RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/94 p. 1
  • Misangano Yebasa yaFebruary

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaFebruary
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Rinotanga naFebruary 7
  • Vhiki Rinotanga naFebruary 14
  • Vhiki Rinotanga naFebruary 21
  • Vhiki Rinotanga naFebruary 28
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 2/94 p. 1

Misangano Yebasa yaFebruary

Vhiki Rinotanga naFebruary 7

Rwiyo 131

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakasarudzwa zvomuHushumiri Hwedu hwoUmambo. Simbisai kugoverwa kwamagazini kwakavakirwa pazvinyorwa zvazvino. Hwirudzurai mapfundo makuru ari muBhokisi Remibvunzo.

18 min: “Kudziridza Fariro muUmambo hwaMwari Hworugare.” Kurukurirano yenyaya yacho navateereri. Mienzaniso miviri. Pashure pokurangarira ndima 2, ratidzai nzira yokugovera nayo turakiti kuna saimba uyo akabatikana. Itai kuti muparidzi abvunze nenzira yoruremekedzo mubvunzo uyo uchavanzarika hwaro hweshanyo yedzokerero. Enzanisirai mharidzo iri mundima 3 umo saimba anoratidza fariro uye muparidzi anoshandisa bhurocha. Zvakare, hwaro hunofanira kuvanzarikwa nokuda kweshanyo yedzokerero.

12 min: “Tariro—Dziviriro Inokosha Munyika Isingafari.” Hurukuro youshamwari neinokurudzira yakavakirwa pamashoko ari muNharireyomurindi, April 15, 1993, mapeji 10 kusvikira ku 13.

Rwiyo 137 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Rinotanga naFebruary 14

Rwiyo 126

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Rondedzerai kutaura kweSosaiti kwokuonga mipiro yakatumirwa, uye rumbidzai ungano nokuda kwokutsigira nokuvimbika zvinodikanwa zveungano zvomunzvimbomo. Kurudzirai kutora rutivi mumubato womumunda wokupera kwevhiki, uye ratidzai gadziriro chaidzo dzipi nedzipi dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki.

20 min: “Nyandura Kukura Kupfurikidza Neshanyo Dzedzokerero Dzine Revo.” Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro. Ivai nomuenzaniso weshanyo yedzokerero yakavakirwa pamharidzo iri mundima 3. Simbisai kudikanwa kwenzwisiso mukusafukidza mashoko akanyanyowanda mukati meshanyo, uye simbisai ukoshi hwokunyandura fariro mushanyo yenguva yemberi.

15 min: “Muchavengwa Namarudzi Ose.” Hurukuro inokurukurwa nomukuru ane ruzivo rwokuzviwanira.

Rwiyo 122 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Rinotanga naFebruary 21

Rwiyo 198

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe.

15 min: “Rumbidzai Dangwe raJehovha!” Kufukidzwa nemibvunzo nemhinduro kwenyaya yacho. Kupa kwoushamwari, kwembavarira kunoitwa nomukuru, achikurudzira vose kuita ndaza yavanhu vavachakoka kuti vapinde Chirangaridzo nehurukuro yavose yenguva dzose inotevera. Enzanisirai mapfundo anodudzwa mundima 7. Itai kuti muparidzi asvike munhu anopinda muHoro yoUmambo ndokutarira-tarira. Muparidzi anoziva kuti munhu iyeyo akakurudzirwa kupinda nehama yokunyama inogara mune rimwe guta. Muparidzi anokumbira munhu wacho kuti agare naye nemhuri yake kuti vagogona kugoverana Bhaibheri nebhuku renziyo. Muparidzi anokarakadza kupindura mibvunzo ipi neipi iyo munhu iyeyo angava nayo pashure pomusangano wacho. Gumisai rutivi rwacho kupfurikidza nokuzivisa nguva iyo ungano ichachengeta Chirangaridzo.

10 min: Bhaibheri—Manyuko Edu Akanakisisa Ekurudziro. Bhuku raKurangarira, mapeji 138-142. Hurukuro inokurukurwa nomukuru. Vakawanda vari mukati nokunze kweungano vanoda kurudziro. Ratidzai kuti muparidzi mumwe nomumwe ari muungano anogona sei kushandisa Shoko raMwari kukurudzira vamwe.

15 min: “Kunobetsera Sei Kurondedzera Izvo Jehovha Akaita!” Kurukurirano yemibvunzo nemhinduro yendima 1-11 dzenyaya ino muwedzero. Ivai netsinhiro mbiri dzakagadzirirwa dzinoitwa nehama dzine gadziriro yomunhu oga kana kuti yemhuri yokurava bhuku racho. Vakumbirei kududza chimwe chinhu chavakaonga kudzidza.

Rwiyo 208 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Rinotanga naFebruary 28

Rwiyo 219

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ratidzai bhuku rinogoverwa nokuda kwaMarch.

15 min: “Kunobetsera Sei Kurondedzera Izvo Jehovha Akaita!” Kurangarirwa nemibvunzo nemhinduro kwendima 12-20 dzewedzero. Ivai nokutaura kuviri kwakagadzirirwa kunobva kuvaparidzi vakabetserwa nokurava bhuku racho.

15 min: “Tsigira Zvizere Purogiramu yeUngano Yenyu yoMusangano Wavose.” Hurukuro, asi ingabatanidza mibvunzo mumwe kana kuti miviri yakanangidzirwa kuvateereri. Tsanangurai kuti vanhu vanofarira vanopinda Musangano Wavose kwenguva yokutanga vanogona sei kuitwa kuti vanzwe vakasununguka. Ivai netsinhiro imwe yakagadzirirwa inobva kumuparidzi inoratidzira kuti akabetserwa sei nokupinda Musangano Wavose nguva dzose.

10 min: “Dzivisa Mutsa Usakarurama.” Hurukuro.

Rwiyo 197 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe