1994 “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Dzoruwa
1 Idzodzi dzichaitwa mukati mamazororo echikoro aAugust/September. Kuri kurongwa kuti purogiramu yechiNgezi ichava muHarare.
2 Zvino ndiyo nguva yokutanga kugadzirira kupinda ndokutsigira kokorodzano yenyu. Uchafanira kutanga kuchengeta mari yendyiko dzokufamba kwemhuri yako nepokugara. Uyewo, semhuri kana kuti seungano, chii chamunogona kupa mune zvemari mwedzi mumwe nomumwe kukufukidza ndyiko dzekokorodzano? Iyi mipiro inogona kutumirwa zvakananga kuSosaiti nefomu rinokumbanira reMari Inotumirwa Nekumbiro Yokubvisirwa Chikwereti (S-20) rinojekesa kuti iyi mari ndeyekokorodzano ipi. Tapota musaronga mupiro wenyu pafomu renyu rokutumira mari romwedzi nomwedzi renguva dzose asi panzvimbo pezvo shandisai rakaparadzana. Ungano yenyu ichapinda nzvimbo yekokorodzano imwe cheteyo yayakapinda muna 1993.
3 Munyori muungano yenyu achatarisira nhau dzose dzine chokuita neKokorodzano Yoruwa uye achachengeta ungano ichiziva zvinoitika zvose pamusoro pekokorodzano.
4 Kuimba nziyo dzerumbidzo rutivi rwokunamata kwedu Jehovha naizvozvo vose vanokurudzirwa kurovedzana namarimba, mashoko uye mifungo yenziyo dzichaimbwa pakokorodzano. Tinoda kudziimba nokunzwa nembavarira. Naizvozvo ungano dzinofanira kuronga kurovedza kuimba idzi nziyo: 53, 84, 85, 111, 185, 155, 19, 202, 47, 180, 177, 113, 143, 191, 33, 114, 222.
5 Sezvo tose tinovavarira kuramba tichitanga kutsvaka Umambo muupenyu hwedu, ngatitange kugadzirira zvino kupinda ndokutsigira 1994 “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano yedu Yoruwa.