Bhokisi Remibvunzo
◼ Muitiroi unofanira kuteverwa pakupa zvisarudzo kuungano?
Chisarudzo chinodikanwa apo chisarudzo chinofanira kuitwa pamusoro penhau dzinokosha zvakadai sokutenga nzvimbo, kugadziridza kana kuti kuvaka Horo yoUmambo, kutumira mipiro chaiyo kuSosaiti, kana kuti kutarisira ndyiko dzomutariri wedunhu. Kazhinji kazhinji kwakanakisisa kupa chisarudzo nokuda kwetendero nguva imwe neimwe mari yeungano inoshandiswa.
Kasiri kazhinji kazhinji, ungano ingasarudza kamwe kupa chitsama chakati mwedzi mumwe nomumwe kuSosaiti mukuwedzera kune izvo munhu mumwe nomumwe ari kutopa kubasa rokuparidzira renyika yose. Uyewo, ndyiko dzenguva dzose dzokushanda kweHoro yoUmambo, zvakadai sezvokushandisa nemigove yokuchenesa, hazvidi chisarudzo.
Apo dikanwo inova pachena, mutumbi wavakuru unofanira kusanokurukura nhau yacho. Kana voruzhinji vachibvuma kuti chimwe chinhu chinofanira kuitwa, mumwe wavakuru, zvichida mutezo weDare Rebasa reUngano, anofanira kugadzira chisarudzo chakanyorwa nokuda kwokupiwa paMusangano Webasa.
Mukuru anoita sasachigaro anofanira kutsanangura nokupfupikisa asi nenzira yakajeka chinodikanwa chiripo uye izvo mutumbi wavakuru unorumbidza kuchitarisira. Ungano ipapo inopiwa banza rokubvunza mibvunzo yakakodzera. Kana nhau yacho yakaoma, kungava kwakanakisisa kunonozetsa kuvhota kutozosvikira Musangano Webasa unotevera kupa munhu ari wose nguva yokufunga pamusoro payo. Kuvhota chaikoiko kunoitwa nokusimudzwa kwamaoko.
Kuvhota pachisarudzo kwakaganhurirwa kumitezo yakazvitsaurira uye yakabhapatidzwa yeungano kutoti zvinodikanwa zvomutemo zvichiraira neimwe nzira. Hakungavi kwakafanira kuti vashanyi (Zvapupu) vanobva kudzimwe ungano vatore rutivi.
Pashure pokunge chisarudzo chatenderwa, chinofanira kunyorwa musi, kusainwa, uye kuiswa mumupakwa weungano.