Havana Kurega Kupupura
1 Zita redu, Zvapupu zvaJehovha, rinotizivisa uye rinorondedzera zvatinoita. Tinopupurira kuisvonaka kwaMwari wedu, Jehovha. (Isa. 43:10, 12) Mumwe nomumwe anofanira kugoverana mukupa uhwu uchapupu kana iye achizova mutezo weungano. Kupupura kunoitwa zvikurukuru kupfurikidza noushumiri hwedu hwapachena, uko kunobatanidza kushanyira imba neimba, kuita basa romumugwagwa, kuita shanyo dzedzokerero, nokuitisa fundo dzeBhaibheri. Tose zvedu tinokurudzirwa nomazvo kusvasvavirira goverano yakazara.—1 VaK. 15:58.
2 Mimwe mitezo yeungano, zvisinei, yakaganhurirwa mukuti inogona kuita zvakawanda sei. Chirwere chakakomba kana kuti undonda hungavaganhurira. Hama dzokunyama dzinoshora dzingapa mhinganidzo huru. Munhu muduku angaganhurirwa nomubereki asingatendi. Vanhu vamwe navamwe vanogara munharaunda dziri dzoga dzisina zvokufambisa vangakurangarira kuva kusingabviri. Kunyara kwomuzvarirwo kungagona kuparira vanotya kuzengurira. Vamwe vaparidzi vanozviwana vamene vari muiyi migariro kana kuti yakafanana vanganzwa kuti havasati vari kusvitsa mupimo savaKristu nemhaka yokuti zvavanokwanisa kuita zvishomanene zvikuru kupfuura izvo vamwe vari kuita uye zvishomanene kupfuura zvavanoda kuita chaizvoizvo. Hapana chikonzero chokuti vazvidze nhamburiko dzavo vamene. (VaG. 6:4) Vanogona kuwana nyaradzo mukuziva kuti Jehovha anofadzwa apo ivo vanopa zvakanakisisa zvavo mumugariro upi kana upi wavanozviwana vamene vari.—Ruka 21:1-4.
3 Kuwana Nzira Yokugoverana Nayo: Zviuru zvezvakaitika zvakarondedzerwa zvinoratidza nzira iyo vanhu vamwe navamwe mumigariro yakaoma vasina kubvumira nayo mhinganidzo kuvadzivisa kupupura. Vachishandisa kutanga kwavo kuita zvinhu, vakaronga mhatsa huru dzokuita nadzo kupupura kwamasanga. Avo vakaganhurirwa pamusha vakashandisa runhare kuzarura suo guru rokupupura. Mushanyi ari wose anorangarirwa somuteereri anobvira. Kunyange zvazvo mudzimai ane mhuri inoshora angasakwanisa kupupura mumusha, anoshandisa mikana yokutaura nayo kuvavakidzani kana kuti vamwe vaanosangana navo mubasa rake rezuva nezuva.
4 Munhu muduku angarambidzwa nomubereki asingatendi kugoverana mukupupura kwedu kwapachena. Panzvimbo pokugamuchira ikoko semhinganidzo isingakundiki, angarangarira vomukirasi biyake navadzidzisi se“ndima” yake yomunhu oga ndokukwanisa kupa uchapupu hwakaisvonaka uye zvichida kunyange kuitisa fundo dzeBhaibheri. Vakawanda vanogara munzvimbo dziri dzoga vave vachikwanisa kugoverana kupfurikidza nokunyora tsamba. Avo vanosundwa neshingairo yechiKristu nguva dzose vachawana nzira yakati kuti yokudzivisa nayo kuva “vasingaiti basa kana kuti vasingabereki zvibereko pamusoro pezivo yakarurama yaShe wedu Jesu Kristu.”—2 Pet. 1:8, NW.
5 Pamusoro pegoverano yedu mubasa rokupupura, Jehovha akagadza mupimo wakafanana nokuda kwavose, ndiko kuti, tinofanira kuva “vomwoyo wose.” (VaK. 3:23) Kunyange zvazvo chitsama chenguva chatinopedza uye nezvatinoita zvichasiyana, sundo huru ndiimwe cheteyo—rudo rwechokwadi runobva mu“mwoyo wakarurama.” (1 Mako. 28:9; 1 VaK. 16:14) Kana tiri kupa zvakanakisisa zvedu, hatisati tichizotongova nechikonzero chokunzwa kana kuti tiri kushayiwa kutenda kana kuti hatina basa semitezo yeungano nemhaka yokuti chitsama chatinokwanisa kuita chiduku. Kufanana naPauro, tinogona kutaura zvapachokwadi kuti isu ‘hatina kurega kutaura zvinhu zvinobetsera kana kuti kudzidzisa pachena.’—Mabasa 20:20.