NYAYA YEKUDZIDZA 29
“Endai Munoita . . . Vadzidzi”
“Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.”—MAT. 28:19.
RWIYO 60 Kana Vachida Upenyu
ZVICHADZIDZWAa
1-2. (a) Maererano nemurayiro waJesu uri pana Mateu 28:18-20, nderipi basa guru rinofanira kuitwa neungano yechiKristu? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?
VAAPOSTORA vanofanira kunge vaitarisira chaizvo kuonana naJesu pavainge vakaungana mujinga megomo. Jesu akanga aronga kuti azoonana nevadzidzi vake panzvimbo iyoyo pashure pekunge amutswa. (Mat. 28:16) Kunenge kuti ipapo ndipo paakazviratidza “kuhama dzinopfuura 500 dzakaungana pamwe chete.” (1 VaK. 15:6) Nei Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vazosangana ikoko? Aida kuvapa murayiro wekuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.”—Verenga Mateu 28:18-20.
2 Pakazotanga ungano yechiKristu, paivawo nevadzidzi ivavo vakanzwa mashoko aJesu. Basa guru raifanira kuitwa neungano iyi raiva rekubatsira vamwe vanhu kuti vave vadzidzi vaKristu.b Mazuva ano kwava neungano dzakawanda dzevaKristu vechokwadi pasi rese uye basa ravo guru nderekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Munyaya ino tichakurukura mibvunzo 4 inoti: Nei basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi richikosha chaizvo? Basa racho rinosanganisirei? VaKristu vese vane zvavanoita here pakuita kuti vanhu vave vadzidzi? Uye nei tichifanira kuva nemwoyo murefu pakuita basa iri?
NEI BASA REKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI RICHIKOSHA CHAIZVO?
3. Maererano naJohani 14:6 uye 17:3, nei basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi richikosha chaizvo?
3 Nei basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi richikosha chaizvo? Nekuti vadzidzi vaKristu ndivo vega vanokwanisa kuva shamwari dzaMwari. Uyewo, vaya vanotevera Kristu vanova neupenyu huri nani iye zvino uye tariro yekurarama nekusingaperi mune ramangwana. (Verenga Johani 14:6; 17:3.) Jesu akatipa basa rinokosha chaizvo, asi hatiiti basa iri tiri tega. Achitaura nezvake uye nezvedzimwe shamwari dzake, muapostora Pauro akanyora kuti: “Tinoshanda pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Iyi iropafadzo yakazonaka chaizvo yatakapiwa naJehovha naJesu, isu vanhu vane chivi!
4. Tinodzidzei pane zvakaitwa naIvan naMatilde?
4 Basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rinoita kuti tifare chaizvo. Funga zvakaitwa naIvan nemudzimai wake Matilde, vanogara kuColombia. Vakaparidzira mumwe murume wechidiki anonzi Davier uyo akavaudza kuti: “Ndinoda kuchinja upenyu hwangu asi ndiri kuzvitadza.” Davier aiva mutambi wetsiva, aishandisa madhiragi, ainwa doro zvisingaiti uye aigara nemumwe mukadzi waainge asina kuroorana naye anonzi Erika. Ivan anoti: “Takatanga kumushanyira kumba kwake. Kwaiva kure zvekuti taiita maawa akawanda tichichovha mabhasikoro mumigwagwa yaiva nematope. Erika paakaona kuchinja kwainge kwava kuita Davier achiva munhu kwaye, akabva atangawo kudzidza Bhaibheri.” Nekufamba kwenguva, Davier akarega zvemadhiragi, kunwa uye tsiva. Akabva achata naErika. Matilde anoti: “Davier naErika pavakabhabhatidzwa muna 2016, takayeuka kuti Davier aigara achiti, ‘Ndinoda kuchinja asi ndiri kuzvitadza.’ Takafara zvekuti misodzi yakabuda.” Zviri pachena kuti tinofara chaizvo patinobatsira vanhu kuti vave vadzidzi vaKristu.
BASA RACHO RINOSANGANISIREI?
5. Idanho ripi ratinotanga kutora pakuita kuti vanhu vave vadzidzi?
5 Danho rekutanga ratinotora pakuita kuti vanhu vave vadzidzi ‘nderekutsvaga’ vaya vanoda kudzidza nezvaJehovha. (Mat. 10:11) Patinoedza kuparidzira vanhu vese vari mundima yedu, tinoratidza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Patinoteerera murayiro waKristu wekuparidza tinoratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi.
6. Chii chinotibatsira kuti tibudirire muushumiri?
6 Vamwe vanhu vanoda chaizvo kudzidza Bhaibheri, asi vakawanda vangaita sevasina basa nazvo patinotanga kuonana navo. Pamwe pacho zvingatoda kuti tivakurudzire kuti vade kudzidza. Kuti tibudirire muushumiri, tinofanira kunyatsogadzirira. Sarudza nyaya dzingangofarirwa nevanhu vauchasangana navo. Chibva waronga kuti uchatanga sei kutaura nezvenyaya imwe neimwe.
7. Ungatanga sei kukurukura nemumwe munhu, uye nei uchifunga kuti zvinokosha kumuteerera uye kumuremekedza?
7 Unogona kutanga nekuti: “Ndingadawo kunzwa pfungwa dzenyu panyaya iyi. Matambudziko akawanda atiinawo mazuva ano ari kusangana nevanhu pasi rese. Kana pakava nehurumende inotonga pasi rese, munofunga kuti matambudziko evanhu angapera here?” Munogona kubva makurukura Dhanieri 2:44. Kana kuti ungabvunza muvakidzani wako kuti: “Munofunga kuti ndeipi nzira yakanaka chaizvo yekudzidzisa vana kuti vave netsika dzakanaka?” Chibvai makurukura zviri pana Dheuteronomi 6:6, 7. Chero nyaya yaunenge wasarudza kukurukura, funga nezvevanhu vauchataura navo. Fungidzira kuti vachabatsirwa sei nekuziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Paunenge uchitaura navo, zvakanaka kuvateerera uye kuremekedza maonero avo. Izvi zvichaita kuti uvanzwisise uye kakawanda kacho vachakuteerera.
8. Nei zvichikosha kuti tigare tichidzokera kunoona vanhu vanofarira?
8 Zvakanaka kuwana nguva yekuti urambe uchidzokera kunoona vanhu vakaratidza kufarira mashoko atinoparidza. Nemhaka yei? Nekuti dzimwe nguva vanenge vasiri pamba kana kuti vanenge vasingakwanisi kutaura nesu patinodzokera kunovaona. Uyewo zvingada kuti udzokere kanoverengeka kuti saimba anzwe akasununguka kudzidza newe Bhaibheri. Yeuka kuti muti unokura kana ukagara uchidiridzwa. Saizvozvowo, munhu anenge aratidza kufarira anowedzera kuda Jehovha naKristu kana tikagara tichikurukura naye Shoko raMwari.
VAKRISTU VESE VANE ZVAVANOITA HERE PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI?
Pasi rese, Zvapupu zvinobatanidzwa pakutsvaga vanhu vakakodzera (Ona ndima 9-10)c
9-10. Nei tingati mushumiri wese wechiKristu anobatanidzwa pakuwana vanhu vanoda kudzidza chokwadi?
9 MuKristu wese ane zvaanoita pakuwana vanhu vari kutsvaga chokwadi. Tinogona kufananidza basa iri nekutsvaga mwana anenge arasika. Zvakafanana papi? Kamwe kakomana kaiva nemakore matatu kakabva pamba kachibva karasika. Vanhu vanenge 500 vakatanga kutsvaga mwana iyeye. Mumwe munhu akazomuwana ari mumunda wechibage papera maawa 20 kubva paakarasika. Munhu akamuwana akaramba kupiwa mbiri yekuti ndiye ainge amuwana. Akati: “Pashanda vanhu vakawanda kuti awanike.”
10 Vanhu vakawanda vakaita semwana iyeye. Vanonzwa sevakarasika. Havana tariro, asi vanoda kubatsirwa. (VaEf. 2:12) Isu vanopfuura mamiriyoni 8 tiri kushanda pamwe chete pakutsvaga vanhu ava. Iwe pachako ungasawana munhu wekudzidza naye Bhaibheri. Asi vamwe vaparidzi vari kushanda ndima iyoyo vangawana vanhu vanoda kudzidza chokwadi chiri muShoko raMwari. Hama kana hanzvadzi ikawana mumwe munhu anova mudzidzi waKristu, munhu wese anenge abatsira pabasa rekutsvaga munhu iyeye ane chikonzero chakanaka chekupembera nemufaro.
11. Kunyange usiri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, ungabatsira sei pakuita kuti vanhu vave vadzidzi?
11 Kunyange usiri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri panguva ino, unogona kubatsira nedzimwe nzira pakuita kuti vanhu vave vadzidzi. Unogona kugamuchira vatsva kana kushamwaridzana navo pavanouya kuImba yeUmambo. Kana ukavaratidza rudo saizvozvo unovaita kuti vaone kuti tiri vaKristu vechokwadi. (Joh. 13:34, 35) Mhinduro dzaunopa pamisangano, kunyange dziri pfupi, dzinodzidzisa vatsva kuti vataure kutenda kwavo zvichibva pamwoyo uye zvine ruremekedzo. Unogonawo kuenda muushumiri nemuparidzi mutsva womubatsira kushandisa Bhaibheri pakudzidzisa vanhu. Paunodaro unenge uchimudzidzisa kutevedzera Kristu.—Ruka 10:25-28.
12. Kuti tiite kuti vanhu vave vadzidzi, tinotofanira kuva neunyanzvi hunoshamisa here? Tsanangura.
12 Kuti tibatsire vanhu kuti vave vadzidzi vaJesu, hazvirevi hazvo kuti tinotofanira kuva neunyanzvi hunoshamisa. Nei tichidaro? Funga nezvaFaustina, anogara kuBolivia. Akanga asingagoni kuverenga paakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha. Iye zvino ava kuti gonei kuverenga. Akabhabhatidzwa uye anoda chaizvo kudzidzisa vamwe. Anowanzoitisa zvidzidzo zveBhaibheri 5 vhiki imwe neimwe. Kunyange zvazvo Faustina asati ava kunyatsoverenga sezvinoita vakawanda vaanodzidzisa, akabatsira vanhu 6 kusvika pakubhabhatidzwa.—Ruka 10:21.
13. Kunyange tiine zvakawanda zvekuita, ndeapi mamwe makomborero atinogona kuwana mubasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi?
13 VaKristu vakawanda vakabatikana zvikuru nekuti vane zvakawanda zvekuita. Kunyange zvakadaro, vanowana nguva yekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye izvi zvinoita kuti vafare chaizvo. Funga nezvaMelanie uyo anogara kuAlaska. Airera ega mwanasikana wake aiva nemakore 8. Aienda kubasa kwemazuva 5 pavhiki uye aichengetawo baba vake vairwara nekenza. Melanie ndiye ega aiva Chapupu mutaundi racho. Aigara achinyengetera kuti awane simba rekuenda muushumiri kunyange pakwaitonhora, nekuti aida kuwana munhu wekudzidza naye Bhaibheri. Akazoonana naSara, uyo akafara chaizvo paakadzidza nezvezita raMwari. Papera kanguva, Sara akabvuma kudzidza Bhaibheri. Melanie anoti: “Manheru eChishanu chega chega ndaiwanzonge ndakaneta chaizvo, asi ini nemwanasikana wangu taibatsirwa nekuenda kunoitisa chidzidzo ichocho. Tainakidzwa nekutsvakurudza mhinduro dzemibvunzo yaSara, uye takafara chaizvo kumuona achiva shamwari yaJehovha.” Sara akava neushingi hwekutsungirira kupikiswa kwaaiitwa nehama neshamwari, uye akasiya chechi yake ndokubhabhatidzwa.
NEI BASA REKUITA VADZIDZI RICHIDA MWOYO MUREFU?
14. (a) Basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rakafanana papi nekubata hove? (b) Mashoko aPauro ari pana 2 Timoti 4:1, 2 anokukurudzira kuitei?
14 Kunyange zvichiita sekuti hausi kuwana munhu anoda kudzidza, usaneta. Yeuka kuti Jesu akafananidza basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi nerekubata hove. Vanhu vanobata hove vanogona kupedza maawa akawanda vasati vabata kana imwe chete. Vanowanzoshanda kusvika pakati peusiku kana kuti kwava kuedza, uye dzimwe nguva vanofamba madaro akareba nezvikepe. (Ruka 5:5) Izvi ndizvo zvinoitwawo nevamwe vaparidzi. Vanoratidza mwoyo murefu pavanopedza maawa akawanda vachitsvaga vadzidzi munzvimbo dzakasiyana-siyana uye panguva dzakasiyana-siyana. Vanozviitirei? Vanozviitira kuti vave nemikana yakawanda yekuwana vanhu. Kakawanda, vaya vanoshanda nesimba vanowana vanhu vanofarira mashoko edu. Wadii kumboedza kuparidza panguva inowanzowanika vanhu kana kuti panzvimbo yavanowanika.—Verenga 2 Timoti 4:1, 2.
Iva nemwoyo murefu paunenge uchibatsira vadzidzi vako kuti vade Jehovha, vamuzive, uye vamuteerere (Ona ndima 15-16)d
15. Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri?
15 Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichidzidza nevanhu Bhaibheri? Chimwe chikonzero ndechekuti tinofanira kubatsira mudzidzi kuti azive uye ade zvinodzidziswa neBhaibheri. Tinofanirawo kumubatsira kuti asvike pakuziva uye kuda Munyori weBhaibheri, Jehovha. Uyewo anofanira kudzidziswa zvakarayirwa naJesu kuti vadzidzi vake vaite, uye kubatsirwa kuziva kuti angararama sei semuKristu wechokwadi. Tinofanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichimubatsira kuti ashandise zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwake. Vamwe vadzidzi vanokwanisa kuchinja mafungiro nemararamiro avo mumwedzi mishomanana, asi vamwe vanotora nguva yakati rebei.
16. Wadzidzei pane zvakaitika kuna Raúl?
16 Kuva nemwoyo murefu kwakaita kuti mumwe mumishinari aiva kuPeru akwanise kubatsira mumwe murume. “Ndakadzidza mabhuku maviri nemumwe murume ainzi Raúl,” anodaro mumishinari wacho. “Asi akanga achiine zvinhu zvakawanda zvaaifanira kuchinja muupenyu hwake. Ainetsana nemudzimai wake, aituka, uye vana vake vaisamuremekedza nemhaka yemaitiro ake. Kunyange zvakadaro, aigara achiuya kumisangano, saka ndakaramba ndichimushanyira kuti ndimubatsire pamwe nemhuri yake. Pashure pemakore matatu kubva patakatanga kuonana, akazobhabhatidzwa.”
17. Tichakurukurei munyaya inotevera?
17 Jesu akatiudza kuti ‘tiende kunoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.’ Patinenge tichiita basa iri, tinowanzotaura nevanhu vane mafungiro akasiyana chaizvo needu kusanganisira vaya vasina kana chitendero chavanopinda kana kuti vasingatendi muna Mwari. Nyaya inotevera ichataura kuti tingasvitsa sei mashoko akanaka kuvanhu vakadaro.
RWIYO 68 Kudyara Mbeu yeUmambo
a Basa guru reungano yechiKristu nderekubatsira vanhu kuti vave vadzidzi vaKristu. Nyaya ino ichatipa mazano angatibatsira kuti tikwanise kuita basa redu.
b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Vadzidzi vaKristu havangogumiri pakuziva zvakadzidziswa naJesu. Vanoita zvavanenge vadzidza. Vanoedza kutevedzera muenzaniso waJesu kana kuti kumutevera nemaakatsika namo.—1 Pet. 2:21.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume ari kuenda kuzororo atora turakiti pane Zvapupu panhandare yendege. Anozoona zvakare zvimwe Zvapupu zvichiparidza nechingoro ari pazororo. Anoshanyirwa nevaparidzi pamba pake abva kuzororo.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume uya anotanga kudzidza Bhaibheri. Anozobhabhatidzwa.