaradza.”

Akabva atanga kupedza nguva yakawanda achiita basa rekuparidza. Akanga ava kuzviona sekirayoni revana rekuti kunyange rikatyoka rinenge richiri kushanda. Iye ainzwa seatyoka, asi akaona kuti achiri kugona kubatsira vamwe. Anoti: “Ndakaona kuti pandaishandisa Bhaibheri kunyaradza vamwe, zvaitondinyaradzawo.” Akanyora pasi vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakambofirwawo. Anoti: “Vese vaigara vachinyengetera.” Akadzidzawo kuti “kana usingaverengi Bhaibheri haugoni kutsungirira.”

Kudzidza Bhaibheri kwakabatsira Delphine kuisa pfungwa pane ramangwana. Anonyaradzwa nemashoko ari pana Mabasa 24:15 anoti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Anozvibvuma here kuti Jehovha achamutsa mwana wake? Delphine anoti: “Ndine chokwadi chekuti ndichaonazve mwana wangu kana nguva yaJehovha yekumutsa vakafa yakwana. Ndinozviona tichitamba tese uye ndichimuda semadiro andaimuita paakazvarwa.”

Mashoko anotevera ndeekuwedzera

a Zvakarekodhwa izvi zvinowanikawo pawebsite yedu inonzi jw.org.

Bhaibheri rinogona kukunyaradza kunyange zvinhu pazvinenge zvakanyanya kukuomera

MWARI ANOGONA KUTIBATSIRA SEI?

Mhinduro yeBhaibheri yakajeka. Rinoti: “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari, navose vanodana kwaari zvechokwadi. Achaita zvinodiwa navose vanomutya, achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye achavaponesa.” (Pisarema 145:18, 19) Mashoko aya haanyaradzi here? Asi Mwari anopindura sei minyengetero yevanhu vanokumbira nemwoyo wese kubatsirwa?

NEKUTIPA SIMBA:

Matambudziko anogona kutiodza mwoyo kana kutipedza simba. (Zvirevo 24:10) Asi Jehovha “anopa munhu akaneta simba; uye anowedzera simba kune uya asina simba guru.” (Isaya 40:29) Muapostora Pauro akatsungirira matambudziko akawanda uye akati: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Mweya mutsvene waMwari ndiwo wakamubatsira. Newewo unogona kukumbira Mwari kuti akupe mweya mutsvene.​—Ruka 11:13.

NEKUTIPA UCHENJERI:

Ko kana uchida kubatsirwa kunzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri uye kuziva kuti ungazvishandisa sei? Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jakobho 1:5) Kuverenga Bhaibheri uye kushandisa zvarinotaura ndiko kuchaita kuti uite zvinoenderana nezvawakumbira Mwari. (Jakobho 1:23-25) Ukaita izvi, uchaona kuti zvarinotaura zvinobatsira.

NEKUTIPA RUGARE:

Jehovha anogona kukubatsira kuti unzwe kugadzikana, kunyange paunenge uchizvidya mwoyo zvakanyanya. Shoko rake rinoti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Wadii kukumbira Jehovha kuti akupewo rugare irworwo?

Ko kana matambudziko ako asiri kupera? Usabva wafunga kuti Mwari akusiya. Kunyange kana matambudziko akaramba aripo, Mwari anogona kukupa simba rekuti utsungirire. (1 VaKorinde 10:13) Bhaibheri rinovimbisawo kuti Mwari achabvisa zvachose matambudziko edu!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe