Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maMarch: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo nokuda kwe$16,50 kana Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$8,30. April naMay: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi nokuda kwe$27,50 kwegore rimwe kana kuti $13,75 kwemwedzi mitanhatu. June: Bhaibheri—iShoko raMwari Here kana kuti Romunhu? nokuda kwe$5,50 kana kuti rimwe bhuku ripi neripi ramapeji 192.
◼ Munhu ari wose akabatanidzwa neungano anofanira kutumira kuzvinyoresa kwose kutsva nokumutsidzira kweNharireyomurindi naMukai!, kubatanidza kuzvinyoresa kwomunhu oga, kupfurikidza neungano.
◼ Mutariri Anotungamirira kana kuti mumwe munhu anogadzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana March 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Zivisai ungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Kuvamba nevhiki raMay 16, 1994, bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama richarangarirwa paFundo yeBhuku yeUngano. Tapota odhai iri bhuku nokukurumidza kuti munhu ari wose ave nekopi.
◼ RURAMISO: Mubhuku raMugumo waZvakazarurwa muShona, papeji 313, chikamu 1, chinjai “Mwenga” kuti arave kuti “Mwene.”