RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/94 p. 2
  • Govera Bhuku raVechiduku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Govera Bhuku raVechiduku
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku Rinobatsira Vechiduku Kuyeuka Musiki Wavo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Shoko raMwari Rinogovera Nhungamiro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kubatsira Vaduku Vanhasi
    Mukai!—2005
  • Kuita Kuti Nguva Yako Youduku Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 3/94 p. 2

Govera Bhuku raVechiduku

1 Kunyange zvazvo bhuku raMugumo waZvakazarurwa riri kusimbiswa mwedzi uno, ungasarudza kugovera bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku kana ukataura kumubereki kana kuti pwere inoitira hanya pamusoro pezvinetso zvinokangaidza vanhu vaduku.

2 Ungakuwana kuva kwakakodzera kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:

◼ “Kukura munguva dzino dzinotambudza hakusati kuri nyore. Pwere dzinotarisana nemigariro mitsva yakawanda iyo inoda kuti dziite zvisarudzo zvinokosha. ‘Ndinofanira kunwa here? Kushandisa mirimo? Mufambiroi wakakodzera nevemitezo yokubereka nayo yakasiana?’ Apo vanhu vaduku vanobvunza pamusoro peidzi nhau dzinokosha, kazhinji kazhinji vanowandirwa nemhinduro dzinorwisana. Munofunga kuti vakawanda vavo vanotendeukira kupi nokuda kwezano? [Bvumira tsinhiro.] Bhuku rino, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rinogovera mashoko anobetsera. [Nangidzira ngwariro kundaza yezviri mukati, uchiratidza mhatsa yenhau dzinofukidzwa.] Pwere dzinoda mhinduro dzakananga uye dzapachokwadi. Mhinduro dziri mubhuku rino dzinotsigirwa neizvo Bhaibheri rinotaura.”

3 Heino imwe mharidzo yaungakwanisa kushandisa:

◼ “Vanhu vaduku vari mudzvinyiriro dzakawanda nhasi. Vanoda betsero kuti vagonane nadzo nenzira inobudirira. Apo tinenge tichiedza napatinogona napo pose kuvabetsera, hatitsvaki chimwe chinhu chinogovera nhungamiro inoshanda here? [Bvumira tsinhiro.] Dzimwe dzedzvinyiriro dzakakomba zvikurusa dzinobva kudzimwe pwere, vaenzani vavo. Cherekedzai mifanikiso iri pamapeji 76 ne 77 mubhuku rino. [Nangidzira ngwariro kumashoko anotsanangura mifanikiso eiyi mifanikiso nokundima dzakanyorwa namabhii akatsveyama papeji 77.] Mapeji anotevera muganhuro rino anoonesa mhinduro dzakatendeseka, dzinoshanda.”

4 Zvamazvirokwazvo dzino i“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,” zvikurukuru nokuda kwavanhu vaduku. (2 Tim. 3:1, NW) Bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku rinogona chaizvoizvo kubetsera munhu muduku kutarisana nedenho dzanhasi nenzira inobudirira. Maganhuro 39 ane mifanikiso yakawanda, uye nyaya dzacho ndedzapachokwadi uye dzinoshanda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe